로그인

마가복음 7장 Shona Bible

Shona Bible · 쇼나어 · 마가복음 (Mark) · 37절 · 대역: King James Version

절Shona BibleKing James Version
1 Zvino kwakaunganira kwaari VaFarisi nevamwe vevanyori vaibva kuJerusarema; Then came together unto him the Pharisees, and certain of the scribes, which came from Jerusalem.
2 vakati vaona vamwe vevadzidzi vake vachidya zvingwa nemaoko ane tsvina, ndiko kuti asina kushambwa, vakasvora. And when they saw some of his disciples eat bread with defiled, that is to say, with unwashen, hands, they found fault.
3 Nokuti VaFarisi, neVaJudha vese, havadyi kunze kwekuti vashamba maoko kwazvo, vachibatirira tsika dzevakuru. For the Pharisees, and all the Jews, except they wash their hands oft, eat not, holding the tradition of the elders.
4 Kana vachibva pamusika, kunze kwekuti vashamba, havadyi; nezvimwe zvinhu zvizhinji zviripo zvavakange vagamuchira kuti vazvichengete, zvinoti: Kusuka mikombe, nehari, nemidziyo yendarira, nenhovo. And when they come from the market, except they wash, they eat not. And many other things there be, which they have received to hold, as the washing of cups, and pots, brasen vessels, and of tables.
5 Ipapo VaFarisi nevanyori vakamubvunza, vachiti: Nemhaka yei vadzidzi venyu vasingafambi netsika yevakuru, asi vanodya chingwa nemaoko asina kushambwa? Then the Pharisees and scribes asked him, Why walk not thy disciples according to the tradition of the elders, but eat bread with unwashen hands?
6 Asi wakapindura akati kwavari: Isaya wakaporofita zvakanaka pamusoro penyu imwi vanyepedzeri, sezvazvakanyorwa, zvichinzi: Rudzi urwu rwunondikudza nemiromo, asi moyo wavo uri kure neni. He answered and said unto them, Well hath Esaias prophesied of you hypocrites, as it is written, This people honoureth me with their lips, but their heart is far from me.
7 Asi vanondinamata pasina, vachidzidzisa dzidziso, dziri mirairo yevanhu. Howbeit in vain do they worship me, teaching for doctrines the commandments of men.
8 Nokuti munosiya murairo waMwari, muchibatirira tsika yevanhu, sekusuka hari nemikombe, nezvimwe zvizhinji zvakadaro munozviita. For laying aside the commandment of God, ye hold the tradition of men, as the washing of pots and cups: and many other such like things ye do.
9 Zvino akati kwavari: Munoramba nemazvo murairo waMwari, kuti muchengete tsika yenyu. And he said unto them, Full well ye reject the commandment of God, that ye may keep your own tradition.
10 Nokuti Mozisi wakati: Kudza baba vako namai vako; uye: Anotuka baba kana mai, anofanira kufa rufu. For Moses said, Honour thy father and thy mother; and, Whoso curseth father or mother, let him die the death:
11 Asi imwi munoti: Kana munhu achiti kuna baba kana mai: Chinhu chipi nechipi chamunobatsirwa nacho neni "iKorbani*", ndokuti chipo kuna Mwari; But ye say, If a man shall say to his father or mother, It is Corban, that is to say, a gift, by whatsoever thou mightest be profited by me; he shall be free.
12 hamuchamutenderi kuitira baba vake kana mai vake chinhu, And ye suffer him no more to do ought for his father or his mother;
13 muchishayisa shoko raMwari maturo netsika yenyu yamunogamuchidzana; nezvinhu zvizhinji zvakadaro munozviita. Making the word of God of none effect through your tradition, which ye have delivered: and many such like things do ye.
14 Zvino wakati adanira kwaari chaunga chese akati kwavari: Nditeererei mese, munzwisise. And when he had called all the people unto him, he said unto them, Hearken unto me every one of you, and understand:
15 Hapana chinhu chinobva kunze kwemunhu chinopinda maari chingamusvibisa; asi zvinhu zvinobuda maari, ndizvo zvinosvibisa munhu. There is nothing from without a man, that entering into him can defile him: but the things which come out of him, those are they that defile the man.
16 Kana aripo ane nzeve dzekunzwa, ngaanzwe. If any man have ears to hear, let him hear.
17 Zvino wakati apinda mumba achibva kuchaunga, vadzidzi vake vakamubvunza pamusoro pemufananidzo. And when he was entered into the house from the people, his disciples asked him concerning the parable.
18 Akati kwavari: Saizvozvo nemwi muri vasina kunzwisisa here? Hamunzwisisi here kuti chese chinobva kunze chichipinda mumunhu hachigoni kumusvibisa? And he saith unto them, Are ye so without understanding also? Do ye not perceive, that whatsoever thing from without entereth into the man, it cannot defile him;
