로그인

고린도전서 1장 Shona Bible

Shona Bible · 쇼나어 · 고린도전서 (1 Corinthians) · 31절 · 대역: King James Version

절Shona BibleKing James Version
1 Pauro wakadanwa kuva muapositori waJesu Kristu nechido chaMwari, naSositenesi hama, Paul, called to be an apostle of Jesus Christ through the will of God, and Sosthenes our brother,
2 kukereke yaMwari iri paKorinde, kune vakaitwa vatsvene muna Jesu Kristu, vakadanwa kuva vatsvene, pamwe nevese vanodana kuzita raIshe wedu Kristu Jesu panzvimbo yega-yega, wavo neweduwo: Unto the church of God which is at Corinth, to them that are sanctified in Christ Jesus, called to be saints, with all that in every place call upon the name of Jesus Christ our Lord, both theirs and ours:
3 Nyasha kwamuri nerugare rwunobva kuna Mwari Baba vedu naIshe Jesu Kristu. Grace be unto you, and peace, from God our Father, and from the Lord Jesus Christ.
4 Ndinovonga Mwari wangu nguva dzese maererano nemwi, nekuda kwenyasha dzaMwari dzakapiwa kwamuri muna Kristu Jesu; I thank my God always on your behalf, for the grace of God which is given you by Jesus Christ;
5 kuti pachinhu chese makafumiswa maari, panhaurwa yese neruzivo rwese, That in every thing ye are enriched by him, in all utterance, and in all knowledge;
6 sezvo uchapupu hwaKristu hwakasimbiswa mamuri; Even as the testimony of Christ was confirmed in you:
7 kuti hamushaiwi pane chimwe chipo, muchimirira kuratidzwa pachena kwaIshe wedu Jesu Kristu, So that ye come behind in no gift; waiting for the coming of our Lord Jesus Christ:
8 iye achakusimbisaiwo kusvika kumagumo, kuti musava nemhosva pazuva raIshe wedu Jesu Kristu. Who shall also confirm you unto the end, that ye may be blameless in the day of our Lord Jesus Christ.
9 Mwari wakatendeka, wamakadanwa kubudikidza naye mukudyidzana kweMwanakomana wake Jesu Kristu Ishe wedu. God is faithful, by whom ye were called unto the fellowship of his Son Jesus Christ our Lord.
10 Zvino ndinokukumbirisai, hama, nezita raIshe wedu Jesu Kristu, kuti mese mutaure chinhu chimwe, uye pasava nekupatsanurana pakati penyu, asi muve vakakwana pamurangariro umwe nemuonero umwe. Now I beseech you, brethren, by the name of our Lord Jesus Christ, that ye all speak the same thing, and that there be no divisions among you; but that ye be perfectly joined together in the same mind and in the same judgment.
11 Nokuti ndakaudzwa pamusoro penyu, hama dzangu, nevekwaKirowa, kuti kune makakava pakati penyu. For it hath been declared unto me of you, my brethren, by them which are of the house of Chloe, that there are contentions among you.
12 Zvino ndinoreva izvi, kuti umwe neumwe wenyu anoti: Ini ndiri waPauro, iniwo waAporo, asi ini waKefasi, iniwo waKristu. Now this I say, that every one of you saith, I am of Paul; and I of Apollos; and I of Cephas; and I of Christ.
13 Kristu wakapatsanurwa here? Ko Pauro wakarovererwa pamuchinjikwa imwi here, kana makabhabhatidzwa muzita raPauro here? Is Christ divided? was Paul crucified for you? or were ye baptized in the name of Paul?
14 Ndinovonga Mwari kuti handina kubhabhatidza umwe wenyu, kunze kwaKrispo naGayo; I thank God that I baptized none of you, but Crispus and Gaius;
15 kuti kurege kuva neanoti ndakabhabhatidza muzita rangu ndomene. Lest any should say that I had baptized in mine own name.
16 Uye ndakabhabhatidzawo imba yaStefana; kunze kweizvi handizivi kana ndakabhabhatidza umwe munhu. And I baptized also the household of Stephanas: besides, I know not whether I baptized any other.
