로마서 13장 Shona Bible
Shona Bible · 쇼나어 · 로마서 (Romans) · 14절 · 대역: King James Version
| 절 | Shona Bible | King James Version |
|---|---|---|
| 1 | Mweya umwe neumwe ngauzviise pasi pemasimba epamusoro; nokuti hakuna simba kunze kwerakabva kuna Mwari; masimba aripo akagadzwa naMwari. | Let every soul be subject unto the higher powers. For there is no power but of God: the powers that be are ordained of God. |
| 2 | Naizvozvo anopikisa simba anopikisa chimiso chaMwari; zvino ivo vanopikisa vanozvigamuchirira kuraswa. | Whosoever therefore resisteth the power, resisteth the ordinance of God: and they that resist shall receive to themselves damnation. |
| 3 | Nokuti vatongi havasi chityiso kumabasa akanaka, asi kune akaipa. Zvino unoda kusatya simba here? Ita zvakanaka, zvino uchava nerumbidzo kubva kwariri; | For rulers are not a terror to good works, but to the evil. Wilt thou then not be afraid of the power? do that which is good, and thou shalt have praise of the same: |
| 4 | nokuti ndiro muranda waMwari kuti zvikunakire. Asi kana uchiita zvakaipa, itya; nokuti harina kubatira munondo pasina; nokuti muranda waMwari, mutsivi pahasha kune anoita zvakaipa. | For he is the minister of God to thee for good. But if thou do that which is evil, be afraid; for he beareth not the sword in vain: for he is the minister of God, a revenger to execute wrath upon him that doeth evil. |
| 5 | Naizvozvo zvakafanira kuzviisa pasi, kwete nekuda kwehasha chete, asi nekuda kwehanawo. | Wherefore ye must needs be subject, not only for wrath, but also for conscience sake. |
| 6 | Nokuti nekuda kwezvizvi munoterawo; nokuti varanda vaMwari, vanoramba vachibatirira chinhu ichochi. | For for this cause pay ye tribute also: for they are God’s ministers, attending continually upon this very thing. |
| 7 | Naizvozvo ripirai vese zvakafanira: Mutero kuna vanofanira mutero; mubhadharo kune vanofanira mubhadharo; kutyiwa kune vanofanira kutyiwa; rukudzo kune vanofanira rukudzo. | Render therefore to all their dues: tribute to whom tribute is due; custom to whom custom; fear to whom fear; honour to whom honour. |
| 8 | Musava nengava nemunhu, kunze kwerekudanana; nokuti anoda umwe, wazadzisa murairo. | Owe no man any thing, but to love one another: for he that loveth another hath fulfilled the law. |
| 9 | Nokuti izvi zvekuti: Usapomba, usauraya, usaba, usapupura nhema, usachiva, kana kune murairowo upi neupi, zvakasanganiswa pashoko iri, rekuti: Ude wekwako sezvaunozvida iwe. | For this, Thou shalt not commit adultery, Thou shalt not kill, Thou shalt not steal, Thou shalt not bear false witness, Thou shalt not covet; and if there be any other commandment, it is briefly comprehended in this saying, namely, Thou shalt love thy neighbour as thyself. |
| 10 | Rudo haruiti zvakaipa kune wekwako; naizvozvo rudo kuzadzisika kwemurairo. | Love worketh no ill to his neighbour: therefore love is the fulfilling of the law. |
| 11 | Uye izvi, muchiziva nguva, kuti ratova awa rekuti timuke pahope; nokuti ikozvino ruponeso rwedu rwava pedo kupfuura patakatenda. | And that, knowing the time, that now it is high time to awake out of sleep: for now is our salvation nearer than when we believed. |
| 12 | Usiku hwaenda, uye zuva rava pedo; naizvozvo ngatibvise mabasa erima, uye ngatishonge zvombo zvechiedza. | The night is far spent, the day is at hand: let us therefore cast off the works of darkness, and let us put on the armour of light. |
| 13 | Ngatifambe zvakafanira, sapamasikati, kwete mumitambo yemafaro akaipa nekuraradza, kwete pamabonde nekunyangadza, kwete mugakava negodo. | Let us walk honestly, as in the day; not in rioting and drunkenness, not in chambering and wantonness, not in strife and envying. |
| 14 | Asi pfekai Ishe Jesu Kristu, musafunganyira nyama, mukuchiva. | But put ye on the Lord Jesus Christ, and make not provision for the flesh, to fulfil the lusts thereof. |
Shona Bible — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GFDL · 출처 ↗
King James Version — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GPL