마가복음 8장 Shona Bible
Shona Bible · 쇼나어 · 마가복음 (Mark) · 38절 · 대역: King James Version
| 절 | Shona Bible | King James Version |
|---|---|---|
| 1 | Nemazuva iwayo zvakwakange kune chaunga chikuru kwazvo, vasina chavangadya, Jesu akadanira vadzidzi vake kwaari, akati kwavari: | In those days the multitude being very great, and having nothing to eat, Jesus called his disciples unto him, and saith unto them, |
| 2 | Ndine tsitsi nechaunga; nokuti chadogara neni mazuva matatu vasina zvavangadya. | I have compassion on the multitude, because they have now been with me three days, and have nothing to eat: |
| 3 | Kana ndikavarega vaende kumba kwavo nenzara, vachaziya panzira; nokuti vamwe vavo vanobva kure. | And if I send them away fasting to their own houses, they will faint by the way: for divers of them came from far. |
| 4 | Vadzidzi vake vakamupindura, vakati: Zvingabvepi zvingwa munhu zvaangagutsa nazvo ava murenje muno? | And his disciples answered him, From whence can a man satisfy these men with bread here in the wilderness? |
| 5 | Akavabvunza, akati: Mune zvingwa zvingani? Vakati: Zvinomwe. | And he asked them, How many loaves have ye? And they said, Seven. |
| 6 | Zvino akaraira chaunga kuti chigare pasi pavhu; akatora zvingwa zvinomwe, akavonga, akazvimedura, ndokupa vadzidzi vake, kuti vaise pamberi pavo; vakazviisa pamberi pechaunga. | And he commanded the people to sit down on the ground: and he took the seven loaves, and gave thanks, and brake, and gave to his disciples to set before them; and they did set them before the people. |
| 7 | Uye vakange vane hove diki shoma; zvino akadziropafadza, akati vadziisewo pamberi pavo. | And they had a few small fishes: and he blessed, and commanded to set them also before them. |
| 8 | Vakadya, vakaguta; ndokununga zvimedu zvakasara, matengu manomwe. | So they did eat, and were filled: and they took up of the broken meat that was left seven baskets. |
| 9 | Avo vakange vadya vainge vaiva zvuru zvina; akavarega vachienda. | And they that had eaten were about four thousand: and he sent them away. |
| 10 | Pakarepo akapinda muchikepe nevadzidzi vake, akauya kumativi eDharimanuta. | And straightway he entered into a ship with his disciples, and came into the parts of Dalmanutha. |
| 11 | Zvino VaFarisi vakabuda, vakatanga kupikisana naye, vachitsvaka kwaari chiratidzo chinobva kudenga, vachimuidza. | And the Pharisees came forth, and began to question with him, seeking of him a sign from heaven, tempting him. |
| 12 | Akagomera zvikuru pamweya wake akati: Zera iri rinotsvakirei chiratidzo? Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Hakuna chiratidzo chichapiwa kuzera iri. | And he sighed deeply in his spirit, and saith, Why doth this generation seek after a sign? verily I say unto you, There shall no sign be given unto this generation. |
| 13 | Ndokubva avasiya, akapindazve muchikepe, akabva akayambukira kumhiri. | And he left them, and entering into the ship again departed to the other side. |
| 14 | Zvino vadzidzi vakange vakanganwa kutora zvingwa; uye vakange vasina navo chinhu muchikepe kunze kwechingwa chimwe chete. | Now the disciples had forgotten to take bread, neither had they in the ship with them more than one loaf. |
| 15 | Zvino akavaraira, achiti: Ngwarirai, muchenjere mbiriso yeVaFarisi nembiriso yaHerodhe. | And he charged them, saying, Take heed, beware of the leaven of the Pharisees, and of the leaven of Herod. |
| 16 | Vakarangana pakati pavo vachiti: Nokuti hatina zvingwa. | And they reasoned among themselves, saying, It is because we have no bread. |
| 17 | Zvino Jesu wakati achizviziva akati kwavari: Munorangana sei kuti hamuna zvingwa? Hamusati maziva, kana kunzwisisa here? Muchine moyo mukukutu here? | And when Jesus knew it, he saith unto them, Why reason ye, because ye have no bread? perceive ye not yet, neither understand? have ye your heart yet hardened? |
| 18 | Mune meso hamuoni here? Uye mune nzeve, hamunzwi here? Uye hamurangariri here? | Having eyes, see ye not? and having ears, hear ye not? and do ye not remember? |
| 19 | Pandakamedurira vanezvuru zvishanu zvingwa zvishanu, matengu mangani azere nezvimedu amakanonga? Vakati kwaari: Gumi nemaviri. | When I brake the five loaves among five thousand, how many baskets full of fragments took ye up? They say unto him, Twelve. |
| 20 | Uye pazvinomwe pavanezvuru zvina, matengu mangani azere nezvimedu amakanonga? Ivo ndokuti: Manomwe. | And when the seven among four thousand, how many baskets full of fragments took ye up? And they said, Seven. |
