로그인

로마서 5장 Shona Bible

Shona Bible · 쇼나어 · 로마서 (Romans) · 21절 · 대역: King James Version

절Shona BibleKing James Version
1 Naizvozvo zvatakanzi takarurama nerutendo, tine rugare kuna Mwari kubudikidza naIshe wedu Jesu Kristu, Therefore being justified by faith, we have peace with God through our Lord Jesus Christ:
2 watine mapindirowo naye nerutendo munyasha idzi dzatinomira madziri, tichizvikudza mutariro yekubwinya kwaMwari. By whom also we have access by faith into this grace wherein we stand, and rejoice in hope of the glory of God.
3 Zvisati zviri izvo chetewo, asi tichizvikudzawo mumatambudziko, tichiziva kuti dambudziko rinouisa kutsungirira, And not only so, but we glory in tribulations also: knowing that tribulation worketh patience;
4 uye kutsungirira kutsiga, nekutsiga tariro; And patience, experience; and experience, hope:
5 uye tariro hainyadzisi, nokuti rudo rwaMwari rwakadirwa mumoyo yedu neMweya Mutsvene wakapiwa kwatiri. And hope maketh not ashamed; because the love of God is shed abroad in our hearts by the Holy Ghost which is given unto us.
6 Nokuti tichiri pakushaiwa simba, Kristu panguva yakafanira wakafira vasingadi Mwari. For when we were yet without strength, in due time Christ died for the ungodly.
7 Nokuti zvinorema kuti umwe afire wakarurama; nokuti zvimwe kungavapo kunyange angatsunga kufira wakanaka. For scarcely for a righteous man will one die: yet peradventure for a good man some would even dare to die.
8 Asi Mwari anosimbisa rudo rwake amene kwatiri, kuti tichiri vatadzi Kristu wakatifira. But God commendeth his love toward us, in that, while we were yet sinners, Christ died for us.
9 Naizvozvo zvikurusa, ikozvino zvatinonzi takarurama muropa rake, tichaponeswa naye pahasha. Much more then, being now justified by his blood, we shall be saved from wrath through him.
10 Nokuti kana pataiva vavengi takayananiswa naMwari nerufu rweMwanakomana wake, kunyanya zvatakayananiswa tichaponeswa muupenyu hwake; For if, when we were enemies, we were reconciled to God by the death of his Son, much more, being reconciled, we shall be saved by his life.
11 zvisati zviri izvozvowo chete, asi tinozvikudzawo muna Mwari kubudikidza naIshe wedu Jesu Kristu, watakagamuchira ikozvino naye chiyananiso. And not only so, but we also joy in God through our Lord Jesus Christ, by whom we have now received the atonement.
12 Naizvozvo, chivi sezvachakapinda munyika nemunhu umwe, nerufu rukapinda nechivi, uye saizvozvo rufu rwakapfuurira kuvanhu vese, nokuti vese vakatadza; Wherefore, as by one man sin entered into the world, and death by sin; and so death passed upon all men, for that all have sinned:
13 nokuti kusvika murairo wavapo chivi chakange chiripo panyika; nokuti chivi hachiverengerwi, pasina murairo, (For until the law sin was in the world: but sin is not imputed when there is no law.
14 asi rufu rwakabata ushe kubva kuna Adhamu kusvikira kuna Mozisi, kunyange pamusoro pevakange vasina kutadza zvakafanana sekudarika kwaAdhamu, anova mufananidzo waiye wakange achizouya. Nevertheless death reigned from Adam to Moses, even over them that had not sinned after the similitude of Adam’s transgression, who is the figure of him that was to come.
15 Asi kwete sekudarika, zvakaitawo chipo chenyasha. Nokuti kana nekudarika kweumwe vazhinji vakafa, kunyanya kazhinji nyasha dzaMwari nechipo zvakawandira vazhinji nenyasha dzemunhu umwe, Jesu Kristu. But not as the offence, so also is the free gift. For if through the offence of one many be dead, much more the grace of God, and the gift by grace, which is by one man, Jesus Christ, hath abounded unto many.
16 Uye chipo hachina kuita seumwe wakatadza; nokuti kutongwa kwakabva kuneumwe kuchienda mukupiwa mhosva, asi chipo chenyasha chinobva pazvitadzo zvizhinji chichienda mukushaiswa mhosva. And not as it was by one that sinned, so is the gift: for the judgment was by one to condemnation, but the free gift is of many offences unto justification.
17 Nokuti kana nekudarika kweumwe rufu rwakatonga naiyeyu ega, kunyanya ivo vanogamuchira kuwanda kwenyasha nekwechipo chekururama vachatonga paupenyu naiyeyu umwe, Jesu Kristu. For if by one man’s offence death reigned by one; much more they which receive abundance of grace and of the gift of righteousness shall reign in life by one, Jesus Christ.)
18 Naizvozvo sezvo nekudarika kweumwe kutonga kwakauya kuvanhu vese, mukupiwa mhosva, saizvozvowo nekururama kweumwe, nyasha dzakauya kuvanhu vese mukusapiwa mhosva kweupenyu. Therefore as by the offence of one judgment came upon all men to condemnation; even so by the righteousness of one the free gift came upon all men unto justification of life.
19 Nokuti sezvo nekusateerera kwemunhu umwe vazhinji vakaitwa vatadzi, saizvozvowo nekuteerera kweumwe, vazhinji vachaitwa vakarurama. For as by one man’s disobedience many were made sinners, so by the obedience of one shall many be made righteous.
20 Asi murairo wakapinda ukawedzera, kuti kudarika kuwande; asi chivi pachakawanda, nyasha dzakawanda nekupfuurisa; Moreover the law entered, that the offence might abound. But where sin abounded, grace did much more abound:
21 kuti chivi sezvachakatonga murufu, saizvozvo nenyasha dzitonge nekururama kusvika kuupenyu husingaperi, naJesu Kristu Ishe wedu. That as sin hath reigned unto death, even so might grace reign through righteousness unto eternal life by Jesus Christ our Lord.

Shona Bible — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GFDL · 출처 ↗
King James Version — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GPL