로그인

마가복음 5장 Shona Bible

Shona Bible · 쇼나어 · 마가복음 (Mark) · 43절 · 대역: King James Version

절Shona BibleKing James Version
1 Vakasvika mhiri kwegungwa, kunyika yeVaGadharini. And they came over unto the other side of the sea, into the country of the Gadarenes.
2 Zvino wakati abuda muchikepe, pakarepo munhu akamuchingamidza achibva kumarinda ane mweya wetsvina, And when he was come out of the ship, immediately there met him out of the tombs a man with an unclean spirit,
3 uyo wakange ane ugaro kumarinda, uye kwakange kusina wakange achigona kumusunga kunyange nemaketani, Who had his dwelling among the tombs; and no man could bind him, no, not with chains:
4 nokuti kazhinji waisungwa nezvisungo zvemakumbo nemaketani, asi maketani aigurwa nepakati naye, nezvisungo zvemakumbo zvaigurwa kuita zvidimbu; uye kwakange kusina waigona kumupingudza. Because that he had been often bound with fetters and chains, and the chains had been plucked asunder by him, and the fetters broken in pieces: neither could any man tame him.
5 Zvino nguva dzese, usiku nemasikati, waiva mumakomo nemumarinda achidanidzira, achizvicheka nemabwe. And always, night and day, he was in the mountains, and in the tombs, crying, and cutting himself with stones.
6 Zvino wakati achiona Jesu ari kure, akamhanya ndokumunamata; But when he saw Jesus afar off, he ran and worshipped him,
7 akadanidzira nenzwi guru akati: Ndinei nemwi Jesu, Mwanakomana waMwari Wekumusoro-soro? Ndinokupikirai naMwari, murege kundirwadzisa. And cried with a loud voice, and said, What have I to do with thee, Jesus, thou Son of the most high God? I adjure thee by God, that thou torment me not.
8 Nokuti wakati kwaari: Buda mumunhu, mweya wetsvina. For he said unto him, Come out of the man, thou unclean spirit.
9 Ndokumubvunza akati: Zita rako ndiani? Akapindura achiti: Zita rangu rinonzi Regiyoni, nokuti tiri vazhinji. And he asked him, What is thy name? And he answered, saying, My name is Legion: for we are many.
10 Akamukumbirisa zvikuru kuti arege kuvaendesa kunze kwenyika. And he besought him much that he would not send them away out of the country.
11 Zvino kwakange kuripo pedo nemakomo boka guru renguruve dzichifura. Now there was there nigh unto the mountains a great herd of swine feeding.
12 Nemadhimoni ese akamukumbira zvikuru achiti: Titumirei kunguruve kuti tipinde madziri. And all the devils besought him, saying, Send us into the swine, that we may enter into them.
13 Pakarepo Jesu akaatendera. Mweya yetsvina ikabuda ikapinda munguruve; boka rikapitirikira kumawere kuenda kugungwa, dzinenge dzaiva zvuru zviviri, dzikabitirirwa mugungwa. And forthwith Jesus gave them leave. And the unclean spirits went out, and entered into the swine: and the herd ran violently down a steep place into the sea, (they were about two thousand;) and were choked in the sea.
14 Zvino vaifudza nguruve vakatiza, vakanoreva muguta neparuwa. Vakabuda kuzoona kuti chii chainge chaitwa. And they that fed the swine fled, and told it in the city, and in the country. And they went out to see what it was that was done.
15 Vakasvika kuna Jesu, vakaona wakange ane madhimoni, iye waiva neRegiyoni agere, akapfeka ari munhu kwaye; vakatya. And they come to Jesus, and see him that was possessed with the devil, and had the legion, sitting, and clothed, and in his right mind: and they were afraid.
16 Uye avo vakange vazviona, vakavarondedzera kuti zvakaitika sei kune wakange ane madhimoni nepamusoro penguruve. And they that saw it told them how it befell to him that was possessed with the devil, and also concerning the swine.
17 Vakatanga kumukumbirisa kuti abve mudunhu mavo. And they began to pray him to depart out of their coasts.
18 Zvino wakati achipinda muchikepe, iye waiva nemadhimoni akamukumbirisa kuti ave naye. And when he was come into the ship, he that had been possessed with the devil prayed him that he might be with him.
19 Asi Jesu haana kumutendera, asi wakati kwaari: Enda kumba kwako, kune vekwako, unovaudza kuti zvikuru sei Ishe zvaakuitira, nekukuitira tsitsi. Howbeit Jesus suffered him not, but saith unto him, Go home to thy friends, and tell them how great things the Lord hath done for thee, and hath had compassion on thee.
20 Akabva ndokuenda akatanga kuparidza muDhekapori kukura kwezvinhu Jesu zvaakamuitira; vese vakashamisika. And he departed, and began to publish in Decapolis how great things Jesus had done for him: and all men did marvel.
21 Jesu wakati ayambukazve nechikepe kune rimwe divi, chaunga chikuru chikaunganira kwaari, uye wakange ava parutivi rwegungwa. And when Jesus was passed over again by ship unto the other side, much people gathered unto him: and he was nigh unto the sea.
