로그인

로마서 11장 Shona Bible

Shona Bible · 쇼나어 · 로마서 (Romans) · 36절 · 대역: King James Version

절Shona BibleKing James Version
1 Naizvozvo ndinoti: Mwari wakarasa vanhu vake here? Ngazvisadaro! Nokuti iniwo ndiri muIsraeri, kubva pambeu yaAbhurahama, werudzi rwaBhenjamini. I say then, Hath God cast away his people? God forbid. For I also am an Israelite, of the seed of Abraham, of the tribe of Benjamin.
2 Mwari haana kurasa vanhu vake vaakagara aziva. Kana hamuzivi kuti rugwaro rwunoti kudini kuna Eria here? Kuti anoreverera sei kuna Mwari achipesana neVaIsraeri, achiti: God hath not cast away his people which he foreknew. Wot ye not what the scripture saith of Elias? how he maketh intercession to God against Israel, saying,
3 Ishe, vakauraya vaporofita venyu, uye vakaputsa aritari dzenyu; zvino ini ndasara ndega, uye vanotsvaka upenyu hwangu. Lord, they have killed thy prophets, and digged down thine altars; and I am left alone, and they seek my life.
4 Asi mhinduro yaMwari inoti kudii kwaari? Inoti: Ndakazvisiira zvuru zvinomwe zvevarume, vasina kufugamira ibvi kuna Bhaari. But what saith the answer of God unto him? I have reserved to myself seven thousand men, who have not bowed the knee to the image of Baal.
5 Zvino saizvozvo nemunguva yaikozvino variko vakasara maererano nesananguro yenyasha. Even so then at this present time also there is a remnant according to the election of grace.
6 Asi kana zviri zvenyasha, hazvichabvi pamabasa; kana zvisakadaro, nyasha hadzisisiri nyasha. Asi kana zvichibva pamabasa, hadzisati dzichiri nyasha; kana zvisakadaro basa harisati richiri basa. And if by grace, then is it no more of works: otherwise grace is no more grace. But if it be of works, then is it no more grace: otherwise work is no more work.
7 Ko zvino? Israeri zvaakange achitsvaka, haana kuzviwana, asi vasanangurwa vakazviwana, vamwewo vakaomeswa; What then? Israel hath not obtained that which he seeketh for; but the election hath obtained it, and the rest were blinded
8 sezvazvakanyorwa, zvichinzi: Mwari wakavapa mweya wehope huru, meso kuti varege kuona, nenzeve kuti varege kunzwa, kusvikira zuva ranhasi. (According as it is written, God hath given them the spirit of slumber, eyes that they should not see, and ears that they should not hear;) unto this day.
9 NaDhavhidhi anoti: Tafura yavo ngaiitwe rudzingi nemusungo, nechigumbuso nekutsiva kwavari; And David saith, Let their table be made a snare, and a trap, and a stumblingblock, and a recompence unto them:
10 meso avo ngaasvibirwe kuti varege kuona, uye mukotamise musana wavo narinhi. Let their eyes be darkened, that they may not see, and bow down their back alway.
11 Naizvozvo ndinoti: Vakagumbuswa kuti vawe here? Ngazvisadaro! Asi nekudarika kwavo ruponeso rwakasvika kuvahedheni, kuvamutsira godo. I say then, Have they stumbled that they should fall? God forbid: but rather through their fall salvation is come unto the Gentiles, for to provoke them to jealousy.
12 Zvino kana kudarika kwavo kuri fuma yenyika, nekukundikana kwavo ifuma yevahedheni, zvikuru sei kuzara kwavo? Now if the fall of them be the riches of the world, and the diminishing of them the riches of the Gentiles; how much more their fulness?
13 Nokuti ndinotaura kwamuri vahedheni; sezvo ndiri ini muapositori wevahedheni, ndinokudza ushumiri hwangu; For I speak to you Gentiles, inasmuch as I am the apostle of the Gentiles, I magnify mine office:
14 kuti zvimwe ndingamutsira godo venyama yangu, uye ndiponese vamwe vavo. If by any means I may provoke to emulation them which are my flesh, and might save some of them.
15 Nokuti kana kuraswa kwavo kuri kuyananiswa kwenyika, kugamuchirwa kuchaveiko, kunze kwekuti upenyu hunobva kuvakafa? For if the casting away of them be the reconciling of the world, what shall the receiving of them be, but life from the dead?
16 Zvino kana chibereko chekutanga chiri chitsvene, bunduwo rakadaro; uye kana mudzi uri mutsvene, nematavi akadaro. For if the firstfruit be holy, the lump is also holy: and if the root be holy, so are the branches.
17 Asi kana mamwe ematavi akavhuniwa, newe uri muorivhi wekudondo ukabatanidzwa pakati pawo, ukava mugovani pamwe nawo pamudzi nepamafuta emuorivhi, And if some of the branches be broken off, and thou, being a wild olive tree, wert graffed in among them, and with them partakest of the root and fatness of the olive tree;
