마가복음 4장 Shona Bible
Shona Bible · 쇼나어 · 마가복음 (Mark) · 41절 · 대역: King James Version
| 절 | Shona Bible | King James Version |
|---|---|---|
| 1 | Zvino wakatangazve kudzidzisa parutivi rwegungwa; kukaungana kwaari chaunga chikuru zvekuti wakapinda muchikepe akagara mugungwa; uye chaunga chese chakange chiri pagungwa panyika. | And he began again to teach by the sea side: and there was gathered unto him a great multitude, so that he entered into a ship, and sat in the sea; and the whole multitude was by the sea on the land. |
| 2 | Akavadzidzisa zvinhu zvizhinji nemifananidzo, akati kwavari padzidziso yake: | And he taught them many things by parables, and said unto them in his doctrine, |
| 3 | Inzwai; tarirai, mukushi wakabuda kunokusha. | Hearken; Behold, there went out a sower to sow: |
| 4 | Zvino zvakaitika pakukusha, imwe yakawira parutivi rwenzira; shiri dzekudenga dzikauya dzikaidya dzikaipedza. | And it came to pass, as he sowed, some fell by the way side, and the fowls of the air came and devoured it up. |
| 5 | Asi imwe yakawira panzvimbo dzine mabwe, payakange isina ivhu zhinji; pakarepo ikamera, nokuti yakange isina udziku hwevhu; | And some fell on stony ground, where it had not much earth; and immediately it sprang up, because it had no depth of earth: |
| 6 | asi zuva rakati rabuda, yakapiswa, uye nokuti yakange isina mudzi, yakasvava. | But when the sun was up, it was scorched; and because it had no root, it withered away. |
| 7 | Uye imwe yakawira paminzwa, minzwa ikakura ikaivhunga, ikasabereka chibereko. | And some fell among thorns, and the thorns grew up, and choked it, and it yielded no fruit. |
| 8 | Uye imwe yakawira muvhu rakanaka; ikabereka chibereko chakakura ikawedzera, ikabereka, imwe makumi matatu, neimwe makumi matanhatu, neimwe zana. | And other fell on good ground, and did yield fruit that sprang up and increased; and brought forth, some thirty, and some sixty, and some an hundred. |
| 9 | Ndokuti kwavari: Ane nzeve dzekunzwa, ngaanzwe. | And he said unto them, He that hath ears to hear, let him hear. |
| 10 | Zvino wakati ava ega, vakange vakamukomba nevanegumi nevaviri vakamubvunza zvemufananidzo. | And when he was alone, they that were about him with the twelve asked of him the parable. |
| 11 | Uye akati kwavari: Kwamuri kwakapiwa kuziva chakavanzika cheushe hwaMwari; asi kune avo vari kunze, zvese zvinoitwa nemifananidzo; | And he said unto them, Unto you it is given to know the mystery of the kingdom of God: but unto them that are without, all these things are done in parables: |
| 12 | kuti vachiona vaone asi varege kuonesesa, vachinzwa vanzwe asi vasinganzwisisi, zvimwe chero nguva varege kutendeuka, vakanganwirwe zvivi. | That seeing they may see, and not perceive; and hearing they may hear, and not understand; lest at any time they should be converted, and their sins should be forgiven them. |
| 13 | Zvino akati kwavari: Hamuzivi mufananidzo uyu here? Zvino muchaziva sei mifananidzo yese? | And he said unto them, Know ye not this parable? and how then will ye know all parables? |
| 14 | Mukushi unokusha shoko. | The sower soweth the word. |
| 15 | Zvino ava ndivo veparutivi rwenzira, apo panokushwa shoko, uye kana vachirinzwa, pakarepo Satani anouya ndokubvisa shoko rakakushwa mumoyo yavo. | And these are they by the way side, where the word is sown; but when they have heard, Satan cometh immediately, and taketh away the word that was sown in their hearts. |
| 16 | Uye saizvozvo ava ndivo vakakushwa panzvimbo dzine mabwe, ivo kana vanzwa shoko, pakarepo vanorigamuchira nemufaro, | And these are they likewise which are sown on stony ground; who, when they have heard the word, immediately receive it with gladness; |
| 17 | asi havana mudzi mavari, asi ndevenguva; pashure kana matambudziko kana kushushwa zvichiuya nekuda kweshoko, pakarepo vanogumburwa. | And have no root in themselves, and so endure but for a time: afterward, when affliction or persecution ariseth for the word’s sake, immediately they are offended. |
| 18 | Zvino ava ndivo vanokushwa muminzwa, vanonzwa shoko, | And these are they which are sown among thorns; such as hear the word, |
| 19 | asi kufunganya kwenyika ino nekunyengera kwefuma neruchiva pamusoro pezvimwe zvinhu zvichipinda, zvichivhunga shoko, rova risingabereki. | And the cares of this world, and the deceitfulness of riches, and the lusts of other things entering in, choke the word, and it becometh unfruitful. |
| 20 | Naava ndivo vakakushwa muvhu rakanaka, ndivo vanonzwa shoko, ndokugamuchira, vagobereka chibereko, umwe makumi matatu, uye umwe makumi matanhatu, uye umwe zana. | And these are they which are sown on good ground; such as hear the word, and receive it, and bring forth fruit, some thirtyfold, some sixty, and some an hundred. |
