마태복음 14장 Shona Bible
Shona Bible · 쇼나어 · 마태복음 (Matthew) · 36절 · 대역: King James Version
| 절 | Shona Bible | King James Version |
|---|---|---|
| 1 | Panguva iyo Herodhe umwe wevatongi vana wakanzwa mukurumbira waJesu, | At that time Herod the tetrarch heard of the fame of Jesus, |
| 2 | akati kuvaranda vake: Uyu ndiJohwani Mubhabhatidzi; iye wakamuka kuvakafa, naizvozvowo mabasa esimba awa anobata maari. | And said unto his servants, This is John the Baptist; he is risen from the dead; and therefore mighty works do shew forth themselves in him. |
| 3 | Nokuti Herodhe wakange abata Johwani akamusunga akamuisa mutirongo nekuda kwaHerodhiasi mukadzi waFiripi munin'ina wake. | For Herod had laid hold on John, and bound him, and put him in prison for Herodias’ sake, his brother Philip’s wife. |
| 4 | Nokuti Johwani wakange ati kwaari: Hazvitenderwi kwauri kuti uve naye. | For John said unto him, It is not lawful for thee to have her. |
| 5 | Zvino achida kumuuraya, akatya chaunga, nokuti vaimutora semuporofita. | And when he would have put him to death, he feared the multitude, because they counted him as a prophet. |
| 6 | Asi kwakati kuchichengetedzwa zuva rekuberekwa kwaHerodhe, mukunda waHerodhiasi akatamba pakati pavo, akafadza Herodhe. | But when Herod’s birthday was kept, the daughter of Herodias danced before them, and pleased Herod. |
| 7 | Naizvozvo wakavimbisa nemhiko kuti achamupa chipi nechipi chaaizokumbira. | Whereupon he promised with an oath to give her whatsoever she would ask. |
| 8 | Zvino iye, wakati amborairwa namai vake, akati: Ndipei pano mundiro musoro waJohwani Mubhabhatidzi. | And she, being before instructed of her mother, said, Give me here John Baptist’s head in a charger. |
| 9 | Mambo akashungurudzika, asi nekuda kwemhiko, uye kwevakange vagere naye pakudya, wakaraira kuti apiwe. | And the king was sorry: nevertheless for the oath’s sake, and them which sat with him at meat, he commanded it to be given her. |
| 10 | Akatuma vanhu, akagura Johwani musoro mutirongo. | And he sent, and beheaded John in the prison. |
| 11 | Musoro wake ukauyiswa mundiro, ukapiwa kumusikana, akauisa kuna mai vake. | And his head was brought in a charger, and given to the damsel: and she brought it to her mother. |
| 12 | Vadzidzi vake vakauya vakatora mutumbi vakauviga, vakaenda ndokuudza Jesu. | And his disciples came, and took up the body, and buried it, and went and told Jesus. |
| 13 | Jesu wakati azvinzwa, akabvapo nechikepe, akaenda kunzvimbo yerenje ari ega; asi zvaunga zvakati zvichizvinzwa zvikamutevera netsoka zvichibva mumaguta. | When Jesus heard of it, he departed thence by ship into a desert place apart: and when the people had heard thereof, they followed him on foot out of the cities. |
| 14 | Zvino Jesu wakati abuda akaona chaunga chikuru, akavanzwira tsitsi, akaporesa varwere vavo. | And Jesus went forth, and saw a great multitude, and was moved with compassion toward them, and he healed their sick. |
| 15 | Zvino ava madekwani, vadzidzi vake vakauya kwaari vachiti: Iyi inzvimbo yerenje, uye ikozvino nguva dzaenda; regai zvaunga zviende, kuti vaende kumisha vanozvitengera kudya. | And when it was evening, his disciples came to him, saying, This is a desert place, and the time is now past; send the multitude away, that they may go into the villages, and buy themselves victuals. |
| 16 | Asi Jesu wakati kwavari: Havafaniri kuenda; vapei imwi kuti vadye. | But Jesus said unto them, They need not depart; give ye them to eat. |
| 17 | Asi vakati kwaari: Hatina pano kunze kwezvingwa zvishanu nehove mbiri. | And they say unto him, We have here but five loaves, and two fishes. |
| 18 | Iye akati: Uyai nazvo pano pandiri. | He said, Bring them hither to me. |
