로그인

마가복음 3장 Shona Bible

Shona Bible · 쇼나어 · 마가복음 (Mark) · 35절 · 대역: King James Version

절Shona BibleKing James Version
1 Zvino wakapindazve musinagoge, zvino kwakange kune munhuko wakange ane ruoko rwakawonyana. And he entered again into the synagogue; and there was a man there which had a withered hand.
2 Zvino vakamutarisisa kuona kana angamuporesa nesabata, kuti vamupomere. And they watched him, whether he would heal him on the sabbath day; that they might accuse him.
3 Zvino akati kumunhu waiva neruoko rwakawonyana: Simuka uende pakati. And he saith unto the man which had the withered hand, Stand forth.
4 Akati kwavari: Zviri pamutemo here kuita zvakanaka nemasabata, kana kuita zvakaipa? Kuponesa upenyu, kana kuuraya? Asi vakanyarara. And he saith unto them, Is it lawful to do good on the sabbath days, or to do evil? to save life, or to kill? But they held their peace.
5 Zvino wakati aringa-ringa kwavari, nekutsamwa, ane shungu nekuda kwekuoma kwemoyo wavo, akati kumunhu: Tandavadza ruoko rwako, ndokutandavadza, ruoko rwake ndokuporeswa rwukagwinya serumwe. And when he had looked round about on them with anger, being grieved for the hardness of their hearts, he saith unto the man, Stretch forth thine hand. And he stretched it out: and his hand was restored whole as the other.
6 VaFarisi vakabuda pakarepo vakarangana neVaHerodhe vachimupikisa kuti vangamuparadza sei. And the Pharisees went forth, and straightway took counsel with the Herodians against him, how they might destroy him.
7 Zvino Jesu akabva nevadzidzi vake vakaenda kugungwa; chaunga chikuru chikamutevera chichibva kuGarirea, nekuJudhiya, But Jesus withdrew himself with his disciples to the sea: and a great multitude from Galilee followed him, and from Judea,
8 nekuJerusarema, nekuIdhumeya, nemhiri kwaJoridhani, nevakapoteredza Tire neSidhoni, chaunga chikuru, vakati vanzwa makuriro ezvinhu zvaanoita vakauya kwaari. And from Jerusalem, and from Idumea, and from beyond Jordan; and they about Tyre and Sidon, a great multitude, when they had heard what great things he did, came unto him.
9 Akataura kuvadzidzi vake kuti igwa diki rimugarire nekuda kwechaunga, kuti varege kumutsikirira. And he spake to his disciples, that a small ship should wait on him because of the multitude, lest they should throng him.
10 Nokuti wakange aporesa vazhinji zvekuti vaiwira pamusoro pake kuti vamubate vese vakange vane zvirwere. For he had healed many; insomuch that they pressed upon him for to touch him, as many as had plagues.
11 Nemweya yetsvina, payakamuona yakawira pasi pamberi pake, ikadanidzira ichiti: Imwi muri Mwanakomana waMwari. And unclean spirits, when they saw him, fell down before him, and cried, saying, Thou art the Son of God.
12 Akairairisa zvikuru kuti irege kumubudisa pachena. And he straitly charged them that they should not make him known.
13 Zvino wakakwira mugomo, akadanira kwaari vaakange achida iye; vakauya kwaari. And he goeth up into a mountain, and calleth unto him whom he would: and they came unto him.
14 Akagadza gumi nevaviri, kuti vave naye, nokuti avatume kunoparidza, And he ordained twelve, that they should be with him, and that he might send them forth to preach,
15 uye vave nesimba rekuporesa zvirwere nekubudisa madhimoni. And to have power to heal sicknesses, and to cast out devils:
16 NaSimoni akamutumidza zita rinonzi Petro, And Simon he surnamed Peter;
17 naJakobho waZebhedhi, naJohwani munin'ina waJakobho; akavatumidza mazita anonzi Bowanegesi, ndokuti, vanakomana vekutinhira; And James the son of Zebedee, and John the brother of James; and he surnamed them Boanerges, which is, The sons of thunder:
