로그인

로마서 14장 Shona Bible

Shona Bible · 쇼나어 · 로마서 (Romans) · 23절 · 대역: King James Version

절Shona BibleKing James Version
1 Zvino ane utera parutendo mugamuchirei, kwete negakava pamaonero. Him that is weak in the faith receive ye, but not to doubtful disputations.
2 Umwe anotenda kudya zvese, asi ane utera anodya miriwo. For one believeth that he may eat all things: another, who is weak, eateth herbs.
3 Anodya ngaarege kuzvidza asingadyi, uye asingadyi ngaarege kutonga anodya; nokuti Mwari wakamugamuchira. Let not him that eateth despise him that eateth not; and let not him which eateth not judge him that eateth: for God hath received him.
4 Iwe ndiwe ani anotonga muranda weumwe? Anomira kana kuwa kuna ishe wake pachake. Achamiswa zvirokwazvo; nokuti Mwari anogona kumumisa. Who art thou that judgest another man’s servant? to his own master he standeth or falleth. Yea, he shall be holden up: for God is able to make him stand.
5 Umwe anotemera zuva kupfuura rimwe zuva; umwe anotemera zuva rimwe nerimwe zvakafanana. Umwe neumwe ngaazivisise mumurangariro wake pachake. One man esteemeth one day above another: another esteemeth every day alike. Let every man be fully persuaded in his own mind.
6 Uyo anorangarira zuva, anorirangarira muna Ishe; neasingarangariri zuva, haarangariri muna Ishe; anodya anodya kuna Ishe, nokuti anovonga Mwari; uye asingadyi haadyi muna Ishe, uye anovonga Mwari. He that regardeth the day, regardeth it unto the Lord; and he that regardeth not the day, to the Lord he doth not regard it. He that eateth, eateth to the Lord, for he giveth God thanks; and he that eateth not, to the Lord he eateth not, and giveth God thanks.
7 Nokuti hakuna umwe kwatiri anozviraramira, uye hakuna anozvifira. For none of us liveth to himself, and no man dieth to himself.
8 Nokuti kana tichirarama, tinoraramira Ishe; uye kana tichifa, tinofira Ishe; naizvozvo kana tichirarama, kana tichifa, tiri vaIshe. For whether we live, we live unto the Lord; and whether we die, we die unto the Lord: whether we live therefore, or die, we are the Lord’s.
9 Nokuti naKristu wakafira izvozvi, uye akamuka, akararamazve kuti ave Ishe wevese vakafa nevapenyu. For to this end Christ both died, and rose, and revived, that he might be Lord both of the dead and living.
10 Zvino iwe unotongerei hama yako? Kana newe unozvidzirei hama yako? Nokuti isu tese tichamira pamberi pechigaro chekutonga chaKristu. But why dost thou judge thy brother? or why dost thou set at nought thy brother? for we shall all stand before the judgment seat of Christ.
11 Nokuti kwakanyorwa kuchinzi: Ini ndinorarama, anodaro Ishe; ibvi rimwe nerimwe richandifugamira, nerurimi rumwe nerumwe rwuchabvuma kuna Mwari. For it is written, As I live, saith the Lord, every knee shall bow to me, and every tongue shall confess to God.
12 Naizvozvo zvino umwe neumwe wedu achazvidavirira pachake kuna Mwari. So then every one of us shall give account of himself to God.
13 Naizvozvo ngatirege kuva tichatongana; asi zviri nani mutonge izvi, kuti tisaisira hama chigumbuso kana chipinganidzo. Let us not therefore judge one another any more: but judge this rather, that no man put a stumblingblock or an occasion to fall in his brother’s way.
14 Ndinoziva uye ndine chokwadi muna Ishe Jesu, kuti hakuna chinhu chakasviba pachacho; asi kune uyo anofunga kuti chakasviba, kwaari chakasviba. I know, and am persuaded by the Lord Jesus, that there is nothing unclean of itself: but to him that esteemeth any thing to be unclean, to him it is unclean.
15 Asi kana hama yako ichishungurudzwa nekudya, hauchafambi maererano nerudo. Usamuparadza nekudya kwako, uyo Kristu waakafira. But if thy brother be grieved with thy meat, now walkest thou not charitably. Destroy not him with thy meat, for whom Christ died.
16 Naizvozvo zvakanaka zvenyu ngazvirege kunyombwa. Let not then your good be evil spoken of:
17 Nokuti ushe hwaMwari hahusi kudya nechinwiwa, asi kururama nerugare nemufaro muMweya Mutsvene. For the kingdom of God is not meat and drink; but righteousness, and peace, and joy in the Holy Ghost.
18 Nokuti anoshumira Kristu pazvinhu izvi, anogamuchirika kuna Mwari, uye anotendwa kuvanhu. For he that in these things serveth Christ is acceptable to God, and approved of men.
19 Naizvozvo zvino ngatitsvakisise zvinhu zverugare, nezvinhu zvekuvakana. Let us therefore follow after the things which make for peace, and things wherewith one may edify another.
20 Rega kuparadza basa raMwari nekuda kwekudya. Zvese zvakachena, asi zvakaipa kumunhu anodya nechigumbuso. For meat destroy not the work of God. All things indeed are pure; but it is evil for that man who eateth with offence.
21 Zvakanaka kusadya nyama, kana kunwa waini, kana chimwe hama yako chaingagumburwa nacho kana kukanganiswa kana kushaiwa simba. It is good neither to eat flesh, nor to drink wine, nor any thing whereby thy brother stumbleth, or is offended, or is made weak.
22 Iwe une rutendo here? Iva narwo pachako pamberi paMwari. Wakaropafadzwa asingazvitongi pachinhu chaanotendera. Hast thou faith? have it to thyself before God. Happy is he that condemneth not himself in that thing which he alloweth.
23 Asi asina chokwadi, kana achidya, wava nemhosva, nokuti haadyi nerutendo; uye chese chisingabvi parutendo, chivi. And he that doubteth is damned if he eat, because he eateth not of faith: for whatsoever is not of faith is sin.

Shona Bible — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GFDL · 출처 ↗
King James Version — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GPL