| 19 | Akaraira zvaunga kuti zvigare pasi pauswa, zvino akatora zvingwa zvishanu nehove mbiri, akatarira kumusoro kudenga, akazviropafadza, ndokumedura akapa zvingwa kuvadzidzi, vadzidzi ndokupa kuzvaunga. | And he commanded the multitude to sit down on the grass, and took the five loaves, and the two fishes, and looking up to heaven, he blessed, and brake, and gave the loaves to his disciples, and the disciples to the multitude. |
| 20 | Vakadya vese, vakaguta; vakanonga zvimedu zvakasara, matengu gumi nemaviri azere. | And they did all eat, and were filled: and they took up of the fragments that remained twelve baskets full. |
| 21 | Uye vakange vadya vaiva varume vanenge zvuru zvishanu pasina vakadzi nevana. | And they that had eaten were about five thousand men, beside women and children. |
| 22 | Pakarepo Jesu wakamanikidza vadzidzi vake kupinda muchikepe, vamutungamirire mhiri, iye acharega zvaunga zvichienda. | And straightway Jesus constrained his disciples to get into a ship, and to go before him unto the other side, while he sent the multitudes away. |
| 23 | Zvino wakati arega zvaunga zvichienda, akakwira mugomo ari ega kunonyengetera; akati ava madekwani, wakange ari ega ipapo. | And when he had sent the multitudes away, he went up into a mountain apart to pray: and when the evening was come, he was there alone. |
| 24 | Asi chikepe zvino chakange chava pakati pegungwa chichitambudzwa nemafungu; nokuti mhepo yakange ichipikisa. | But the ship was now in the midst of the sea, tossed with waves: for the wind was contrary. |
| 25 | Nenguva yechina yemurindiro yeusiku Jesu akaenda kwavari achifamba pamusoro pegungwa. | And in the fourth watch of the night Jesus went unto them, walking on the sea. |
| 26 | Zvino vadzidzi vakati vachimuona achifamba pamusoro pegungwa, vakavhunduka vachiti: Chipoko; ndokudanidzira nekutya. | And when the disciples saw him walking on the sea, they were troubled, saying, It is a spirit; and they cried out for fear. |
| 27 | Asi pakarepo Jesu wakataura navo akati: Tsungai moyo; ndini; musatya. | But straightway Jesus spake unto them, saying, Be of good cheer; it is I; be not afraid. |
| 28 | Petro ndokumupindura akati: Ishe, kana muri imwi, ndirairei ndiuye kwamuri pamusoro pemvura. | And Peter answered him and said, Lord, if it be thou, bid me come unto thee on the water. |
| 29 | Ndokubva ati: Uya. Petro ndokuburuka muchikepe akafamba pamusoro pemvura, kuenda kuna Jesu. | And he said, Come. And when Peter was come down out of the ship, he walked on the water, to go to Jesus. |
| 30 | Asi wakati achiona mhepo ine simba, akatya; zvino otanga kunyura, akadanidzira, achiti: Ishe, ndiponesei! | But when he saw the wind boisterous, he was afraid; and beginning to sink, he cried, saying, Lord, save me. |
| 31 | Pakarepo Jesu wakatandavadza ruoko, akamubata, akati kwaari: Iwe werutendo rudiki, unokononei? | And immediately Jesus stretched forth his hand, and caught him, and said unto him, O thou of little faith, wherefore didst thou doubt? |
| 32 | Vakati vapinda muchikepe, mhepo ikanyarara. | And when they were come into the ship, the wind ceased. |
| 33 | Vakange vari muchikepe ndokuuya vakamunamata vachiti: Zvirokwazvo muri Mwanakomana waMwari. | Then they that were in the ship came and worshipped him, saying, Of a truth thou art the Son of God. |
| 34 | Vakati vayambuka, vakasvika panyika yeGenesareti. | And when they were gone over, they came into the land of Gennesaret. |
| 35 | Varume venzvimbo iyo vakati vamuziva vakatuma shoko panyika yese iyo yakapoteredza, vakauisa kwaari vese vairwara. | And when the men of that place had knowledge of him, they sent out into all that country round about, and brought unto him all that were diseased; |
| 36 | Vakakumbirisa kwaari kuti vabate chete mupendero wenguvo yake; uye vese vakabata vakaporeswa. | And besought him that they might only touch the hem of his garment: and as many as touched were made perfectly whole. |
Shona Bible — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GFDL · 출처 ↗
King James Version — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GPL