마태복음 13장 Shona Bible
Shona Bible · 쇼나어 · 마태복음 (Matthew) · 58절 · 대역: King James Version
| 절 | Shona Bible | King James Version |
|---|---|---|
| 1 | Nezuva iro, Jesu wakabuda mumba akagara pasi parutivi rwegungwa. | The same day went Jesus out of the house, and sat by the sea side. |
| 2 | Uye zvaunga zvikuru zvakaungana kwaari, kusvikira apinda muchikepe akagara pasi; nechaunga chese chakamira pamahombekombe. | And great multitudes were gathered together unto him, so that he went into a ship, and sat; and the whole multitude stood on the shore. |
| 3 | Ndokutaura zvinhu zvizhinji kwavari nemifananidzo, achiti: Tarirai, mukushi wakabuda kunokusha. | And he spake many things unto them in parables, saying, Behold, a sower went forth to sow; |
| 4 | Zvino pakukusha kwake, imwe mbeu yakawira kurutivi rwenzira; shiri dzikasvika dzikaidya. | And when he sowed, some seeds fell by the way side, and the fowls came and devoured them up: |
| 5 | Imwe ikawira panzvimbo dzine mabwe, payakange isina ivhu zhinji; ikamera pakarepo, nokuti pakange pasina udziku hwevhu. | Some fell upon stony places, where they had not much earth: and forthwith they sprung up, because they had no deepness of earth: |
| 6 | Kuzoti zuva rabuda, yakapiswa, uye nokuti yakange isina mudzi, yakasvava. | And when the sun was up, they were scorched; and because they had no root, they withered away. |
| 7 | Asi imwe yakawira paminzwa; minzwa ikakura, ikaivhunga. | And some fell among thorns; and the thorns sprung up, and choked them: |
| 8 | Asi imwe yakawira muvhu rakanaka, ikabereka chibereko, imwe zana, neimwe makumi matanhatu, neimwe makumi matatu. | But other fell into good ground, and brought forth fruit, some an hundredfold, some sixtyfold, some thirtyfold. |
| 9 | Ane nzeve dzekunzwa, ngaanzwe. | Who hath ears to hear, let him hear. |
| 10 | Zvino vadzidzi vakasvika, vakati kwaari: Munotaurirei kwavari nemifananidzo? | And the disciples came, and said unto him, Why speakest thou unto them in parables? |
| 11 | Akapindura akati kwavari: Nokuti kwakapiwa kwamuri kuziva zvakavanzika zveushe hwekumatenga, asi kwavari hakuna kupiwa. | He answered and said unto them, Because it is given unto you to know the mysteries of the kingdom of heaven, but to them it is not given. |
| 12 | Nokuti ani nani anazvo achapiwa, uye achava nezvakawanda; asi ani nani asina achatorerwa kunyange nezvaanazvo. | For whosoever hath, to him shall be given, and he shall have more abundance: but whosoever hath not, from him shall be taken away even that he hath. |
| 13 | Naizvozvo ndinotaura kwavari nemifananidzo, kuti vachiona havaoni; uye vachinzwa havanzwi, uye havanzwisisi. | Therefore speak I to them in parables: because they seeing see not; and hearing they hear not, neither do they understand. |
| 14 | Uye kwavari kwakazadziswa chiporofita chaIsaya chinoti: Nekunzwa muchanzwa, asi hamungatongonzwisisi; nekuona muchaona, asi hamungatongoonesesi. | And in them is fulfilled the prophecy of Esaias, which saith, By hearing ye shall hear, and shall not understand; and seeing ye shall see, and shall not perceive: |
| 15 | Nokuti moyo wevanhu ava wava mukukutu, uye vanonzwa nenzeve nemutsutsururu, nemeso avo vakaatsinzina; zvimwe varege kuona nemeso, uye vanzwe nenzeve, uye vanzwisise nemoyo, vatendeukewo, ndigovaporesa. | For this people’s heart is waxed gross, and their ears are dull of hearing, and their eyes they have closed; lest at any time they should see with their eyes, and hear with their ears, and should understand with their heart, and should be converted, and I should heal them. |
