마가복음 6장 Shona Bible
Shona Bible · 쇼나어 · 마가복음 (Mark) · 56절 · 대역: King James Version
| 절 | Shona Bible | King James Version |
|---|---|---|
| 1 | Zvino wakabvapo, akasvika kunyika yekwake; vadzidzi vake vakamutevera. | And he went out from thence, and came into his own country; and his disciples follow him. |
| 2 | Zvino rava sabata, akatanga kudzidzisa musinagoge; vazhinji vakamunzwa, vakashamisika vachiti: Izvi zvinobvepi kwaari? Injere dzipi dzakapiwa kwaari, kuti nemabasa esimba akadai anoitwa nemaoko ake? | And when the sabbath day was come, he began to teach in the synagogue: and many hearing him were astonished, saying, From whence hath this man these things? and what wisdom is this which is given unto him, that even such mighty works are wrought by his hands? |
| 3 | Uyu haasi muvezi here, mwanakomana waMaria, nemukoma waJakobho, naJose, naJudha, naSimoni? Nehanzvadzi dzake hadzisi pano nesu here? Vakagumburwa naye. | Is not this the carpenter, the son of Mary, the brother of James, and Joses, and of Juda, and Simon? and are not his sisters here with us? And they were offended at him. |
| 4 | Asi Jesu akati kwavari: Muporofita haangashaiwi kukudzwa, kunze kwemunyika yekwake, nepakati pehama, nemumba make. | But Jesus said unto them, A prophet is not without honour, but in his own country, and among his own kin, and in his own house. |
| 5 | Akasagona kubata chero basa resimba ipapo, kunze kwekuti wakaisa maoko pamusoro pevairwara vashoma, akaporesa. | And he could there do no mighty work, save that he laid his hands upon a few sick folk, and healed them. |
| 6 | Akashamisika nekusatenda kwavo. Uye akapota-pota nemisha achidzidzisa. | And he marvelled because of their unbelief. And he went round about the villages, teaching. |
| 7 | Zvino wakadanira kwaari vanegumi nevaviri, akatanga kuvatuma vaviri-vaviri, akavapa simba pamusoro pemweya yetsvina. | And he called unto him the twelve, and began to send them forth by two and two; and gave them power over unclean spirits; |
| 8 | Akavaraira kuti varege kutora chinhu cherwendo kunze kwemudonzvo chete; kwete chikwama, kwete chingwa, kwete mari mubhanhire. | And commanded them that they should take nothing for their journey, save a staff only; no scrip, no bread, no money in their purse: |
| 9 | Asi vapfeke manyatera, varege kupfeka nguvo refu mbiri. | But be shod with sandals; and not put on two coats. |
| 10 | Zvino akati kwavari: Pese pamunopinda mumba, mugaremo kusvikira muchibvapo. | And he said unto them, In what place soever ye enter into an house, there abide till ye depart from that place. |
| 11 | Asi vese vasingakugamuchiriyi kana kukunzwai, kana muchibvapo, zuzai guruva riri pasi petsoka dzenyu, chive chapupu kwavari. Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Zvichava nani kuSodhoma kana Gomora nezuva rekutongwa kupfuura guta iro. | And whosoever shall not receive you, nor hear you, when ye depart thence, shake off the dust under your feet for a testimony against them. Verily I say unto you, It shall be more tolerable for Sodom and Gomorrha in the day of judgment, than for that city. |
| 12 | Vakati vabuda, vakaparidza kuti vatendeuke; | And they went out, and preached that men should repent. |
| 13 | zvino vakabudisa madhimoni mazhinji, vakazodza nemafuta vazhinji vairwara, vachiporesa. | And they cast out many devils, and anointed with oil many that were sick, and healed them. |
| 14 | Mambo Herodhe ndokuzvinzwa, nokuti zita rake rakava pachena, akati: Johwani anobhabhatidza akamutswa kubva kuvakafa, naizvozvo masimba anobata maari. | And king Herod heard of him; (for his name was spread abroad:) and he said, That John the Baptist was risen from the dead, and therefore mighty works do shew forth themselves in him. |
| 15 | Vamwe vakati: NdiEria; nevamwe vakati: Muporofita, kana wakaita seumwe wevaporofita. | Others said, That it is Elias. And others said, That it is a prophet, or as one of the prophets. |
| 16 | Asi Herodhe wakati anzwa, akati: Uyu ndiJohwani uya wandakagura ini musoro; iye wamuka kubva kuvakafa. | But when Herod heard thereof, he said, It is John, whom I beheaded: he is risen from the dead. |
| 17 | Nokuti Herodhe pachake wakange atuma vanhu akabata Johwani, akamusunga mutirongo nekuda kwaHerodhiasi, mukadzi waFiripi, munin'ina wake; nokuti Herodhe wakange amuwana. | For Herod himself had sent forth and laid hold upon John, and bound him in prison for Herodias’ sake, his brother Philip’s wife: for he had married her. |
| 18 | Nokuti Johwani wakange ati kuna Herodhe: Hauna kutenderwa kuti uve nemukadzi wemunin'ina wako. | For John had said unto Herod, It is not lawful for thee to have thy brother’s wife. |
