로마서 3장 Shona Bible
Shona Bible · 쇼나어 · 로마서 (Romans) · 31절 · 대역: King James Version
| 절 | Shona Bible | King James Version |
|---|---|---|
| 1 | Ko zvino muJudha ane pundutso yei, kana rubatsiro rwekudzingiswa nderwupi? | What advantage then hath the Jew? or what profit is there of circumcision? |
| 2 | Zvizhinji nemutoo wese; nokuti pakutanga kuti vakabatiswa mashoko aMwari. | Much every way: chiefly, because that unto them were committed the oracles of God. |
| 3 | Nokuti ko kana vamwe vasina kutenda? Kusatenda kwavo kuchashayisa kutendeka kwaMwari maturo here? | For what if some did not believe? shall their unbelief make the faith of God without effect? |
| 4 | Ngazvisadaro! Asi Mwari ngaave wechokwadi, asi munhu wese murevi wenhema, sezvazvakanyorwa zvichinzi: Kuti munzi makarurama pamashoko enyu, uye mukunde pakutongwa kwenyu. | God forbid: yea, let God be true, but every man a liar; as it is written, That thou mightest be justified in thy sayings, and mightest overcome when thou art judged. |
| 5 | Asi kana kusarurama kwedu kuchiratidza kururama kwaMwari, tichati chii? Kuti Mwari haana kururama here anodurura hasha? (Ndinotaura semunhu.) | But if our unrighteousness commend the righteousness of God, what shall we say? Is God unrighteous who taketh vengeance? (I speak as a man) |
| 6 | Ngazvisadaro! Kana zvakadaro Mwari angagozotonga nyika sei? | God forbid: for then how shall God judge the world? |
| 7 | Nokuti kana chokwadi chaMwari chakawanzwa nenhema dzangu parumbidzo yake, ini ndichiri kutongerweiwo semutadzi? | For if the truth of God hath more abounded through my lie unto his glory; why yet am I also judged as a sinner? |
| 8 | Uye zvikasadaro tichapomerwa zvakaipa, uye sezvinotaura vamwe kuti tinoti: Ngatiite zvakaipa kuti zvakanaka zviuye? Kuraswa kwavo kunova kwakarurama. | And not rather, (as we be slanderously reported, and as some affirm that we say,) Let us do evil, that good may come? whose damnation is just. |
| 9 | Ko zvino? Tiri nani here? Kwete nepadiki pese; nokuti tambopa mhosva vese VaJudha neVaGiriki kuti vese vari pasi pechivi, | What then? are we better than they? No, in no wise: for we have before proved both Jews and Gentiles, that they are all under sin; |
| 10 | sezvazvakanyorwa zvichinzi: Hakuna wakarurama, kwete kunyange neumwe; | As it is written, There is none righteous, no, not one: |
| 11 | hakuna anonzwisisa, hakuna anotsvaka Mwari; | There is none that understandeth, there is none that seeketh after God. |
| 12 | vese vakatsauka, vakava pamwe vasina maturo; hakuna anoita zvakanaka, hakuna kunyange neumwe; | They are all gone out of the way, they are together become unprofitable; there is none that doeth good, no, not one. |
| 13 | huro yavo iguva rakashama; nendimi dzavo vakanyengera; uturu hwemhungu huri pasi pemiromo yavo; | Their throat is an open sepulchre; with their tongues they have used deceit; the poison of asps is under their lips: |
| 14 | vemuromo wavo uzere nekutuka nekuvava; | Whose mouth is full of cursing and bitterness: |
| 15 | tsoka dzavo dzinokurumidza kuteura ropa; | Their feet are swift to shed blood: |
| 16 | kuparadza nekutambudzika zviri munzira dzavo, | Destruction and misery are in their ways: |
| 17 | uye nzira yerugare havana kuiziva; | And the way of peace have they not known: |
| 18 | kutya Mwari hakupo pamberi pemeso avo. | There is no fear of God before their eyes. |
| 19 | Zvino tinoziva kuti zvese murairo zvaunoreva, unozvireva kune vari pasi pemurairo; kuti muromo umwe neumwe udzivirwe, nenyika yese ive nemhosva kuna Mwari; | Now we know that what things soever the law saith, it saith to them who are under the law: that every mouth may be stopped, and all the world may become guilty before God. |
| 20 | naizvozvo nemabasa emurairo hakuna nyama ichanzi yakarurama pamberi pake; nokuti nemurairo kune ruzivo rwechivi. | Therefore by the deeds of the law there shall no flesh be justified in his sight: for by the law is the knowledge of sin. |
| 21 | Asi ikozvino kururama kwaMwari kwakaratidzwa kunze kwemurairo, kuchipupurwa nemurairo nevaporofita; | But now the righteousness of God without the law is manifested, being witnessed by the law and the prophets; |
| 22 | ikowo kururama kwaMwari kubudikidza nerutendo rwaJesu Kristu kune vese nepamusoro pevese vanotenda; nokuti hapana musiyano; | Even the righteousness of God which is by faith of Jesus Christ unto all and upon all them that believe: for there is no difference: |
| 23 | nokuti vese vakatadza vakataira pakubwinya kwaMwari, | For all have sinned, and come short of the glory of God; |
| 24 | vachinzi vakarurama pachena nenyasha dzake kubudikidza nerudzikunuro rwuri muna Kristu Jesu; | Being justified freely by his grace through the redemption that is in Christ Jesus: |
| 25 | iye Mwari waakagadza kuva muripo wekuyananisa, nerutendo muropa rake, kuva chiratidzo chekururama kwake, nekusarangarira zvivi zvakaitwa kare mukuva nemoyo murefu kwaMwari; | Whom God hath set forth to be a propitiation through faith in his blood, to declare his righteousness for the remission of sins that are past, through the forbearance of God; |
| 26 | kuti chive chiratidzo chekururama kwake panguva yaikozvino, kuti ave wakarurama uye kururamisa werutendo rwaJesu. | To declare, I say, at this time his righteousness: that he might be just, and the justifier of him which believeth in Jesus. |
| 27 | Naizvozvo kuzvikudza kuripi? Kwavharirwa kunze. Nemurairo upi? Wemabasa here? Kwete, asi nemurairo werutendo. | Where is boasting then? It is excluded. By what law? of works? Nay: but by the law of faith. |
| 28 | Naizvozvo tinogura kuti munhu anonzi wakarurama nerutendo, kunze kwemabasa emurairo. | Therefore we conclude that a man is justified by faith without the deeds of the law. |
| 29 | Kuti ndiMwari weVaJudha vega here? Haasi wevahedheniwo here? Hongu wevahedheniwo; | Is he the God of the Jews only? is he not also of the Gentiles? Yes, of the Gentiles also: |
| 30 | Mwari zvaari zvirokwazvo mumwe, achati kudzingiswa kwakarurama kubva parutendo, nevasina kudzingiswa nerutendo. | Seeing it is one God, which shall justify the circumcision by faith, and uncircumcision through faith. |
| 31 | Naizvozvo tinoshayisa maturo murairo nerutendo here? Ngazvisadaro! Asi tinosimbisa murairo. | Do we then make void the law through faith? God forbid: yea, we establish the law. |
Shona Bible — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GFDL · 출처 ↗
King James Version — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GPL