| 16 | Asi akaropafadzwa meso enyu, nokuti anoona; nenzeve dzenyu, nokuti dzinonzwa. | But blessed are your eyes, for they see: and your ears, for they hear. |
| 17 | Nokuti zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Vaporofita nevakarurama vazhinji vakange vachishuva kuona zvamunoona, asi havana kuzviona; nekunzwa zvamunonzwa, asi havana kunzwa. | For verily I say unto you, That many prophets and righteous men have desired to see those things which ye see, and have not seen them; and to hear those things which ye hear, and have not heard them. |
| 18 | Naizvozvo imwi inzwai mufananidzo wemukushi. | Hear ye therefore the parable of the sower. |
| 19 | Umwe neumwe anonzwa shoko reushe asi asinganzwisisi, wakaipa anosvika ndokubvuta chakakushwa mumoyo make. Uyu ndiye wakakushwa kurutivi rwenzira. | When any one heareth the word of the kingdom, and understandeth it not, then cometh the wicked one, and catcheth away that which was sown in his heart. This is he which received seed by the way side. |
| 20 | Asi wakakushwa panzvimbo dzine mabwe, ndiye anonzwa shoko ndokurigamuchira pakarepo nemufaro; | But he that received the seed into stony places, the same is he that heareth the word, and anon with joy receiveth it; |
| 21 | asi haana mudzi maari, asi anogara kwenguva, uye kana dambudziko kana kushushwa zvichiuya nekuda kweshoko, pakarepo anogumburwa. | Yet hath he not root in himself, but dureth for a while: for when tribulation or persecution ariseth because of the word, by and by he is offended. |
| 22 | Uye wakakushwa paminzwa, ndiye anonzwa shoko, asi kufunganya kwenyika ino nekunyengera kwefuma zvinovhunga shoko, rova risingabereki. | He also that received seed among the thorns is he that heareth the word; and the care of this world, and the deceitfulness of riches, choke the word, and he becometh unfruitful. |
| 23 | Asi wakakushwa muvhu rakanaka, ndiye anonzwa shoko akanzwisisa, anoberekawo zvibereko, achiita, umwe zana, neumwe makumi matanhatu, neumwe makumi matatu. | But he that received seed into the good ground is he that heareth the word, and understandeth it; which also beareth fruit, and bringeth forth, some an hundredfold, some sixty, some thirty. |
| 24 | Wakaisa pamberi pavo umwe mufananidzo, achiti: Ushe hwekumatenga hunofananidzwa nemunhu wakakusha mbeu yakanaka mumunda make. | Another parable put he forth unto them, saying, The kingdom of heaven is likened unto a man which sowed good seed in his field: |
| 25 | Asi vanhu vakati varere, muvengi wake wakauya, akakusha mashawi pakati pezviyo, akaenda. | But while men slept, his enemy came and sowed tares among the wheat, and went his way. |
| 26 | Asi chipande chakati chamera nekubereka chibereko, zvino mashawi akaonekwawo. | But when the blade was sprung up, and brought forth fruit, then appeared the tares also. |
| 27 | Zvino varanda vemwene weimba vakaswedera vakati kwaari: Ishe, hamuna kukusha mbeu yakanaka mumunda wenyu here? Zvino wawanepi mashawi? | So the servants of the householder came and said unto him, Sir, didst not thou sow good seed in thy field? from whence then hath it tares? |
| 28 | Akati kwavari: Muvengi waita izvi. Varanda vakati kwaari: Saka munoda kuti tinoaunganidza here? | He said unto them, An enemy hath done this. The servants said unto him, Wilt thou then that we go and gather them up? |
| 29 | Asi wakati: Kwete, zvimwe kana muchiunganidza mashawi, mungadzura zviyo nawo. | But he said, Nay; lest while ye gather up the tares, ye root up also the wheat with them. |
