로마서 12장 Shona Bible
Shona Bible · 쇼나어 · 로마서 (Romans) · 21절 · 대역: King James Version
| 절 | Shona Bible | King James Version |
|---|---|---|
| 1 | Naizvozvo ndinokukumbirisai, hama, netsitsi dzaMwari, mupire miviri yenyu, chive chibairo chipenyu, chitsvene, chinogamuchirika kuna Mwari, ndiko kunamata kwenyu kunonzwisisika. | I beseech you therefore, brethren, by the mercies of God, that ye present your bodies a living sacrifice, holy, acceptable unto God, which is your reasonable service. |
| 2 | Uye musazvifananidza nenyika ino, asi mushandurwe nekuvandudzwa kwefungwa yenyu, kuti muidze chiri chido chaMwari chakanaka uye chinogamuchirika uye chakazara. | And be not conformed to this world: but be ye transformed by the renewing of your mind, that ye may prove what is that good, and acceptable, and perfect, will of God. |
| 3 | Nokuti ndinoti, nenyasha dzakapiwa kwandiri, kune umwe neumwe ari pakati penyu, arege kuzvifunga kuti mukuru kupfuura paanofanira kufunga napo; asi afunge neuchenjeri, Mwari sezvaakagovera umwe neumwe chiyero cherutendo. | For I say, through the grace given unto me, to every man that is among you, not to think of himself more highly than he ought to think; but to think soberly, according as God hath dealt to every man the measure of faith. |
| 4 | Nokuti sezvatine mitezo mizhinji pamuviri umwe, asi mitezo yese haina basa rakafanana; | For as we have many members in one body, and all members have not the same office: |
| 5 | saizvozvo tiri vazhinji, tiri muviri umwe muna Kristu, uye umwe neumwe tiri mitezo weumwe kune umwe. | So we, being many, are one body in Christ, and every one members one of another. |
| 6 | Uye tine zvipo zvakasiyana maererano nenyasha dzinopiwa kwatiri; kungava kuporofita, ngatiporofite nechiyero cherutendo; | Having then gifts differing according to the grace that is given to us, whether prophecy, let us prophesy according to the proportion of faith; |
| 7 | kana ushumiri, ngatishande paushumiri; kana anodzidzisa, pakudzidzisa; | Or ministry, let us wait on our ministering: or he that teacheth, on teaching; |
| 8 | kana anoraira, pakuraira; anopa, ngaape nemoyo wese; anotonga, ngaatonge nekushingaira; anoitira tsitsi, nemufaro. | Or he that exhorteth, on exhortation: he that giveth, let him do it with simplicity; he that ruleth, with diligence; he that sheweth mercy, with cheerfulness. |
| 9 | Rudo ngaruve rwechokwadi. Semai zvakaipa, makanamatira zvakanaka. | Let love be without dissimulation. Abhor that which is evil; cleave to that which is good. |
| 10 | Dananai zvikuru nerudo rwehama; pakukudza muchitangirana. | Be kindly affectioned one to another with brotherly love; in honour preferring one another; |
| 11 | Musava neusimbe pakushingaira; mupise pamweya; muchishumira Ishe; | Not slothful in business; fervent in spirit; serving the Lord; |
| 12 | muchifara mutariro; muchitsungirira padambudziko; muchirambira mumunyengetero; | Rejoicing in hope; patient in tribulation; continuing instant in prayer; |
| 13 | muchigovera pakushaiwa kwevatsvene; muchishingirira kugamuchira vaeni. | Distributing to the necessity of saints; given to hospitality. |
| 14 | Ropafadzai vanokushushai; ropafadzai, musatuka. | Bless them which persecute you: bless, and curse not. |
| 15 | Farai nevanofara, uye chemai nevanochema. | Rejoice with them that do rejoice, and weep with them that weep. |
| 16 | Ivai vemoyo umwe, umwe kune umwe. Musafunganya zvinhu zvakakwirira, asi mufambidzane navanozvininipisa. Musazviidza vakachenjera. | Be of the same mind one toward another. Mind not high things, but condescend to men of low estate. Be not wise in your own conceits. |
| 17 | Musatsiva ani zvake chakaipa nechakaipa. Muchirangarirai zvakarurama pamberi pevanhu vese. | Recompense to no man evil for evil. Provide things honest in the sight of all men. |
| 18 | Kana zvichigona, sezvinobva kwamuri, garai nerugare nevanhu vese. | If it be possible, as much as lieth in you, live peaceably with all men. |
| 19 | Vadikanwi, musazvitsivira, asi ipai hasha nzvimbo; nokuti kwakanyorwa kuchinzi: Kutsiva ndekwangu, ini ndicharipira, anodaro Ishe. | Dearly beloved, avenge not yourselves, but rather give place unto wrath: for it is written, Vengeance is mine; I will repay, saith the Lord. |
| 20 | Naizvozvo kana muvengi wako ane nzara, mupe kudya; kana ane nyota, munwise; nokuti mukuita izvozvo, uchadurikidza mazimbe emoto pamusoro wake. | Therefore if thine enemy hunger, feed him; if he thirst, give him drink: for in so doing thou shalt heap coals of fire on his head. |
| 21 | Usakundwa nechakaipa, asi kunda chakaipa nechakanaka. | Be not overcome of evil, but overcome evil with good. |
Shona Bible — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GFDL · 출처 ↗
King James Version — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GPL