로그인

로마서 16장 Shona Bible

Shona Bible · 쇼나어 · 로마서 (Romans) · 27절 · 대역: King James Version

절Shona BibleKing James Version
1 Ndinorumbidza kwamuri Febhe hanzvadzi yedu, anova murandakadzi wekereke iri paKenikireya; I commend unto you Phebe our sister, which is a servant of the church which is at Cenchrea:
2 kuti mumugamuchire muna Ishe sezvinofanira vatsvene, uye kuti mumubatsire panhau ipi neipi yaangashaiwa kwamuri; nokuti iyewo wakava mubatsiri wevazhinji, newangu ndomene. That ye receive her in the Lord, as becometh saints, and that ye assist her in whatsoever business she hath need of you: for she hath been a succourer of many, and of myself also.
3 Kwazisai Prisira naAkwira vashandi pamwe neni muna Kristu Jesu. Greet Priscilla and Aquila my helpers in Christ Jesus:
4 Ivo nekuda kweupenyu hwangu vakaradzika mutsipa wavo pachavo, vandisingavongi ini ndega, asi nemakereke ese evahedheni; Who have for my life laid down their own necks: unto whom not only I give thanks, but also all the churches of the Gentiles.
5 kwazisaiwo kereke iri paimba yavo. Kwazisai Epaeneto mudikanwi wangu, anova chibereko chekutanga cheAkaya muna Kristu. Likewise greet the church that is in their house. Salute my wellbeloved Epenetus, who is the firstfruits of Achaia unto Christ.
6 Kwazisai Maria, wakatishandira zvikuru. Greet Mary, who bestowed much labour on us.
7 Kwazisai Andoroniko naJunia hama dzangu nevakasungwa pamwe neni, vane mbiri pakati pevaapositori, vakanditangirawo kuva muna Kristu. Salute Andronicus and Junia, my kinsmen, and my fellowprisoners, who are of note among the apostles, who also were in Christ before me.
8 Kwazisai Amupiriyasi mudikanwi wangu muna Ishe. Greet Amplias my beloved in the Lord.
9 Kwazisai Obhano mushandi pamwe nesu muna Kristu, naStako mudikanwi wangu. Salute Urbane, our helper in Christ, and Stachys my beloved.
10 Kwazisai Apere anotendwa muna Kristu. Kwazisai vekwaArisitobhuro. Salute Apelles approved in Christ. Salute them which are of Aristobulus’ household.
11 Kwazisai Herodhio hama yangu. Kwazisai vekwaNakiso, vari muna Ishe. Salute Herodion my kinsman. Greet them that be of the household of Narcissus, which are in the Lord.
12 Kwazisai Trufaina naTrufosa vakadzi vanoshanda muna Ishe. Kwazisai Perisisi mukadzi anodikanwa, wakashanda zvikuru muna Ishe. Salute Tryphena and Tryphosa, who labour in the Lord. Salute the beloved Persis, which laboured much in the Lord.
13 Kwazisai Rufosi wakasanangurwa muna Ishe, namai vake vari vanguwo. Salute Rufus chosen in the Lord, and his mother and mine.
14 Kwazisai Asingirita, Firegoni, Herimasi, Patrobhasi, Herimesi, nehama dzinavo. Salute Asyncritus, Phlegon, Hermas, Patrobas, Hermes, and the brethren which are with them.
15 Kwazisai Firorogosi naJuria, Nerusi nehanzvadzi yake, naOrimba, nevatsvene vese vanavo. Salute Philologus, and Julia, Nereus, and his sister, and Olympas, and all the saints which are with them.
16 Kwazisanai nekutsvoda kutsvene. Makereke aKristu anokukwazisai. Salute one another with an holy kiss. The churches of Christ salute you.
17 Zvino ndinokukumbirisai, hama, ngwarirai avo vanoita mhesaniso uye zvigumbuso, zvinopesana nedzidziso yamakadzidza imwi, uye muvanzvenge. Now I beseech you, brethren, mark them which cause divisions and offences contrary to the doctrine which ye have learned; and avoid them.
18 Nokuti vakadaro havashandiri Ishe wedu Jesu Kristu, asi dumbu ravo; uye neshoko rakanaka nekutaura kwakanaka vanonyengera moyo yevasina mhosva. For they that are such serve not our Lord Jesus Christ, but their own belly; and by good words and fair speeches deceive the hearts of the simple.
19 Nokuti kuteerera kwenyu kwakasvika kune vese. Naizvozvo ndinofara pamusoro penyu; asi ndinoda kuti muve vakachenjera kune chakanaka, asi vakachena kune chakaipa. For your obedience is come abroad unto all men. I am glad therefore on your behalf: but yet I would have you wise unto that which is good, and simple concerning evil.
20 Zvino Mwari werugare achakurumidza kupwanya Satani pasi petsoka dzenyu. Nyasha dzaIshe wedu Jesu Kristu ngadzive nemwi. Ameni. And the God of peace shall bruise Satan under your feet shortly. The grace of our Lord Jesus Christ be with you. Amen.
21 Timotio, mushandi pamwe neni, naRukio naJasoni naSosipatro hama dzangu vanokukwazisai. Timotheus my workfellow, and Lucius, and Jason, and Sosipater, my kinsmen, salute you.
22 Ini Tetiosi, anonyora tsamba, ndinokukwazisai muna Ishe. I Tertius, who wrote this epistle, salute you in the Lord.
23 Gayosi, mugamuchiri wangu nekereke yese, anokukwazisai. Erastosi muchengeti wemari yeguta anokukwazisai, naKwaritosi hama. Gaius mine host, and of the whole church, saluteth you. Erastus the chamberlain of the city saluteth you, and Quartus a brother.
24 Nyasha dzaIshe wedu Jesu Kristu ngadzive nemwi mese. Ameni. The grace of our Lord Jesus Christ be with you all. Amen.
25 Zvino kune ane simba rekukusimbisai sezvinoreva evhangeri yangu nekuparidzwa kwaJesu Kristu, zvichienderana nekuzarurwa kwezvakavanzika, zvisina kutaurwa zvakavanzwa nguva dzakare, Now to him that is of power to stablish you according to my gospel, and the preaching of Jesus Christ, according to the revelation of the mystery, which was kept secret since the world began,
26 asi ikozvino zvinoratidzwa, uye nemagwaro evaporofita semurairo waMwari wekusingaperi, wakaziviswa kumarudzi ese pakuteerera kwerutendo, But now is made manifest, and by the scriptures of the prophets, according to the commandment of the everlasting God, made known to all nations for the obedience of faith:
27 kuna Mwari iye wakachenjera ega ngakuve nekurumbidzwa naJesu Kristu, kusvika narinhi. Ameni. To God only wise, be glory through Jesus Christ for ever. Amen. Written to the Romans from Corinthus, and sent by Phebe servant of the church at Cenchrea.

Shona Bible — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GFDL · 출처 ↗
King James Version — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GPL