| 30 | Regai zvikure pamwe zviri zviviri kusvikira pakukohwa; zvino nenguva yekukohwa ndichati kuvakohwi: Unganidzai pakutanga mashawi, muasunge mwanda kuti muapise; asi muunganidze zviyo mudura rangu. | Let both grow together until the harvest: and in the time of harvest I will say to the reapers, Gather ye together first the tares, and bind them in bundles to burn them: but gather the wheat into my barn. |
| 31 | Wakaisa pamberi pavo umwe mufananidzo achiti: Ushe hwekumatenga hwakafanana netsanga yemasitadha*, munhu yaanotora akaidzvara mumunda make. | Another parable put he forth unto them, saying, The kingdom of heaven is like to a grain of mustard seed, which a man took, and sowed in his field: |
| 32 | Iyo idiki zvirokwazvo pambeu dzese, asi kana yakura ihuru pamiriwo, inova muti, zvekuti shiri dzekudenga dzinouya dzichivaka matendere pamatavi awo. | Which indeed is the least of all seeds: but when it is grown, it is the greatest among herbs, and becometh a tree, so that the birds of the air come and lodge in the branches thereof. |
| 33 | Akataura umwe mufananidzo kwavari akati: Ushe hwekumatenga hwakafanana nembiriso, mukadzi yaakatora, akaiisa muzviyero zvitatu zveupfu kusvikira hwese hwaviriswa. | Another parable spake he unto them; The kingdom of heaven is like unto leaven, which a woman took, and hid in three measures of meal, till the whole was leavened. |
| 34 | Izvi zvinhu zvese Jesu wakaudza zvaunga nemifananidzo, uye pasina mufananidzo haana kutaura kwavari; | All these things spake Jesus unto the multitude in parables; and without a parable spake he not unto them: |
| 35 | kuti chizadziswe chakarehwa nemuporofita, achiti: Ndichazarura muromo wangu nemifananidzo; ndichataura zvinhu zvakange zvakavanzika kubva pamavambo enyika. | That it might be fulfilled which was spoken by the prophet, saying, I will open my mouth in parables; I will utter things which have been kept secret from the foundation of the world. |
| 36 | Zvino Jesu wakati arega zvaunga zvichienda, akapinda mumba; vadzidzi vake vakaswedera kwaari, vachiti: Tidudzirei mufananidzo wemashawi emunda. | Then Jesus sent the multitude away, and went into the house: and his disciples came unto him, saying, Declare unto us the parable of the tares of the field. |
| 37 | Akapindura akati kwavari: Anokusha mbeu yakanaka Mwanakomana wemunhu; | He answered and said unto them, He that soweth the good seed is the Son of man; |
| 38 | uye munda inyika; nembeu yakanaka ndivo vana veushe; asi mashawi vana vewakaipa. | The field is the world; the good seed are the children of the kingdom; but the tares are the children of the wicked one; |
| 39 | Uye muvengi wakaakusha ndidhiabhorosi; uye kukohwa kuguma kwenyika; nevakohwi vatumwa. | The enemy that sowed them is the devil; the harvest is the end of the world; and the reapers are the angels. |
| 40 | Naizvozvo mashawi sezvaanounganidzwa achipiswa mumoto, zvichava saizvozvo pakuguma kwenyika ino. | As therefore the tares are gathered and burned in the fire; so shall it be in the end of this world. |
| 41 | Mwanakomana wemunhu achatuma vatumwa vake, vagounganidza kubva muushe hwake zvigumbuso zvese nevanoita zvakaipa; | The Son of man shall send forth his angels, and they shall gather out of his kingdom all things that offend, and them which do iniquity; |
| 42 | zvino vachavakandira muvira remoto; ipapo pachava nekuchema nekugeda-geda kwemeno. | And shall cast them into a furnace of fire: there shall be wailing and gnashing of teeth. |
| 43 | Ipapo vakarurama vachapenya sezuva muushe hwaBaba vavo. Ane nzeve dzekunzwa, ngaanzwe. | Then shall the righteous shine forth as the sun in the kingdom of their Father. Who hath ears to hear, let him hear. |