18 naAndiriya, naFiripi, naBhatoromiyo, naMatewu, naTomasi, naJakobho waArifiyosi, naTadhiyo, naSimoni muKenani, And Andrew, and Philip, and Bartholomew, and Matthew, and Thomas, and James the son of Alpheus, and Thaddeus, and Simon the Canaanite,
19 naJudhasi Isikariyoti, iye wakamutengesawo. Ndokubva vapinda mumba. And Judas Iscariot, which also betrayed him: and they went into an house.
20 Chaunga chikaunganazve zvekuti vakange vasingagoni kunyange kudya chingwa. And the multitude cometh together again, so that they could not so much as eat bread.
21 Vekwake vakati vachizvinzwa vakabuda kunomubata; nokuti vakati: Anopenga. And when his friends heard of it, they went out to lay hold on him: for they said, He is beside himself.
22 Nevanyori vakaburuka vachibva kuJerusarema vakati: Ana Bheerizebhuri, uye kuti: Anobudisa madhimoni nemutungamiriri wemadhimoni. And the scribes which came down from Jerusalem said, He hath Beelzebub, and by the prince of the devils casteth he out devils.
23 Zvino akavadanira kwaari, akati kwavari nemifananidzo: Satani angagona kubudisa Satani sei? And he called them unto him, and said unto them in parables, How can Satan cast out Satan?
24 Kana ushe hwakapesana huchizvipikisa, ushe uhwo hahungagoni kumira. And if a kingdom be divided against itself, that kingdom cannot stand.
25 Kana imba yakapesana ichizvipikisa, imba iyo haigoni kumira. And if a house be divided against itself, that house cannot stand.
26 Uye kana Satani achizvimukira, akapesana, haangagoni kumira, asi anoguma. And if Satan rise up against himself, and be divided, he cannot stand, but hath an end.
27 Hakuna angagona kupinda mumba mechikakarara, akapamba nhumbi dzacho, kunze kwekuti atanga kusunga chikakarara, ndokuzopamba imba yacho. No man can enter into a strong man’s house, and spoil his goods, except he will first bind the strong man; and then he will spoil his house.
28 Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Zvivi zvese zvichakanganwirwa kuvanakomana vevanhu, nekunyomba kwese kwavanonyomba nako; Verily I say unto you, All sins shall be forgiven unto the sons of men, and blasphemies wherewith soever they shall blaspheme:
29 asi ani nani anonyomba achipikisa Mweya Mutsvene haana kanganwiro kusvikira narinhi asi ane mhosva yekutongwa kusingaperi. But he that shall blaspheme against the Holy Ghost hath never forgiveness, but is in danger of eternal damnation:
30 Nokuti vakati: Ane mweya wetsvina. Because they said, He hath an unclean spirit.
31 Zvino kwakauya vanin'ina namai vake, vakamira kunze, vakatumira nhume kwaari vachimudana. There came then his brethren and his mother, and, standing without, sent unto him, calling him.
32 Chaunga chakange chigere chakamukomba; vakati kwaari: Tarirai, mai venyu nevanin'ina venyu vari panze vanokutsvakai. And the multitude sat about him, and they said unto him, Behold, thy mother and thy brethren without seek for thee.
33 Akavapindura achiti: Mai vangu ndiani kana vanin'ina vangu? And he answered them, saying, Who is my mother, or my brethren?
34 Zvino akaringa-ringa kupoteredza avo vakange vagere vakamukomba akati: Tarirai mai vangu nevanin'ina vangu. And he looked round about on them which sat about him, and said, Behold my mother and my brethren!
35 Nokuti ani nani anoita kuda kwaMwari, ndiye munin'ina wangu nehanzvadzi yangu namai. For whosoever shall do the will of God, the same is my brother, and my sister, and mother.

Shona Bible — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GFDL · 출처 ↗
King James Version — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GPL