22 Zvino tarira, kwakasvika umwe wevakuru vesinagoge, wainzi Jairosi; zvino wakati amuona, akawira patsoka dzake. And, behold, there cometh one of the rulers of the synagogue, Jairus by name; and when he saw him, he fell at his feet,
23 Akamukumbirisa zvikuru achiti: Mukunda wangu mudiki wotandadza, dai mauya muise maoko pamusoro pake kuti aponeswe uye achararama. And besought him greatly, saying, My little daughter lieth at the point of death: I pray thee, come and lay thy hands on her, that she may be healed; and she shall live.
24 Akaenda naye; chaunga chikuru chikamutevera, chikamutsimbirira. And Jesus went with him; and much people followed him, and thronged him.
25 Zvino umwe mukadzi waiva nekubuda ropa makore gumi nemaviri, And a certain woman, which had an issue of blood twelve years,
26 wakange atambura zvikuru kuvarapi vazhinji, wakange apedza zvese zvaakange anazvo, asina kutongobatsirika, asi pachinhambo cheizvi ainyanyisa, And had suffered many things of many physicians, and had spent all that she had, and was nothing bettered, but rather grew worse,
27 wakati anzwa zvaJesu, akauya nepakati pechaunga neshure, akabata nguvo yake. When she had heard of Jesus, came in the press behind, and touched his garment.
28 Nokuti wakati: Kana ndikabata nguvo dzake chete, ndichaponeswa. For she said, If I may touch but his clothes, I shall be whole.
29 Zvino pakarepo chitubu cheropa rake chikapwa, akanzwa mumuviri kuti waporeswa pachifo. And straightway the fountain of her blood was dried up; and she felt in her body that she was healed of that plague.
30 Zvino pakarepo Jesu achiziva mukati make kuti simba rabuda maari, akatendeuka pachaunga akati: Ndiani wabata nguvo dzangu? And Jesus, immediately knowing in himself that virtue had gone out of him, turned him about in the press, and said, Who touched my clothes?
31 Vadzidzi vake vakati kwaari: Munoona chaunga chinokutsimbirirai, zvino moti: Ndiani wandibata? And his disciples said unto him, Thou seest the multitude thronging thee, and sayest thou, Who touched me?
32 Zvino wakaringa-ringa kuona uyo wakange aita ichi. And he looked round about to see her that had done this thing.
33 Asi mukadzi achitya, nekubvunda, achiziva zvakange zvaitika maari, akauya ndokuwira pamberi pake, ndokumuudza chokwadi chese. But the woman fearing and trembling, knowing what was done in her, came and fell down before him, and told him all the truth.
34 Ndokuti kwaari: Mukunda, rutendo rwako rwakuponesa, enda nerugare, poreswa pachifo chako. And he said unto her, Daughter, thy faith hath made thee whole; go in peace, and be whole of thy plague.
35 Wakati achataura, kwakasvika vamwe vemukuru wesinagoge vakati: Mukunda wenyu wafa, muchiri kutambudzirei Mudzidzisi? While he yet spake, there came from the ruler of the synagogue’s house certain which said, Thy daughter is dead: why troublest thou the Master any further?
36 Pakarepo Jesu achinzwa shoko rakataurwa akati kumukuru wesinagoge: Usatya, tenda chete. As soon as Jesus heard the word that was spoken, he saith unto the ruler of the synagogue, Be not afraid, only believe.
37 Akasatendera munhu kumutevera, kunze kwaPetro, naJakobho, naJohwani munin'ina waJakobho. And he suffered no man to follow him, save Peter, and James, and John the brother of James.
38 Zvino wakasvika mumba memukuru wesinagoge, akaona mhere-mhere nevaichema nekurira zvikuru. And he cometh to the house of the ruler of the synagogue, and seeth the tumult, and them that wept and wailed greatly.
39 Zvino wakati apinda akati kwavari: Munoitirei mhere-mhere muchichema? Mwana haana kufa, asi arere. And when he was come in, he saith unto them, Why make ye this ado, and weep? the damsel is not dead, but sleepeth.
40 Vakamuseka. Asi iye wakati avabudisa vese panze, akatora baba vemwana namai nevakange vanaye, akapinda makange murere mwana. And they laughed him to scorn. But when he had put them all out, he taketh the father and the mother of the damsel, and them that were with him, and entereth in where the damsel was lying.
41 Akabata ruoko rwemwana, akati kwaari: "Tarita kumi"; ndokuti kana zvichishandurwa: Musikana mudiki, ndinoti kwauri, muka. And he took the damsel by the hand, and said unto her, Talitha cumi; which is, being interpreted, Damsel, I say unto thee, arise.
42 Pakarepo musikana wakasimuka, akafamba; nokuti waiva wemakore gumi nemaviri; vakashamisika nekushamisika kukuru. And straightway the damsel arose, and walked; for she was of the age of twelve years. And they were astonished with a great astonishment.
43 Akavaraira zvikuru kuti kusava nemunhu anoziva izvi; akati apiwe kudya. And he charged them straitly that no man should know it; and commanded that something should be given her to eat.

Shona Bible — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GFDL · 출처 ↗
King James Version — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GPL