마가복음 2장 Shona Bible
Shona Bible · 쇼나어 · 마가복음 (Mark) · 28절 · 대역: King James Version
| 절 | Shona Bible | King James Version |
|---|---|---|
| 1 | Zvino wakapindazve muKapenaume pashure pemazuva; zvikanzwikwa kuti ari mumba. | And again he entered into Capernaum after some days; and it was noised that he was in the house. |
| 2 | Zvino pakarepo vazhinji vakaungana zvekuti pakange pasisina nzvimbo, kunyange pamukova; akataura shoko kwavari. | And straightway many were gathered together, insomuch that there was no room to receive them, no, not so much as about the door: and he preached the word unto them. |
| 3 | Vakauya kwaari, vakauisa wakange akafa mitezo, akatakurwa nevanhu vana. | And they come unto him, bringing one sick of the palsy, which was borne of four. |
| 4 | Zvino vakati vasingagoni kusvika pedo naye nekuda kwechaunga, vakapfurunyura denga paakange ari, vakati varidzura vakaburusira hwanyanza hwaakange arere pahuri iye wakange akafa mitezo. | And when they could not come nigh unto him for the press, they uncovered the roof where he was: and when they had broken it up, they let down the bed wherein the sick of the palsy lay. |
| 5 | Jesu wakati aona rutendo rwavo akati kune wakange akafa mitezo: Mwana, zvivi zvako zvakanganwirwa kwauri. | When Jesus saw their faith, he said unto the sick of the palsy, Son, thy sins be forgiven thee. |
| 6 | Zvino vamwe vevanyori vakange vagerepo, vakafunga mumoyo yavo vachiti: | But there were certain of the scribes sitting there, and reasoning in their hearts, |
| 7 | Uyu anotaurirei kunyomba sezvizvi? Ndiani anogona kukanganwira zvivi kunze kweumwe chete, Mwari? | Why doth this man thus speak blasphemies? who can forgive sins but God only? |
| 8 | Zvino pakarepo Jesu achiziva mumweya wake kuti vanofunga saizvozvo mukati mavo wakati kwavari: Munofungirei zvinhu izvi mumoyo yenyu? | And immediately when Jesus perceived in his spirit that they so reasoned within themselves, he said unto them, Why reason ye these things in your hearts? |
| 9 | Chii chakareruka zvikuru, kuti kune wakafa mitezo: Zvivi zvako zvakanganwirwa kwauri; kana kuti: Simuka, utore hwanyanza hwako, ufambe? | Whether is it easier to say to the sick of the palsy, Thy sins be forgiven thee; or to say, Arise, and take up thy bed, and walk? |
| 10 | Asi kuti muzive kuti Mwanakomana wemunhu ane simba panyika rekukanganwira zvivi (akati kune wakange akafa mitezo): | But that ye may know that the Son of man hath power on earth to forgive sins, (he saith to the sick of the palsy,) |
| 11 | Ndinoti kwauri: Simuka utore hwanyanza hwako, uende kumba kwako. | I say unto thee, Arise, and take up thy bed, and go thy way into thine house. |
| 12 | Zvino pakarepo wakasimuka, akatora hwanyanza, ndokubuda pamberi pavo vese; zvekuti vese vakashamisika, vakarumbidza Mwari, vachiti: Hatina kumbozviona zvakadai. | And immediately he arose, took up the bed, and went forth before them all; insomuch that they were all amazed, and glorified God, saying, We never saw it on this fashion. |
| 13 | Wakabudazve parutivi rwegungwa, chaunga chese chikauya kwaari, akavadzidzisa. | And he went forth again by the sea side; and all the multitude resorted unto him, and he taught them. |
| 14 | Wakati achipfuura, akaona Revhi waArifiyosi agere paimba yemutero, akati kwaari: Nditevere. Akasimuka akamutevera. | And as he passed by, he saw Levi the son of Alpheus sitting at the receipt of custom, and said unto him, Follow me. And he arose and followed him. |
| 15 | Zvino zvakaitika agere pakudya mumba make, kuti vateresi vazhinji nevatadzi vakagarawo pamwe naJesu nevadzidzi vake; nokuti vakange vari vazhinji vakamutevera. | And it came to pass, that, as Jesus sat at meat in his house, many publicans and sinners sat also together with Jesus and his disciples: for there were many, and they followed him. |