| 44 | Zvekare ushe hwekumatenga hwakafanana nefuma yakavigwa mumunda, inoti kana munhu aiwana, anoiviga; zvino nemufaro wake anoenda akanotengesa zvese zvaanazvo akatenga munda uyo. | Again, the kingdom of heaven is like unto treasure hid in a field; the which when a man hath found, he hideth, and for joy thereof goeth and selleth all that he hath, and buyeth that field. |
| 45 | Zvekare ushe hwekumatenga hwakafanana nemushambadzi anotsvaka maparera* akanaka; | Again, the kingdom of heaven is like unto a merchant man, seeking goodly pearls: |
| 46 | akati awana parera rimwe rine mutengo mukuru, akaenda akanotengesa zvese zvaakange anazvo, akaritenga. | Who, when he had found one pearl of great price, went and sold all that he had, and bought it. |
| 47 | Zvekare ushe hwekumatenga hwakafanana nemumbure wakakandirwa mugungwa, ukaunganidza marudzi ese ehove. | Again, the kingdom of heaven is like unto a net, that was cast into the sea, and gathered of every kind: |
| 48 | Iwo kana wazara, vanoukwevera pamahombekombe, ndokugara pasi, vakaunganidzira dzakanaka mumidziyo, asi dzakaipa vakadzirasira kunze. | Which, when it was full, they drew to shore, and sat down, and gathered the good into vessels, but cast the bad away. |
| 49 | Zvichava saizvozvo pakuguma kwenguva; vatumwa vachabuda, vachaparadzanisa vakaipa kubva pakati pevakarurama, | So shall it be at the end of the world: the angels shall come forth, and sever the wicked from among the just, |
| 50 | uye vachavakandira muvira remoto; ipapo pachava nekuchema nekugeda-geda kwemeno. | And shall cast them into the furnace of fire: there shall be wailing and gnashing of teeth. |
| 51 | Jesu akati kwavari: Manzwisisa izvi zvese here? Vakati kwaari: Hongu Ishe. | Jesus saith unto them, Have ye understood all these things? They say unto him, Yea, Lord. |
| 52 | Zvino akati kwavari: Naizvozvo munyori umwe neumwe wakadzidziswa zveushe hwekumatenga wakafanana nemunhu, mwene weimba, anobudisa zvinhu zvitsva nezvisharu pafuma yake. | Then said he unto them, Therefore every scribe which is instructed unto the kingdom of heaven is like unto a man that is an householder, which bringeth forth out of his treasure things new and old. |
| 53 | Zvino zvakaitika kuti Jesu apedza mifananidzo iyi wakabvapo. | And it came to pass, that when Jesus had finished these parables, he departed thence. |
| 54 | Uye wakati asvika kunyika yekwake akavadzidzisa musinagoge ravo, kusvikira vashamisika vakati: Kunobvepi kune uyu kuchenjera uku nemabasa esimba? | And when he was come into his own country, he taught them in their synagogue, insomuch that they were astonished, and said, Whence hath this man this wisdom, and these mighty works? |
| 55 | Uyu haasi mwanakomana wemuvezi here? Ko mai vake havanzi Maria here, nevanin'ina vake Jakobho naJose naSimoni naJudhasi here? | Is not this the carpenter’s son? is not his mother called Mary? and his brethren, James, and Joses, and Simon, and Judas? |
| 56 | Nehanzvadzi dzake hadzisi nesu dzese here? Ko zvinobvepi kune uyu zvinhu izvozvi zvese? | And his sisters, are they not all with us? Whence then hath this man all these things? |
| 57 | Vakagumbuswa naye. Asi Jesu akati kwavari: Muporofita haavi asina kukudzwa kunze kwemunyika yekwake nemumba make. | And they were offended in him. But Jesus said unto them, A prophet is not without honour, save in his own country, and in his own house. |
| 58 | Uye haana kuita mabasa esimba mazhinji ipapo nekuda kwekusatenda kwavo. | And he did not many mighty works there because of their unbelief. |
Shona Bible — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GFDL · 출처 ↗
King James Version — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GPL