| 21 | Zvino wakati kwavari: Mwenje unouiswa kuti uiswe pasi pedengu kana pasi pemubhedha here? Kwete kuti uiswe pachigadziko chemwenje here? | And he said unto them, Is a candle brought to be put under a bushel, or under a bed? and not to be set on a candlestick? |
| 22 | Nokuti hapana chakavigwa chisingazovhundunurwi, kana chakachengetwa chakavanda, asi kuti zvibude pachena. | For there is nothing hid, which shall not be manifested; neither was any thing kept secret, but that it should come abroad. |
| 23 | Kana munhu ane nzeve dzekunzwa, ngaanzwe. | If any man have ears to hear, let him hear. |
| 24 | Zvino wakati kwavari: Chenjererai zvamunonzwa; nechiyero chamunoyera nacho chichayerwa kwamuri, nekwamuri imwi munonzwa, chichawedzerwa. | And he said unto them, Take heed what ye hear: with what measure ye mete, it shall be measured to you: and unto you that hear shall more be given. |
| 25 | Nokuti ani nani anacho achapiwa; asi asina achatorerwa kunyange nechaanacho. | For he that hath, to him shall be given: and he that hath not, from him shall be taken even that which he hath. |
| 26 | Zvino akati: Hwakadaro ushe hwaMwari, sezvinonzi munhu anokusha mbeu muvhu. | And he said, So is the kingdom of God, as if a man should cast seed into the ground; |
| 27 | Zvino orara nekumuka usiku nemasikati, mbeu inomera ichikura iye asingazivi kuti sei. | And should sleep, and rise night and day, and the seed should spring and grow up, he knoweth not how. |
| 28 | Nokuti ivhu rinozviberekera chibereko pacharo, pakutanga chipande, pashure hura, pashure zviyo zvakakora pahura. | For the earth bringeth forth fruit of herself; first the blade, then the ear, after that the full corn in the ear. |
| 29 | Asi kana chibereko chaibva, pakarepo anotuma jeko nokuti kukohwa kwasvika. | But when the fruit is brought forth, immediately he putteth in the sickle, because the harvest is come. |
| 30 | Zvino wakati: Tichafananidza nei ushe hwaMwari? Kana tingahuenzanisa nemuenzaniso upi? | And he said, Whereunto shall we liken the kingdom of God? or with what comparison shall we compare it? |
| 31 | Setsanga yemasitadha*, iyo kana ichidzvarwa muvhu, idikisa kumbeu dzese dzepanyika; | It is like a grain of mustard seed, which, when it is sown in the earth, is less than all the seeds that be in the earth: |
| 32 | asi kana yadzvarwa, inokura ichiva huru kumiriwo yese, ichiita matavi makuru zvekuti shiri dzekudenga dzinogona kuvakira pasi pemumvuri wawo. | But when it is sown, it groweth up, and becometh greater than all herbs, and shooteth out great branches; so that the fowls of the air may lodge under the shadow of it. |
| 33 | Zvino nemifananidzo mizhinji yakadaro wakataura shoko kwavari, sepavaigona kunzwa napo. | And with many such parables spake he the word unto them, as they were able to hear it. |
| 34 | Asi kunze kwemufananidzo haana kutaura kwavari; asi vava vega, wakadudzira vadzidzi vake zvese. | But without a parable spake he not unto them: and when they were alone, he expounded all things to his disciples. |
| 35 | Zvino nezuva iro ava madekwani, wakati kwavari: Ngatiyambukire mhiri. | And the same day, when the even was come, he saith unto them, Let us pass over unto the other side. |
| 36 | Vakarega chaunga chichienda, vakaenda naye akangodaro muchikepe. Zvino kwaivawo nemamwe magwa naye. | And when they had sent away the multitude, they took him even as he was in the ship. And there were also with him other little ships. |
| 37 | Zvino kwakamuka dutu guru remhepo, mafungu akazvirovera muchikepe, zvekuti chakange zvino chozadzwa. | And there arose a great storm of wind, and the waves beat into the ship, so that it was now full. |
| 38 | Asi iye wakange ari shure muchikepe arere pamutsago; vakamumutsa, vakati kwaari: Mudzidzisi, hamuna hanya kuti toparara here? | And he was in the hinder part of the ship, asleep on a pillow: and they awake him, and say unto him, Master, carest thou not that we perish? |
| 39 | Akamuka akatsiura mhepo, akati kugungwa: Nyarara, gadzikana! Mhepo ikamira, kukava nekudzikama kukuru. | And he arose, and rebuked the wind, and said unto the sea, Peace, be still. And the wind ceased, and there was a great calm. |
| 40 | Ndokuti kwavari: Munotyirei zvakadaro? Hamuna rutendo sei? | And he said unto them, Why are ye so fearful? how is it that ye have no faith? |
| 41 | Vakatya nekutya kukuru, vakati umwe kune umwe: Zvino ndiani uyu, kuti kunyange mhepo negungwa zvinomuteerera? | And they feared exceedingly, and said one to another, What manner of man is this, that even the wind and the sea obey him? |
Shona Bible — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GFDL · 출처 ↗
King James Version — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GPL