| 16 | Zvino vanyori neVaFarisi vakati vamuona achidya nevateresi nevatadzi, vakati kuvadzidzi vake: Nemhaka yei achidya nekunwa nevateresi nevatadzi? | And when the scribes and Pharisees saw him eat with publicans and sinners, they said unto his disciples, How is it that he eateth and drinketh with publicans and sinners? |
| 17 | Jesu wakati achizvinzwa akati kwavari: Vatano havadi chiremba, asi vanorwara. Handina kuuya kuzodana vakarurama, asi vatadzi mukutendeuka. | When Jesus heard it, he saith unto them, They that are whole have no need of the physician, but they that are sick: I came not to call the righteous, but sinners to repentance. |
| 18 | Uye vadzidzi vaJohwani neveVaFarisi vaitsanya; vakauya vakati kwaari: Nemhaka yeyi vadzidzi vaJohwani neveVaFarisi vachitsanya asi vadzidzi venyu havatsanyi? | And the disciples of John and of the Pharisees used to fast: and they come and say unto him, Why do the disciples of John and of the Pharisees fast, but thy disciples fast not? |
| 19 | Jesu akati kwavari: Vana veimba yemuchato vanogona kutsanya muwani achiri kwavari here? Kana vachingova nemuwani kwavari, havagoni kutsanya; | And Jesus said unto them, Can the children of the bridechamber fast, while the bridegroom is with them? as long as they have the bridegroom with them, they cannot fast. |
| 20 | asi mazuva achasvika apo muwani achabviswa kwavari, ipapo mumazuva ayo vachatsanya. | But the days will come, when the bridegroom shall be taken away from them, and then shall they fast in those days. |
| 21 | Uye hakuna anosonera chigamba chemucheka usakaunyana panguvo sharu; kana zvikasadaro chinoiswa chinobvaruka kubva pachiri, chitsva kubva pane chakasakara, buri rikanyanya. | No man also seweth a piece of new cloth on an old garment: else the new piece that filled it up taketh away from the old, and the rent is made worse. |
| 22 | Uye hakuna anodira waini itsva muhombodo sharu; kana zvikasadaro waini itsva inoparusa hombodo, waini ikateuka nehombodo ikaparara; asi waini itsva inofanira kudirwa muhombodo itsva. | And no man putteth new wine into old bottles: else the new wine doth burst the bottles, and the wine is spilled, and the bottles will be marred: but new wine must be put into new bottles. |
| 23 | Zvino zvakaitika kuti achigura nemuminda yezviyo nesabata, vadzidzi vake ndokutanga kutanha hura vachifamba. | And it came to pass, that he went through the corn fields on the sabbath day; and his disciples began, as they went, to pluck the ears of corn. |
| 24 | VaFarisi ndokuti kwaari: Tarira, vanoitirei nesabata izvo zvisiri pamutemo? | And the Pharisees said unto him, Behold, why do they on the sabbath day that which is not lawful? |
| 25 | Iye akati kwavari: Hamuna kutomboverenga here Dhavhidhi zvaakaita, paakange ashaiwa, ava nenzara, iye nevakange vanaye? | And he said unto them, Have ye never read what David did, when he had need, and was an hungred, he, and they that were with him? |
| 26 | Kuti wakapinda sei mumba maMwari nenguva yaAbhiatari mupristi mukuru, akadya zvingwa zvekuratidza zvakange zvisiri pamutemo kudyiwa, kunze nevapristi, akapawo kwavari vaiva naye? | How he went into the house of God in the days of Abiathar the high priest, and did eat the shewbread, which is not lawful to eat but for the priests, and gave also to them which were with him? |
| 27 | Akati kwavari: Sabata rakaitirwa munhu, kwete munhu kuitirwa sabata. | And he said unto them, The sabbath was made for man, and not man for the sabbath: |
| 28 | Naizvozvo Mwanakomana wemunhu ndiIshe kunyange wesabata. | Therefore the Son of man is Lord also of the sabbath. |
Shona Bible — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GFDL · 출처 ↗
King James Version — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GPL