| 19 | Herodhiasi akamuvenga nechemumoyo, akada kumuuraya, asi wakakonewa; | Therefore Herodias had a quarrel against him, and would have killed him; but she could not: |
| 20 | nokuti Herodhe aitya Johwani, achiziva kuti murume wakarurama, mutsvene, akamuchengetedza. Zvino paakamunzwa akaita zvinhu zvakawanda, akamunzwa nemufaro. | For Herod feared John, knowing that he was a just man and an holy, and observed him; and when he heard him, he did many things, and heard him gladly. |
| 21 | Asi zuva rakafanira rakati rasvika, Herodhe nezuva rekuberekwa kwake akaitira chirairo madzishe ake nevatungamiriri vezvuru nevatungamiriri veGarirea, | And when a convenient day was come, that Herod on his birthday made a supper to his lords, high captains, and chief estates of Galilee; |
| 22 | zvino mukunda waHerodhiasi uyo paakapinda akatamba, akafadza Herodhe nevakange vagere pakudya naye; mambo akati kumusikana: Kumbira kwandiri chipi zvacho chaunoda ndigokupa. | And when the daughter of the said Herodias came in, and danced, and pleased Herod and them that sat with him, the king said unto the damsel, Ask of me whatsoever thou wilt, and I will give it thee. |
| 23 | Zvino akamupikira achiti: Chero chipi chaunokumbira kwandiri ndichakupa, kusvikira pahafu yeushe hwangu. | And he sware unto her, Whatsoever thou shalt ask of me, I will give it thee, unto the half of my kingdom. |
| 24 | Akabuda akati kuna mai vake: Ndichakumbirei? Vakati: Musoro waJohwani Mubhabhatidzi. | And she went forth, and said unto her mother, What shall I ask? And she said, The head of John the Baptist. |
| 25 | Pakarepo akakurumidza kupinda kuna mambo, akakumbira achiti: Ndinoda kuti mundipe mundiro ikozvino musoro waJohwani Mubhabhatidzi. | And she came in straightway with haste unto the king, and asked, saying, I will that thou give me by and by in a charger the head of John the Baptist. |
| 26 | Mambo akashungurudzika zvikuru, asi nekuda kwemhiko, nekwevakange vagere naye pakudya, wakange asingadi kumurambira. | And the king was exceeding sorry; yet for his oath’s sake, and for their sakes which sat with him, he would not reject her. |
| 27 | Pakarepo mambo akatuma muurai, akaraira kuti musoro wake uuyiswe. Akaenda, akamugura musoro mutirongo, | And immediately the king sent an executioner, and commanded his head to be brought: and he went and beheaded him in the prison, |
| 28 | akauya nemusoro wake mundiro, akaupa kumusikana, musikana ndokuupa mai vake. | And brought his head in a charger, and gave it to the damsel: and the damsel gave it to her mother. |
| 29 | Vadzidzi vake vakati vachizvinzwa, vakauya vakatora chitunha chake, vakachiisa muguva. | And when his disciples heard of it, they came and took up his corpse, and laid it in a tomb. |
| 30 | Zvino vaapositori vakaunganira kuna Jesu, vakamuudza zvese, nezvavakange vaita, nezvavakange vadzidzisa. | And the apostles gathered themselves together unto Jesus, and told him all things, both what they had done, and what they had taught. |
| 31 | Akati kwavari: Uyai imwi pachenyu mega kunzvimbo yerenje, muzorore zvishoma. Nokuti vaiva vazhinji vaiuya nekuenda, vakasava nemukana kunyange wekudya. | And he said unto them, Come ye yourselves apart into a desert place, and rest a while: for there were many coming and going, and they had no leisure so much as to eat. |
| 32 | Vakaenda nechikepe kunzvimbo yerenje vari vega. | And they departed into a desert place by ship privately. |
| 33 | Zvaunga zvikavaona vachienda, uye vazhinji vakamuziva, vakamhanyirako pamwe chete netsoka vachibva pamaguta ese, vakavatangira, vakasangana kwaari. | And the people saw them departing, and many knew him, and ran afoot thither out of all cities, and outwent them, and came together unto him. |
| 34 | Zvino Jesu wakati achibuda, akaona chaunga chikuru, ndokuvanzwira tsitsi, nokuti vakange vakaita semakwai asina mufudzi; akatanga kuvadzidzisa zvinhu zvizhinji. | And Jesus, when he came out, saw much people, and was moved with compassion toward them, because they were as sheep not having a shepherd: and he began to teach them many things. |
| 35 | Zvino nguva yakati yaenda zvikuru, vadzidzi vake vakauya kwaari vakati: Iyi inzvimbo yerenje, uye nguva yatoenda; | And when the day was now far spent, his disciples came unto him, and said, This is a desert place, and now the time is far passed: |
| 36 | varegei, kuti vaende kuruwa rwakapoteredza nemisha vanozvitengera zvingwa; nokuti havana chavangadya. | Send them away, that they may go into the country round about, and into the villages, and buy themselves bread: for they have nothing to eat. |