19 Nokuti hachipindi mumoyo make, asi mudumbu; chichibuda kunze, achinatsa kudya kwese. Because it entereth not into his heart, but into the belly, and goeth out into the draught, purging all meats?
20 Ndokubva ati: Icho chinobuda mumunhu, ndicho chinosvibisa munhu. And he said, That which cometh out of the man, that defileth the man.
21 Nokuti kubva mukati mumoyo wevanhu inobuda mifungo yakaipa, upombwe, ufeve, umhondi, For from within, out of the heart of men, proceed evil thoughts, adulteries, fornications, murders,
22 umbavha, ruchiva, kuipa, kunyengera, meso-meso, ziso rakaipa, kunyomba, kuzvikudza, upenzi; Thefts, covetousness, wickedness, deceit, lasciviousness, an evil eye, blasphemy, pride, foolishness:
23 zvese zvinhu izvi zvakaipa zvinobva mukati, zvichisvibisa munhu. All these evil things come from within, and defile the man.
24 Zvino kubva ipapo wakasimuka akaenda kumiganhu yeTire neSidhoni; akapinda mumba, asingadi kuti pave neanozviziva, asi akakoniwa kuvanzika. And from thence he arose, and went into the borders of Tyre and Sidon, and entered into an house, and would have no man know it: but he could not be hid.
25 Nokuti mukadzi waiva nemukunda mudiki akange ane mweya wetsvina, akanzwa nezvake, akauya akawira patsoka dzake. For a certain woman, whose young daughter had an unclean spirit, heard of him, and came and fell at his feet:
26 Uye mukadzi waiva muGiriki, muSirofenike pachizvarwa; akamukumbirisa kuti abudise dhimoni pamukunda wake. The woman was a Greek, a Syrophenician by nation; and she besought him that he would cast forth the devil out of her daughter.
27 Asi Jesu akati kwaari: Regai vana vatange kuguta, nokuti hazvina kunaka kutora chingwa chevana, ndokukandira kuimbwanana. But Jesus said unto her, Let the children first be filled: for it is not meet to take the children’s bread, and to cast it unto the dogs.
28 Akapindura akati kwaari: Hongu, Ishe; nokuti kunyange imbwanana dziri pasi petafura dzinodya zvezvimedu zvevana. And she answered and said unto him, Yes, Lord: yet the dogs under the table eat of the children’s crumbs.
29 Akati kwaari: Nekuda kweshoko iri, enda; dhimoni rabuda pamukunda wako. And he said unto her, For this saying go thy way; the devil is gone out of thy daughter.
30 Akabva akaenda kumba kwake, akawana dhimoni rabuda, mukunda arere panhovo. And when she was come to her house, she found the devil gone out, and her daughter laid upon the bed.
31 Zvino wakatizve achibva kumiganhu yeTire neSidhoni, akauya kugungwa reGarirea, nepakati pemiganhu yeDhekapori. And again, departing from the coasts of Tyre and Sidon, he came unto the sea of Galilee, through the midst of the coasts of Decapolis.
32 Zvino vakauisa kwaari matsi yaikakamira, vakamukumbirisa kuti aise ruoko pamusoro pake. And they bring unto him one that was deaf, and had an impediment in his speech; and they beseech him to put his hand upon him.
33 Akamutora ari ega kubva pachaunga, akapinza mimwe yake munzeve dzake, akapfira, ndokubata rurimi rwake. And he took him aside from the multitude, and put his fingers into his ears, and he spit, and touched his tongue;
34 Atarira kumusoro kudenga, akatura befu, akati kwaari: "Efata"; ndiko kuti: Zarurwa! And looking up to heaven, he sighed, and saith unto him, Ephphatha, that is, Be opened.
35 Pakarepo nzeve dzake dzakazarurwa, chisungo cherurimi rwake chikasunungurwa, akataura zvakarurama. And straightway his ears were opened, and the string of his tongue was loosed, and he spake plain.
36 Ndokuvaraira, kuti varege kuudza munhu; asi paainyanya kuvaraira, vakanyanya zvikuru kuparidza izvozvo. And he charged them that they should tell no man: but the more he charged them, so much the more a great deal they published it;
37 Vakashamisika zvikuru kwazvo, vachiti: Wakaita zvese zvakanaka; wakaita matsi kuti dzinzwe, nezvimumumu kuti zvitaure. And were beyond measure astonished, saying, He hath done all things well: he maketh both the deaf to hear, and the dumb to speak.

Shona Bible — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GFDL · 출처 ↗
King James Version — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GPL