로마서 4장 Shona Bible
Shona Bible · 쇼나어 · 로마서 (Romans) · 25절 · 대역: King James Version
| 절 | Shona Bible | King James Version |
|---|---|---|
| 1 | Ko zvino tichati Abhurahama baba vedu wakawanei panyama? | What shall we say then that Abraham our father, as pertaining to the flesh, hath found? |
| 2 | Nokuti kana Abhurahama akanzi wakarurama nemabasa, ane kuzvikudza, asi kwete pamberi paMwari. | For if Abraham were justified by works, he hath whereof to glory; but not before God. |
| 3 | Nokuti rugwaro rwunoti kudini? Rwunoti: Abhurahama wakatenda kuna Mwari, zvikaverengwa kwaari kuti kururama. | For what saith the scripture? Abraham believed God, and it was counted unto him for righteousness. |
| 4 | Asi kune anoshanda mubairo hauverengwi sewenyasha, asi sewengava. | Now to him that worketh is the reward not reckoned of grace, but of debt. |
| 5 | Asi kune asingashandi, asi anotenda kuna iye anoshaisa mhosva asingadi Mwari, rutendo rwake rwunoverengerwa kuti kururama. | But to him that worketh not, but believeth on him that justifieth the ungodly, his faith is counted for righteousness. |
| 6 | Uye sezvo Dhavhidhi achitsanangura kuropafadzwa kwemunhu, Mwari waanoverengera kururama kunze kwemabasa, achiti: | Even as David also describeth the blessedness of the man, unto whom God imputeth righteousness without works, |
| 7 | Vakaropafadzwa vane kudarika kwakakanganwirwa, uye vane zvivi zvakafukidzirwa. | Saying, Blessed are they whose iniquities are forgiven, and whose sins are covered. |
| 8 | Wakaropafadzwa munhu Ishe waasingatongoverengeri chivi. | Blessed is the man to whom the Lord will not impute sin. |
| 9 | Naizvozvo kuropafadzwa uku kuri pamusoro pekudzingiswa here, kana pamusoro pekusadzingiswawo? Nokuti tinoti: Rutendo rwakaverengwa kuna Abhurahama kuti kururama. | Cometh this blessedness then upon the circumcision only, or upon the uncircumcision also? for we say that faith was reckoned to Abraham for righteousness. |
| 10 | Ko kwakaverengwa sei? Paakange ari mukudzingiswa here, kana mukusadzingiswa? Kwete mukudzingiswa, asi mukusadzingiswa. | How was it then reckoned? when he was in circumcision, or in uncircumcision? Not in circumcision, but in uncircumcision. |
| 11 | Zvino wakagamuchira chiratidzo chekudzingiswa, mucherechedzo wekururama kwerutendo, rwaakange anarwo mukusadzingiswa; kuti ave baba vevese vanotenda mukusadzingiswa, kuti kururama kuverengerwe kwavariwo; | And he received the sign of circumcision, a seal of the righteousness of the faith which he had yet being uncircumcised: that he might be the father of all them that believe, though they be not circumcised; that righteousness might be imputed unto them also: |
| 12 | uye baba vekudzingiswa kune avo vasiri vanobva mukudzingiswa chete, asi vanofambawo mumakwara erutendo rwababa vedu Abhurahama kwavaiva nako mukusadzingiswa. | And the father of circumcision to them who are not of the circumcision only, but who also walk in the steps of that faith of our father Abraham, which he had being yet uncircumcised. |
| 13 | Nokuti chivimbiso hachina kuva kuna Abhurahama kana kumbeu yake kubudikidza nemurairo, chekuva mugari wenhaka yenyika, asi nekururama kwerutendo. | For the promise, that he should be the heir of the world, was not to Abraham, or to his seed, through the law, but through the righteousness of faith. |
| 14 | Nokuti kana ivo vanobva pamurairo vari vagari venhaka, rutendo rwunoshaiswa maturo, nechivimbiso chinokoneswa; | For if they which are of the law be heirs, faith is made void, and the promise made of none effect: |
| 15 | nokuti murairo unouisa kutsamwa; nokuti pasina murairo, hapana kudarikawo. | Because the law worketh wrath: for where no law is, there is no transgression. |
| 16 | Naizvozvo ndezverutendo, kuti zvive zvenyasha, kuti chivimbiso chisimbiswe kumbeu yese; isati iri yemurairo chete asi neiyo yerutendo rwaAbhurahama, anova baba vedu tese, | Therefore it is of faith, that it might be by grace; to the end the promise might be sure to all the seed; not to that only which is of the law, but to that also which is of the faith of Abraham; who is the father of us all, |
| 17 | (sezvazvakanyorwa zvichinzi: Ndakakugadza uve baba vemarudzi mazhinji) pamberi paiye waakatenda, iye Mwari, anoraramisa vakafa, neanodana zvisipo sekunge zviripo. | (As it is written, I have made thee a father of many nations,) before him whom he believed, even God, who quickeneth the dead, and calleth those things which be not as though they were. |
| 18 | Iye achipokana netariro wakatenda kutariro, kuti achava baba vemarudzi mazhinji, sezvakange zvataurwa kuti: Ichaita saizvozvo mbeu yako. | Who against hope believed in hope, that he might become the father of many nations; according to that which was spoken, So shall thy seed be. |
| 19 | Uye haana kushaiwa simba parutendo, haana kurangarira muviri wake womene wakange watofa, ava nemakore anenge zana, uye kufa kwechizvaro chaSara; | And being not weak in faith, he considered not his own body now dead, when he was about an hundred years old, neither yet the deadness of Sara’s womb: |
| 20 | asi haana kuva nechokwadi nechivimbiso chaMwari nekusatenda, asi wakasimbiswa parutendo, achipa rumbidzo kuna Mwari, | He staggered not at the promise of God through unbelief; but was strong in faith, giving glory to God; |
| 21 | achipwisa zvakazara kuti icho chaakavimbisa, wakange achigonawo kuchiita. | And being fully persuaded that, what he had promised, he was able also to perform. |
| 22 | Zvino naizvozvo zvakaverengerwa kwaari kuti kururama. | And therefore it was imputed to him for righteousness. |
| 23 | Asi zvakange zvisina kunyorwa nekuda kwake ega, kuti zvakaverengerwa kwaari; | Now it was not written for his sake alone, that it was imputed to him; |
| 24 | asi nekuda kweduwo, tichaverengerwa icho, tinotenda kune wakamutsa Jesu Ishe wedu kubva kuvakafa, | But for us also, to whom it shall be imputed, if we believe on him that raised up Jesus our Lord from the dead; |
| 25 | wakatengeswa nekuda kwezvitadzo zvedu, akamutswazve nekuda kwekunzi takarurama. | Who was delivered for our offences, and was raised again for our justification. |
Shona Bible — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GFDL · 출처 ↗
King James Version — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GPL