| 37 | Akapindura akati kwavari: Vapei imwi kuti vadye. Vakati kwaari: Tingaenda here tinotenga zvingwa zvemadhenario* mazana maviri, tivape vadye? | He answered and said unto them, Give ye them to eat. And they say unto him, Shall we go and buy two hundred pennyworth of bread, and give them to eat? |
| 38 | Akati kwavari: Mune zvingwa zvingani? Endai munoona. Vakati vaziva vakati: Zvishanu, nehove mbiri. | He saith unto them, How many loaves have ye? go and see. And when they knew, they say, Five, and two fishes. |
| 39 | Zvino akavaraira kuti vavagarise vese pasi nemapoka-mapoka pauswa unyoro. | And he commanded them to make all sit down by companies upon the green grass. |
| 40 | Zvino vakagara pasi nemapoka-mapoka nemazana uye nemakumi mashanu. | And they sat down in ranks, by hundreds, and by fifties. |
| 41 | Zvino wakati atora zvingwa zvishanu nehove mbiri, akatarira kumusoro kudenga, akavonga, akamedura zvingwa, akapa kuvadzidzi vake, kuti vazvigadzike pamberi pavo; nehove mbiri akavagovera vese. | And when he had taken the five loaves and the two fishes, he looked up to heaven, and blessed, and brake the loaves, and gave them to his disciples to set before them; and the two fishes divided he among them all. |
| 42 | Zvino vakadya vese, vakaguta. | And they did all eat, and were filled. |
| 43 | Vakanunga matengu gumi nemaviri azere nezvimedu, nezvehove. | And they took up twelve baskets full of the fragments, and of the fishes. |
| 44 | Zvino avo vakadya zvingwa vaiva varume vanenge zvuru zvishanu. | And they that did eat of the loaves were about five thousand men. |
| 45 | Pakarepo akamanikidza vadzidzi vake kupinda muchikepe, vatungamire kuenda mhiri kuBhetisaidha, iye achirega chaunga chichienda. | And straightway he constrained his disciples to get into the ship, and to go to the other side before unto Bethsaida, while he sent away the people. |
| 46 | Akati avaoneka, akabva akaenda mugomo kunonyengetera. | And when he had sent them away, he departed into a mountain to pray. |
| 47 | Zvino ava madekwani chikepe chakange chiri pakati pegungwa, iye ari ega panyika. | And when even was come, the ship was in the midst of the sea, and he alone on the land. |
| 48 | Zvino wakavaona vachirwadziwa nekukwasva, nokuti mhepo yakange ichipesana navo; akauya kwavari nenguva inenge seyechina yekurinda yeusiku, achifamba pamusoro pegungwa; ndokuda kuvapfuura. | And he saw them toiling in rowing; for the wind was contrary unto them: and about the fourth watch of the night he cometh unto them, walking upon the sea, and would have passed by them. |
| 49 | Zvino vakati vachimuona achifamba pamusoro pegungwa, vakafunga kuti chipoko, vakaridza mhere. | But when they saw him walking upon the sea, they supposed it had been a spirit, and cried out: |
| 50 | Nokuti vese vakamuona, vakavhunduka; asi pakarepo akataura navo, akati kwavari: Tsungai moyo, ndini, musatya. | For they all saw him, and were troubled. And immediately he talked with them, and saith unto them, Be of good cheer: it is I; be not afraid. |
| 51 | Akakwira kwavari muchikepe, mhepo ikanyarara; vakakatyamara zvikuru mukati mavo zvisingaverengeki, vakashamisika. | And he went up unto them into the ship; and the wind ceased: and they were sore amazed in themselves beyond measure, and wondered. |
| 52 | Nokuti vakange vasina kunzwisisa zvezvingwa, nokuti moyo wavo wakange uri mukukutu. | For they considered not the miracle of the loaves: for their heart was hardened. |
| 53 | Vakati vayambuka, vakasvika kunyika yeGenesareti, vakasungira chikepe pamahombekombe. | And when they had passed over, they came into the land of Gennesaret, and drew to the shore. |
| 54 | Vakati vabuda muchikepe, pakarepo vakamuziva, | And when they were come out of the ship, straightway they knew him, |
| 55 | vakamhanyira munharaunda iyo yese yakapoteredza, vakatanga kutenderera vakatakura vairwara pahwanyanza, kwavainzwa kuti ndiko kwaari. | And ran through that whole region round about, and began to carry about in beds those that were sick, where they heard he was. |
| 56 | Zvino pese paakapinda pamisha kana pamaguta kana paruwa, vakaradzika varwere pamisika, vakamukumbira zvikuru kuti vabate mupendero wenguvo yake chete; uye vese vakamubata vakaponeswa. | And whithersoever he entered, into villages, or cities, or country, they laid the sick in the streets, and besought him that they might touch if it were but the border of his garment: and as many as touched him were made whole. |
Shona Bible — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GFDL · 출처 ↗
King James Version — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GPL