로마서 15장 Shona Bible
Shona Bible · 쇼나어 · 로마서 (Romans) · 33절 · 대역: King James Version
| 절 | Shona Bible | King James Version |
|---|---|---|
| 1 | Zvino isu tine simba tinofanira kutakura utera hwevasina simba, uye tisingazvifadzi isu. | We then that are strong ought to bear the infirmities of the weak, and not to please ourselves. |
| 2 | Naizvozvo umwe neumwe wedu ngaafadze umwe wake pane zvakanaka pakumuvaka. | Let every one of us please his neighbour for his good to edification. |
| 3 | Nokuti naKristu haana kuzvifadza iye, asi, sezvazvakanyorwa zvichinzi: Kutuka kwevakakutukai kwakawira pamusoro pangu. | For even Christ pleased not himself; but, as it is written, The reproaches of them that reproached thee fell on me. |
| 4 | Nokuti zvese zvakagara zvanyorwa, zvakagara zvanyorerwa kudzidza kwedu, kuti nemoyo murefu uye nekunyaradza kwemagwaro tive netariro. | For whatsoever things were written aforetime were written for our learning, that we through patience and comfort of the scriptures might have hope. |
| 5 | Asi dai Mwari wemoyo murefu newenyaradzo apa kwamuri kuva nemoyo umwe pakati penyu maererano naKristu Jesu; | Now the God of patience and consolation grant you to be likeminded one toward another according to Christ Jesus: |
| 6 | kuti nemoyo umwe nemuromo umwe mukudze Mwari, ivo Baba vaIshe wedu Jesu Kristu. | That ye may with one mind and one mouth glorify God, even the Father of our Lord Jesus Christ. |
| 7 | Naizvozvo gamuchiranai, Kristu sezvaakatigamuchirawo, ruve rukudzo rwaMwari. | Wherefore receive ye one another, as Christ also received us to the glory of God. |
| 8 | Zvino ndinoti, Jesu Kristu wakava muranda wedzingiso nekuda kwechokwadi chaMwari, kuti asimbise zvivimbiso zvemadzibaba; | Now I say that Jesus Christ was a minister of the circumcision for the truth of God, to confirm the promises made unto the fathers: |
| 9 | uye vahedheni vakudze Mwari nekuda kwetsitsi; sezvazvakanyorwa zvichinzi: Nekuda kweizvozvi ndichakureururai pakati pevahedheni, nekuimbira zita renyu rumbidzo. | And that the Gentiles might glorify God for his mercy; as it is written, For this cause I will confess to thee among the Gentiles, and sing unto thy name. |
| 10 | Uyezve anoti: Farai, vahedheni, pamwe nevanhu vake. | And again he saith, Rejoice, ye Gentiles, with his people. |
| 11 | Uyezve: Rumbidzai Ishe imwi vahedheni vese; mumukudzewo imwi vanhu vese. | And again, Praise the Lord, all ye Gentiles; and laud him, all ye people. |
| 12 | Uyezve Isaya anoti: Uchavapo mudzi waJese, neachasimukira kutonga vahedheni; vahedheni vachavimba kwaari. | And again, Esaias saith, There shall be a root of Jesse, and he that shall rise to reign over the Gentiles; in him shall the Gentiles trust. |
| 13 | Daiwo Mwari wetariro akuzadzai nemufaro wese uye nerugare muchitenda, kuti muwedzere patariro, nesimba reMweya Mutsvene. | Now the God of hope fill you with all joy and peace in believing, that ye may abound in hope, through the power of the Holy Ghost. |
| 14 | Zvino ini ndomene ndinozivisisa nezvenyu, hama dzangu, kuti nemwi pachenyu muzere nekunaka, makazadzwa neruzivo rwese, munogonawo kurairana. | And I myself also am persuaded of you, my brethren, that ye also are full of goodness, filled with all knowledge, able also to admonish one another. |
| 15 | Asi, hama, ndinokunyorerai ndakatsunga zvikuru, neimwe nzira, ndichiita sendinokuyeuchidzai, nekuda kwenyasha dzandakapiwa naMwari, | Nevertheless, brethren, I have written the more boldly unto you in some sort, as putting you in mind, because of the grace that is given to me of God, |
| 16 | kuti ndive mushumiri waJesu Kristu kuvahedheni, ndichishumira evhangeri yaMwari, kuti chibairo chevahedheni chigamuchirike, chichiitwa chitsvene neMweya Mutsvene. | That I should be the minister of Jesus Christ to the Gentiles, ministering the gospel of God, that the offering up of the Gentiles might be acceptable, being sanctified by the Holy Ghost. |
| 17 | Naizvozvo ndine kuzvikudza muna Kristu Jesu pazvinhu zvemaererano naMwari; | I have therefore whereof I may glory through Jesus Christ in those things which pertain to God. |
