로마서 2장 Shona Bible
Shona Bible · 쇼나어 · 로마서 (Romans) · 29절 · 대역: King James Version
| 절 | Shona Bible | King James Version |
|---|---|---|
| 1 | Naizvozvo hauna manzvengero, iwe munhu, upi neupi anotonga; nokuti neicho chaunotonga nacho umwe, unozvipa mhosva iwe, nokuti iwe unotonga unoita zvinhu zvakangodaro. | Therefore thou art inexcusable, O man, whosoever thou art that judgest: for wherein thou judgest another, thou condemnest thyself; for thou that judgest doest the same things. |
| 2 | Asi tinoziva kuti kutonga kwaMwari kunoenderana nechokwadi pamusoro pevanoita zvinhu zvakadaro. | But we are sure that the judgment of God is according to truth against them which commit such things. |
| 3 | Zvino unofunga izvi, haiwa munhu anotonga vanoita zvinhu zvakadaro, uchiitawo zvakadaro, kuti iwe uchatiza kutonga kwaMwari here? | And thinkest thou this, O man, that judgest them which do such things, and doest the same, that thou shalt escape the judgment of God? |
| 4 | Kana unozvidza here fuma yenyasha dzake nemoyo murefu nemoyo munyoro, usingazivi kuti nyasha dzaMwari dzinokuisa pakutendeuka? | Or despisest thou the riches of his goodness and forbearance and longsuffering; not knowing that the goodness of God leadeth thee to repentance? |
| 5 | Asi neukukutu hwako nemoyo usingatendeuki unozvichengetera hasha nezuva rehasha nekuzarurwa kwekutonga kwakarurama kwaMwari, | But after thy hardness and impenitent heart treasurest up unto thyself wrath against the day of wrath and revelation of the righteous judgment of God; |
| 6 | iye achapa mubairo kune umwe neumwe maererano nemabasa ake; | Who will render to every man according to his deeds: |
| 7 | upenyu husingaperi kune vanotsungirira pakuita kwakanaka vanotsvaka kubwinya nekukudzwa nekusafa; | To them who by patient continuance in well doing seek for glory and honour and immortality, eternal life: |
| 8 | asi kune vane nharo, uye vasingateereri chokwadi asi vanoteerera kusarurama, kuchavapo kutsamwa nehasha, | But unto them that are contentious, and do not obey the truth, but obey unrighteousness, indignation and wrath, |
| 9 | dambudziko nekumanikidzika, pamusoro pemweya umwe neumwe wemunhu anoita zvakaipa, pakutanga wemuJudha newemuGirikiwo; | Tribulation and anguish, upon every soul of man that doeth evil, of the Jew first, and also of the Gentile; |
| 10 | asi kubwinya nerukudzo nerugare kune umwe neumwe anoita zvakanaka, kumuJudha pakutanga, nekumuGirikiwo; | But glory, honour, and peace, to every man that worketh good, to the Jew first, and also to the Gentile: |
| 11 | nokuti hakuna rusarura rwemunhu kuna Mwari. | For there is no respect of persons with God. |
| 12 | Nokuti vese vakatadza vasina murairo, vachapararawo vasina murairo; uye vese vakatadza mumurairo, vachatongwa nemurairo; | For as many as have sinned without law shall also perish without law: and as many as have sinned in the law shall be judged by the law; |
| 13 | nokuti havasi vanzwi vemurairo vakarurama pamberi paMwari, asi vaiti vemurairo vachanzi vakarurama. | (For not the hearers of the law are just before God, but the doers of the law shall be justified. |
| 14 | Nokuti kana vahedheni vasina murairo vachiita pachisikirwo zviri pamurairo, ivo, vasina murairo, ndivo murairo kwavari vamene; | For when the Gentiles, which have not the law, do by nature the things contained in the law, these, having not the law, are a law unto themselves: |
| 15 | vanoratidza basa remurairo wakanyorwa mumoyo yavo; hana yavo ichipupurawo, nemirangariro ichipa mhosva kanawo kuvapembedza pakati pavo, | Which shew the work of the law written in their hearts, their conscience also bearing witness, and their thoughts the mean while accusing or else excusing one another;) |
| 16 | nezuva Mwari raachatonga zvakavanzika zvevanhu, naJesu Kristu, maererano neevhangeri yangu. | In the day when God shall judge the secrets of men by Jesus Christ according to my gospel. |
| 17 | Tarira iwe unonzi muJudha, uye unozembera pamurairo, unozvikudza muna Mwari, | Behold, thou art called a Jew, and restest in the law, and makest thy boast of God, |
| 18 | uye unoziva chido chake, nekugamuchira zvakanakisa, uchidzidziswa kubva pamurairo, | And knowest his will, and approvest the things that are more excellent, being instructed out of the law; |
| 19 | uye unozvivimba kuti iwe uri mutungamiriri wemapofu, chiedza chevari murima, | And art confident that thou thyself art a guide of the blind, a light of them which are in darkness, |
| 20 | murairiri wemapenzi, mudzidzisi wevacheche, une chimiro cheruzivo nechechokwadi mumurairo; | An instructor of the foolish, a teacher of babes, which hast the form of knowledge and of the truth in the law. |
| 21 | naizvozvo iwe anodzidzisa umwe, hauzvidzidzisi here? Iwe anoparidza kuti usaba, unoba here? | Thou therefore which teachest another, teachest thou not thyself? thou that preachest a man should not steal, dost thou steal? |
| 22 | Iwe anoti usapomba, unopomba here? Iwe anosema zvifananidzo, unopamba tembere here? | Thou that sayest a man should not commit adultery, dost thou commit adultery? thou that abhorrest idols, dost thou commit sacrilege? |
| 23 | Iwe anozvirumbidza nemurairo, unoshoora Mwari nekudarika murairo here? | Thou that makest thy boast of the law, through breaking the law dishonourest thou God? |
| 24 | Nokuti zita raMwari rinonyombwa pakati pevahedheni nekuda kwenyu, sezvo zvakanyorwa. | For the name of God is blasphemed among the Gentiles through you, as it is written. |
| 25 | Nokuti kudzingiswa kunobatsira zvirokwazvo, kana uchiita murairo; asi kana uri mudariki wemurairo, kudzingiswa kwako kwava kusadzingiswa. | For circumcision verily profiteth, if thou keep the law: but if thou be a breaker of the law, thy circumcision is made uncircumcision. |
| 26 | Naizvozvo kana kusadzingiswa kuchichengeta zviga zvemurairo, kusadzingiswa kwake hakuverengwi kuti kudzingiswa here? | Therefore if the uncircumcision keep the righteousness of the law, shall not his uncircumcision be counted for circumcision? |
| 27 | Nekusadzingiswa kwepachisikirwo, kana kuchizadzisa murairo, hakungakutongi here iwe mudariki wemurairo nerugwaro uye nekudzingiswa? | And shall not uncircumcision which is by nature, if it fulfil the law, judge thee, who by the letter and circumcision dost transgress the law? |
| 28 | Nokuti haasi muJudha, ari muJudha rwekunze, kana kudzingiswa kuri kwekunze panyama; | For he is not a Jew, which is one outwardly; neither is that circumcision, which is outward in the flesh: |
| 29 | asi iye muJudha ari iye makavanda, nekudzingiswa ndekwemoyo mumweya, kwete murugwaro; ane kurumbidzwa kwake kusingabvi kuvanhu asi kuna Mwari. | But he is a Jew, which is one inwardly; and circumcision is that of the heart, in the spirit, and not in the letter; whose praise is not of men, but of God. |
Shona Bible — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GFDL · 출처 ↗
King James Version — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GPL