로마서 6장 Shona Bible
Shona Bible · 쇼나어 · 로마서 (Romans) · 23절 · 대역: King James Version
| 절 | Shona Bible | King James Version |
|---|---|---|
| 1 | Zvino tichatii? Ticharambira muchivi kuti nyasha dziwande here? | What shall we say then? Shall we continue in sin, that grace may abound? |
| 2 | Ngazvisadaro! Isu takafa kuchivi, ticharamba tichirarama sei machiri? | God forbid. How shall we, that are dead to sin, live any longer therein? |
| 3 | Kana hamuzivi here kuti isu tese takabhabhatidzwa muna Kristu Jesu, takabhabhatidzwa murufu rwake? | Know ye not, that so many of us as were baptized into Jesus Christ were baptized into his death? |
| 4 | Naizvozvo takavigwa pamwe naye murufu nerubhabhatidzo; kuti sezvo Kristu akamutswa kubva kuvakafa nekubwinya kwaBaba, saizvozvo isuwo tifambe pautsva hweupenyu. | Therefore we are buried with him by baptism into death: that like as Christ was raised up from the dead by the glory of the Father, even so we also should walk in newness of life. |
| 5 | Nokuti kana takadzvarwa pamwe pakufanana kwerufu rwake, asi tichadarowo pakumuka kwake; | For if we have been planted together in the likeness of his death, we shall be also in the likeness of his resurrection: |
| 6 | tichiziva izvi, kuti munhu wedu wekare wakarovererwa pamwe naye, kuti muviri wechivi uparadzwe, kuti isu tisachishumira chivi; | Knowing this, that our old man is crucified with him, that the body of sin might be destroyed, that henceforth we should not serve sin. |
| 7 | nokuti uyo wakafa wakasunungurwa pachivi. | For he that is dead is freed from sin. |
| 8 | Zvino kana takafa pamwe naKristu, tinotenda kuti tichararamawo pamwe naye; | Now if we be dead with Christ, we believe that we shall also live with him: |
| 9 | tichiziva kuti Kristu amutswa kubva kuvakafa haafizve; rufu haruchina simba pamusoro pake. | Knowing that Christ being raised from the dead dieth no more; death hath no more dominion over him. |
| 10 | Nokuti pakuti wakafa, wakafa kamwe kuchivi; zvino pakuti anorarama, anorarama kuna Mwari. | For in that he died, he died unto sin once: but in that he liveth, he liveth unto God. |
| 11 | Saizvozvo nemwi zviverengei semakafa zvirokwazvo kuchivi, asi munorarama kuna Mwari naKristu Jesu Ishe wedu. | Likewise reckon ye also yourselves to be dead indeed unto sin, but alive unto God through Jesus Christ our Lord. |
| 12 | Naizvozvo chivi ngachirege kutonga mumuviri wenyu unofa, kuti muchiteerere kuchiva kwacho; | Let not sin therefore reign in your mortal body, that ye should obey it in the lusts thereof. |
| 13 | uye musapa mitezo yenyu ive midziyo yekusarurama kuchivi; asi muzvipe imwi kuna Mwari sevapenyu kubva kuvakafa, nemitezo yenyu ive midziyo yekururama kuna Mwari. | Neither yield ye your members as instruments of unrighteousness unto sin: but yield yourselves unto God, as those that are alive from the dead, and your members as instruments of righteousness unto God. |
| 14 | Nokuti chivi hachizotongi pamusoro penyu; nokuti hamusi pasi pemurairo, asi pasi penyasha. | For sin shall not have dominion over you: for ye are not under the law, but under grace. |
| 15 | Ko zvino? Tichatadza here, nokuti hatisi pasi pemurairo, asi pasi penyasha? Ngazvisadaro! | What then? shall we sin, because we are not under the law, but under grace? God forbid. |
| 16 | Hamuzivi here kuti uyo wamunozvipa kwaari muve varanda vekumuteerera, muri varanda vaiye wamunoteerera; kana vechivi chinoisa kurufu, kana vekuteerera kunoisa kukururama? | Know ye not, that to whom ye yield yourselves servants to obey, his servants ye are to whom ye obey; whether of sin unto death, or of obedience unto righteousness? |
| 17 | Asi Mwari ngaavongwe, kuti maiva varanda vechivi, asi mava kuteerera kubva pamoyo muenzaniso wedzidziso wamakakumikidzwa kwauri; | But God be thanked, that ye were the servants of sin, but ye have obeyed from the heart that form of doctrine which was delivered you. |
| 18 | uye masunungurwa kubva pachivi, makaitwa varanda vekururama. | Being then made free from sin, ye became the servants of righteousness. |
| 19 | Ndinotaura nenzira yevanhu nekuda kweutera hwenyama yenyu; nokuti sezvamakapa mitezo yenyu kuva varanda kutsvina neuipi zvinoisa kune zvakaipa, saizvozvo ikozvino ipai mitezo yenyu kuva varanda vekururama kunoisa kuutsvene. | I speak after the manner of men because of the infirmity of your flesh: for as ye have yielded your members servants to uncleanness and to iniquity unto iniquity; even so now yield your members servants to righteousness unto holiness. |
| 20 | Nokuti pamaiva varanda vechivi, makange makasununguka pakururama. | For when ye were the servants of sin, ye were free from righteousness. |
| 21 | Naizvozvo maiva nechibereko chei panguva iyo pazvinhu izvo zvamava kunyadziswa nazvo ikozvino? Nokuti mugumo wezvinhu izvo rufu. | What fruit had ye then in those things whereof ye are now ashamed? for the end of those things is death. |
| 22 | Asi ikozvino zvamakasunungurwa pachivi, mukaitwa varanda kuna Mwari, mune chibereko chenyu chinoisa kuutsvene, uye mugumo upenyu husingaperi. | But now being made free from sin, and become servants to God, ye have your fruit unto holiness, and the end everlasting life. |
| 23 | Nokuti mubairo wechivi rufu, asi chipo chenyasha chaMwari upenyu husingaperi muna Kristu Jesu Ishe wedu. | For the wages of sin is death; but the gift of God is eternal life through Jesus Christ our Lord. |
Shona Bible — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GFDL · 출처 ↗
King James Version — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GPL