| 18 | nokuti handingashingi kutaura chero chinhu chaizvo Kristu zvaasina kuita kubudikidza neni, kuti vahedheni vateerereswe, neshoko uye nebasa, | For I will not dare to speak of any of those things which Christ hath not wrought by me, to make the Gentiles obedient, by word and deed, |
| 19 | musimba rezviratidzo nezvishamiso, musimba reMweya waMwari; naizvozvo kubva paJerusarema nekwakapoteredza kusvikira Iririkumu ndakaparidza zvakazara evhangeri yaKristu; | Through mighty signs and wonders, by the power of the Spirit of God; so that from Jerusalem, and round about unto Illyricum, I have fully preached the gospel of Christ. |
| 20 | nokudaro ndakashingaira kuparidza evhangeri, kwete pakambodanwa Kristu, kuti ndirege kuvaka pamusoro penheyo dzeumwe; | Yea, so have I strived to preach the gospel, not where Christ was named, lest I should build upon another man’s foundation: |
| 21 | asi, sezvazvakanyorwa zvichinzi: Vasina kuudzwa zvake, vachaona, nevasina kunzwa, vachanzwisisa. | But as it is written, To whom he was not spoken of, they shall see: and they that have not heard shall understand. |
| 22 | Nekuda kweizvozviwo ndakadzivirirwa kazhinji kuuya kwamuri; | For which cause also I have been much hindered from coming to you. |
| 23 | asi ikozvino zvandisisina nzvimbo pamatunhu awa, uye ndine chishuwo chikuru kwemakore mazhinji chekuuya kwamuri; | But now having no more place in these parts, and having a great desire these many years to come unto you; |
| 24 | saizvozvo kana ndichaenda kuSipania, ndichauya kwamuri; nokuti ndinovimba kukuonai parwendo rwangu, nekuperekedzwa nemwi ikoko, kana ndatanga ndambogutswa muchikamu ndinemwi. | Whensoever I take my journey into Spain, I will come to you: for I trust to see you in my journey, and to be brought on my way thitherward by you, if first I be somewhat filled with your company. |
| 25 | Asi ikozvinowo ndinoenda kuJerusarema, ndichishumira vatsvene. | But now I go unto Jerusalem to minister unto the saints. |
| 26 | Nokuti zvakavafadza Makedhonia neAkaya kupa chimwe chipo varombo vevatsvene vari paJerusarema. | For it hath pleased them of Macedonia and Achaia to make a certain contribution for the poor saints which are at Jerusalem. |
| 27 | Nokuti zvakavafadza, uye vane ngava navo. Nokuti kana vahedheni vakaisawo ruoko pazvinhu zvavo zvemweya, vane ngavawo rekuvashandira pazvinhu zvenyama. | It hath pleased them verily; and their debtors they are. For if the Gentiles have been made partakers of their spiritual things, their duty is also to minister unto them in carnal things. |
| 28 | Naizvozvo kana ndapedza chinhu ichi, ndaisa mucherechedzo chibereko ichi kwavari, ndichabva ndiende kuSipania ndichipfuura nekwenyu. | When therefore I have performed this, and have sealed to them this fruit, I will come by you into Spain. |
| 29 | Uye ndinoziva kuti kana ndichiuya kwamuri ndichauya pakuzara kwemaropafadzo eevhangeri yaKristu. | And I am sure that, when I come unto you, I shall come in the fulness of the blessing of the gospel of Christ. |
| 30 | Zvino ndinokukumbirisai, hama, nekuda kwaIshe wedu Jesu Kristu, uye nekuda kwerudo rweMweya, kuti murwise pamwe neni paminyengetero kuna Mwari pamusoro pangu; | Now I beseech you, brethren, for the Lord Jesus Christ’s sake, and for the love of the Spirit, that ye strive together with me in your prayers to God for me; |
| 31 | kuti ndisunungurwe kune vasingatendi muJudhiya, uye kuti basa rangu reJerusarema rigamuchirike kuvatsvene; | That I may be delivered from them that do not believe in Judea; and that my service which I have for Jerusalem may be accepted of the saints; |
| 32 | kuti ndiuye kwamuri nemufaro nechido chaMwari, ndivandudzwe pamwe nemwi. | That I may come unto you with joy by the will of God, and may with you be refreshed. |
| 33 | Zvino Mwari werugare ngaave nemwi mese. Ameni. | Now the God of peace be with you all. Amen. |
Shona Bible — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GFDL · 출처 ↗
King James Version — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GPL