18 usazvikudza pamusoro pematavi; asi kana uchizvikudza, hausi iwe anotakura mudzi, asi mudzi unokutakura iwe. Boast not against the branches. But if thou boast, thou bearest not the root, but the root thee.
19 Zvino uchati: Matavi akavhuniwa, kuti ini ndibatanidzwe. Thou wilt say then, The branches were broken off, that I might be graffed in.
20 Zvakanaka; nekusatenda vakavhuniwa, iwe umire nerutendo. Usazvikudza, asi itya; Well; because of unbelief they were broken off, and thou standest by faith. Be not highminded, but fear:
21 nokuti kana Mwari asina kurega matavi echisikirwo, zvimwe haangakuregi iwewo. For if God spared not the natural branches, take heed lest he also spare not thee.
22 Zvino tarira unyoro nekuomarara kwaMwari; kune vanowa, kuomarara; asi kwauri, unyoro, kana uchigara paunyoro hwake; kana zvikasadaro newe ungatemwa. Behold therefore the goodness and severity of God: on them which fell, severity; but toward thee, goodness, if thou continue in his goodness: otherwise thou also shalt be cut off.
23 Naivowo, kana vasingagari pakusatenda, vachabatanidzwa, nokuti Mwari anogona kuvabatanidzazve. And they also, if they abide not still in unbelief, shall be graffed in: for God is able to graff them in again.
24 Nokuti kana iwe wakatemwa kumuorivhi uri wedondo pachisikirwo, ukabatanidzwa zvinopesana nechisikirwo pamuorivhi wakasimwa, vangabatanidzwa zvikuru sei avo vari matavi echisikirwo pamuorivhi wekwavo? For if thou wert cut out of the olive tree which is wild by nature, and wert graffed contrary to nature into a good olive tree: how much more shall these, which be the natural branches, be graffed into their own olive tree?
25 Nokuti handidi kuti musaziva, hama, zvechakavanzika ichi, kuti murege kuzviita vakangwara, kuti kuomeswa kwemoyo kwakawira Israeri muchidimbu kusvikira kwapinda kuzara kwavahedheni; For I would not, brethren, that ye should be ignorant of this mystery, lest ye should be wise in your own conceits; that blindness in part is happened to Israel, until the fulness of the Gentiles be come in.
26 saizvozvowo Israeri wese achaponeswa; sezvazvakanyorwa zvichinzi: PaZiyoni pachabva Musununguri achabvisa kusada Mwari kuna Jakobho. And so all Israel shall be saved: as it is written, There shall come out of Sion the Deliverer, and shall turn away ungodliness from Jacob:
27 Uye iyi isungano yangu kwavari, pandichabvisa zvivi zvavo. For this is my covenant unto them, when I shall take away their sins.
28 Maererano neevhangeri vavengi nekuda kwenyu; asi maererano nekusanangura vadikanwi nekuda kwemadzibaba; As concerning the gospel, they are enemies for your sakes: but as touching the election, they are beloved for the fathers’ sakes.
29 nokuti zvipo nekudana kwaMwari hazvishanduki. For the gifts and calling of God are without repentance.
30 Nokuti semwiwo kare musina kuteerera Mwari, asi zvino makanzwirwa tsitsi nekusateerera kwavo; For as ye in times past have not believed God, yet have now obtained mercy through their unbelief:
31 saizvozvo naivava ikozvino havana kuteerera, kuti netsitsi dzenyu naivo vanzwirwe tsitsi; Even so have these also now not believed, that through your mercy they also may obtain mercy.
32 nokuti Mwari wakavapfigira vese mukusateera, kuti ave netsitsi kwavari vese. For God hath concluded them all in unbelief, that he might have mercy upon all.
33 Haiwa kudzika kwefuma, zvese yeuchenjeri neruzivo rwaMwari! Kutonga kwake hakunzverwi zvakadini, nenzira dzake hadzirondwi! O the depth of the riches both of the wisdom and knowledge of God! how unsearchable are his judgments, and his ways past finding out!
34 Nokuti ndiani wakaziva fungwa yaIshe? Kana ndiani wakange ari murairidzi wake? For who hath known the mind of the Lord? or who hath been his counsellor?
35 Kana ndiani wakatanga kupa kwaari, uye zvichadzorerwa kwaari? Or who hath first given to him, and it shall be recompensed unto him again?
36 Nokuti zvese zvinobva kwaari, nemaari, zvinoenda kwaari; kubwinya ngakuve kwaari kusvika narinhi. Ameni. For of him, and through him, and to him, are all things: to whom be glory for ever. Amen.

Shona Bible — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GFDL · 출처 ↗
King James Version — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GPL