17 Nokuti Kristu wakandituma kwete kuzobhabhatidza, asi kuzoparidza evhangeri; kwete nenjere dzeshoko, kuti zvimwe muchinjikwa waKristu ushaiswe maturo. For Christ sent me not to baptize, but to preach the gospel: not with wisdom of words, lest the cross of Christ should be made of none effect.
18 Nokuti shoko remuchinjikwa kuna vanoparadzwa upenzi, asi kwatiri isu vanoponeswa isimba raMwari. For the preaching of the cross is to them that perish foolishness; but unto us which are saved it is the power of God.
19 Nokuti kwakanyorwa kuchinzi: Ndichaparadza njere dzevakachenjera, ndichashaisa maturo kunzwisisa kwevanzwisisi. For it is written, I will destroy the wisdom of the wise, and will bring to nothing the understanding of the prudent.
20 Aripi wakachenjera? Aripi munyori? Aripi mukakavari wenyika ino? Mwari haana kuita uchenjeri hwenyika ino upenzi here? Where is the wise? where is the scribe? where is the disputer of this world? hath not God made foolish the wisdom of this world?
21 Nokuti zvakadaro muuchenjeri hwaMwari nyika neuchenjeri haina kuziva Mwari, zvakafadza Mwari neupenzi hwemharidzo kuponesa vanotenda. For after that in the wisdom of God the world by wisdom knew not God, it pleased God by the foolishness of preaching to save them that believe.
22 Nokuti neVaJudha vanokumbira chiratidzo, VaGirikiwo vanotsvaka uchenjeri; For the Jews require a sign, and the Greeks seek after wisdom:
23 asi isu tinoparidza Kristu wakarovererwa pamuchinjikwa, kuVaJudha chigumbuso, nekuVaGiriki upenzi; But we preach Christ crucified, unto the Jews a stumblingblock, and unto the Greeks foolishness;
24 asi kune vakadanwa, VaJudha pamwe neVaGiriki, Kristu isimba raMwari nenjere dzaMwari; But unto them which are called, both Jews and Greeks, Christ the power of God, and the wisdom of God.
25 nokuti upenzi hwaMwari hwakachenjera kupfuura hwevanhu, neutera hwaMwari hwakasimba kupfuura hwevanhu. Because the foolishness of God is wiser than men; and the weakness of God is stronger than men.
26 Nokuti tarirai kudanwa kwenyu, hama, kuti havasi vazhinji vakachenjera panyama, havasi vazhinji vane simba, havasi vazhinji vepamusoro; For ye see your calling, brethren, how that not many wise men after the flesh, not many mighty, not many noble, are called:
27 asi Mwari wakasarudza zvinhu zveupenzi zvenyika, kuti anyadzise vakachenjera; uye Mwari wakasarudza zvinhu zveutera zvenyika, kuti anyadzise zvine simba; But God hath chosen the foolish things of the world to confound the wise; and God hath chosen the weak things of the world to confound the things which are mighty;
28 nezvinhu zvepasi zvenyika nezvinhu zvinozvidzwa Mwari wakasarudza, nezvinhu zvisipo, kuti ashaise zvinhu zviripo maturo; And base things of the world, and things which are despised, hath God chosen, yea, and things which are not, to bring to nought things that are:
29 kuti kusava nenyama ingazvikudza pamberi pake. That no flesh should glory in his presence.
30 Asi naye imwi muri muna Kristu Jesu, wakaitirwa isu uchenjeri hunobva kuna Mwari, nekururama, nekuitwa vatsvene, nerudzikunuro; But of him are ye in Christ Jesus, who of God is made unto us wisdom, and righteousness, and sanctification, and redemption:
31 kuti sezvazvakanyorwa zvichinzi: Anozvikudza, ngaazvikudze muna Ishe. That, according as it is written, He that glorieth, let him glory in the Lord.

Shona Bible — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GFDL · 출처 ↗
King James Version — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GPL