| 21 | Ndokubva ati kwavari: Sei musinganzwisisi? | And he said unto them, How is it that ye do not understand? |
| 22 | Zvino wakasvika kuBhetisaidha; vakauisa bofu kwaari, vakamukumbirisa kuti aribate. | And he cometh to Bethsaida; and they bring a blind man unto him, and besought him to touch him. |
| 23 | Akabata ruoko rwebofu, akaribudisira kunze kwemusha; akati apfira meso aro, akaisa maoko pamusoro paro, akaribvunza kana richiona chinhu. | And he took the blind man by the hand, and led him out of the town; and when he had spit on his eyes, and put his hands upon him, he asked him if he saw ought. |
| 24 | Ndokutarira kumusoro rikati: Ndinoona vanhu vakaita semiti vachifamba. | And he looked up, and said, I see men as trees, walking. |
| 25 | Mushure maizvozvo akaisazve maoko pamusoro pameso aro akaritaridza kumusoro, rikaporeswa, rikaona vese zvakajeka. | After that he put his hands again upon his eyes, and made him look up: and he was restored, and saw every man clearly. |
| 26 | Akariendesa kumba kwaro, achiti: Usapinda mumusha uye usaudza ani nani mumusha. | And he sent him away to his house, saying, Neither go into the town, nor tell it to any in the town. |
| 27 | Zvino Jesu akabuda nevadzidzi vake vakaenda kumisha yeKesariya yeFiripi; vari munzira akabvunza vadzidzi vake achiti kwavari: Vanhu vanoti ndini ani? | And Jesus went out, and his disciples, into the towns of Cesarea Philippi: and by the way he asked his disciples, saying unto them, Whom do men say that I am? |
| 28 | Vakapindura vachiti: Johwani Mubhabhatidzi; asi vamwe: Eria; vamwezve: Umwe wevaporofita. | And they answered, John the Baptist: but some say, Elias; and others, One of the prophets. |
| 29 | Iye akati kwavari: Ko imwi munoti ndini ani? Petro akapindura akati kwaari: Imwi muri Kristu. | And he saith unto them, But whom say ye that I am? And Peter answereth and saith unto him, Thou art the Christ. |
| 30 | Akavaraira zvikuru kuti varege kuudza munhu pamusoro pake. | And he charged them that they should tell no man of him. |
| 31 | Zvino akatanga kuvadzidzisa kuti Mwanakomana wemunhu anofanira kutambudzika zvinhu zvizhinji nekurambwa nevakuru, nevapristi vakuru, nevanyori, agourawa, uye mushure memazuva matatu amukezve. | And he began to teach them, that the Son of man must suffer many things, and be rejected of the elders, and of the chief priests, and scribes, and be killed, and after three days rise again. |
| 32 | Akataura shoko iro pachena. Zvino Petro akamutorera parutivi, akatanga kumutsiura. | And he spake that saying openly. And Peter took him, and began to rebuke him. |
| 33 | Asi iye atendeuka, ndokutarira vadzidzi vake, akatsiura Petro achiti: Ibva shure kwangu, Satani; nokuti haurangariri zvinhu zvaMwari, asi zvinhu zvevanhu. | But when he had turned about and looked on his disciples, he rebuked Peter, saying, Get thee behind me, Satan: for thou savourest not the things that be of God, but the things that be of men. |
| 34 | Zvino wakati adanira kwaari chaunga pamwe nevadzidzi vake, akati kwavari: Ani nani anoda kuuya shure kwangu, ngaazvirambe, atakure muchinjikwa wake, anditevere. | And when he had called the people unto him with his disciples also, he said unto them, Whosoever will come after me, let him deny himself, and take up his cross, and follow me. |
| 35 | Nokuti ani nani anoda kuponesa upenyu hwake, acharasikirwa nahwo, asi ani nani acharasikirwa neupenyu hwake nekuda kwangu nekweevhangeri, uyu achahuponesa. | For whosoever will save his life shall lose it; but whosoever shall lose his life for my sake and the gospel’s, the same shall save it. |
| 36 | Nokuti zvinobatsirei munhu, kana akawana nyika yese akarasikirwa nemweya wake? | For what shall it profit a man, if he shall gain the whole world, and lose his own soul? |
| 37 | Kana kuti munhu achapei kuti chive muripo wemweya wake? | Or what shall a man give in exchange for his soul? |
| 38 | Nokuti ani nani anonyara pamusoro pangu nepamashoko angu pazera iri reupombwe nekutadza, Mwanakomana wemhunhu achanyarawo pamusoro pake, paanouya mukubwinya kwaBaba vake ane vatumwa vatsvene. | Whosoever therefore shall be ashamed of me and of my words in this adulterous and sinful generation; of him also shall the Son of man be ashamed, when he cometh in the glory of his Father with the holy angels. |
Shona Bible — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GFDL · 출처 ↗
King James Version — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GPL