로마서 7장 Shona Bible
Shona Bible · 쇼나어 · 로마서 (Romans) · 25절 · 대역: King James Version
| 절 | Shona Bible | King James Version |
|---|---|---|
| 1 | Hamuzivi here, hama (nokuti ndinotaura kuna avo vanoziva murairo), kuti murairo unotonga munhu nguva yese yaanenge ari mupenyu? | Know ye not, brethren, (for I speak to them that know the law,) how that the law hath dominion over a man as long as he liveth? |
| 2 | Nokuti mukadzi akawanikwa wakasungwa nemurairo kumurume anorarama; asi kana murume afa, wasunungurwa pamurairo wemurume. | For the woman which hath an husband is bound by the law to her husband so long as he liveth; but if the husband be dead, she is loosed from the law of her husband. |
| 3 | Naizvozvo zvino kana murume ari mupenyu, achanzi chifeve kana akava weumwe murume; asi kana murume afa, wasununguka pamurairo, kuti asava chifeve, kana akava wemumwe murume. | So then if, while her husband liveth, she be married to another man, she shall be called an adulteress: but if her husband be dead, she is free from that law; so that she is no adulteress, though she be married to another man. |
| 4 | Naizvozvo, hama dzangu, nemwi makaitwa vakafa kumurairo nemuviri waKristu, kuti muve veumwe, kuna iye wakamutswa kubva kuvakafa, kuti tiberekere Mwari zvibereko. | Wherefore, my brethren, ye also are become dead to the law by the body of Christ; that ye should be married to another, even to him who is raised from the dead, that we should bring forth fruit unto God. |
| 5 | Nokuti pataiva munyama, kuchiva kwezvivi zvaiva kubidikidza nemurairo kwakabata mumitezo yedu kubereka zvibereko zvinoisa kurufu. | For when we were in the flesh, the motions of sins, which were by the law, did work in our members to bring forth fruit unto death. |
| 6 | Asi zvino takasunungurwa pamurairo, takafa kune zvatakange takabatwa nazvo, kuti tishumire muutsva hwemweya, kwete neutsaru hwerugwaro. | But now we are delivered from the law, that being dead wherein we were held; that we should serve in newness of spirit, and not in the oldness of the letter. |
| 7 | Ko zvino tichatii? Murairo chivi here? Ngazvisadaro! Asi handisaiziva chivi, kunze kwekubudikidza nemurairo; nokuti handisaizivawo ruchiva, kana murairo wakange usina kureva kuti: Usachiva. | What shall we say then? Is the law sin? God forbid. Nay, I had not known sin, but by the law: for I had not known lust, except the law had said, Thou shalt not covet. |
| 8 | Asi chivi, chawana mukana nemurairo, chikaita mandiri ruchiva rwese; nokuti kunze kwemurairo chivi chakafa. | But sin, taking occasion by the commandment, wrought in me all manner of concupiscence. For without the law sin was dead. |
| 9 | Ini ndakambova mupenyu kunze kwemurairo, asi murairo pawakasvika, chivi chakava chipenyuzve, neni ndikafa; | For I was alive without the law once: but when the commandment came, sin revived, and I died. |
| 10 | uye murairo waiva weupenyu, iwo wakawanikwa neni wava werufu; | And the commandment, which was ordained to life, I found to be unto death. |
| 11 | nokuti chivi, chawana mukana nemurairo, chakandinyengera chikandiuraya nawo. | For sin, taking occasion by the commandment, deceived me, and by it slew me. |
| 12 | Naizvozvo mutemo mutsvene, nemurairo mutsvene, uye wakarurama, uye wakanaka. | Wherefore the law is holy, and the commandment holy, and just, and good. |
| 13 | Naizvozvo zvakanaka zvakava rufu mandiri here? Ngazvisadaro! Asi chivi, kuti chiratidzwe kuti chivi, chinobata rufu mandiri nezvakanaka; kuti chivi nemurairo chive chakaipa kwazvo-kwazvo. | Was then that which is good made death unto me? God forbid. But sin, that it might appear sin, working death in me by that which is good; that sin by the commandment might become exceeding sinful. |
| 14 | Nokuti tinoziva kuti murairo ndewemweya; asi ini ndiri wenyama, ndakatengeswa pasi pechivi. | For we know that the law is spiritual: but I am carnal, sold under sin. |
| 15 | Nokuti icho chandinoita, handichizivi; nokuti chandinoda, ndicho chandisingaiti; asi chandinovenga, ndicho chandinoita. | For that which I do I allow not: for what I would, that do I not; but what I hate, that do I. |
| 16 | Zvino kana ndichiita icho chandisingadi, ndinobvumirana nemurairo kuti wakanaka. | If then I do that which I would not, I consent unto the law that it is good. |
| 17 | Asi ikozvinowo handisisiri ini ndinochiita, asi chivi chinogara mandiri. | Now then it is no more I that do it, but sin that dwelleth in me. |
| 18 | Nokuti ndinoziva kuti mandiri, ndiko kuti munyama yangu, hamugari chakanaka; nokuti kuda kurimo mandiri, asi kuita chakanaka handikuwani. | For I know that in me (that is, in my flesh,) dwelleth no good thing: for to will is present with me; but how to perform that which is good I find not. |
| 19 | Nokuti chakanaka chandinoda, handiiti; asi chakaipa chandisingadi, ndicho chandinoita. | For the good that I would I do not: but the evil which I would not, that I do. |
| 20 | Zvino kana ndichiita icho chandisingadi ini, handisisiri ini ndinochiita, asi chivi chinogara mandiri. | Now if I do that I would not, it is no more I that do it, but sin that dwelleth in me. |
| 21 | Naizvozvo ndinowana murairo wekuti kana ndichida kuita chakanaka, chakaipa chiripo pandiri. | I find then a law, that, when I would do good, evil is present with me. |
| 22 | Nokuti ndinofara mumurairo waMwari zvinoenderana nemunhu wemukati; | For I delight in the law of God after the inward man: |
| 23 | asi ndinoona umwe murairo mumitezo yangu unorwa nemurairo wemurangariro wangu, uye uchanditapira kumurairo wechivi uri mumitezo yangu. | But I see another law in my members, warring against the law of my mind, and bringing me into captivity to the law of sin which is in my members. |
| 24 | Ini munhu anosuruvara! Ndiani achandisunungura pamuviri werufu urwu? | O wretched man that I am! who shall deliver me from the body of this death? |
| 25 | Ndinotenda Mwari kubudikidza naJesu Kristu Ishe wedu. Naizvozvo zvino nemurangariro ini ndomene ndinoshumira murairo waMwari, asi nenyama murairo wechivi. | I thank God through Jesus Christ our Lord. So then with the mind I myself serve the law of God; but with the flesh the law of sin. |
Shona Bible — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GFDL · 출처 ↗
King James Version — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GPL