로그인

로마서 10장 Shona Bible

Shona Bible · 쇼나어 · 로마서 (Romans) · 21절 · 대역: King James Version

절Shona BibleKing James Version
1 Hama, chishuwo chemoyo wangu nemukumbiro kuna Mwari pamusoro paIsraeri ndiko kuti vaponeswe. Brethren, my heart’s desire and prayer to God for Israel is, that they might be saved.
2 Nokuti ndinovapupurira kuti vanoshingairira Mwari, asi kwete paruzivo; For I bear them record that they have a zeal of God, but not according to knowledge.
3 nokuti vasingazivi kururama kwaMwari, uye vachitsvaka kumisa kururama kwavo pachavo, vakasazviisa pasi pekururama kwaMwari. For they being ignorant of God’s righteousness, and going about to establish their own righteousness, have not submitted themselves unto the righteousness of God.
4 Nokuti Kristu mugumo wemurairo mukururama kuna ani nani anotenda. For Christ is the end of the law for righteousness to every one that believeth.
5 Nokuti Mozisi anonyora kururama kuri kwemurairo, kuti munhu anoita zvinhu izvi achararama nazvo. For Moses describeth the righteousness which is of the law, That the man which doeth those things shall live by them.
6 Asi kururama kunobva parutendo kunotaura sezvizvi: Usati mumoyo mako: Ndiani achakwira kudenga? Ndiko kuti kuburusa Kristu; But the righteousness which is of faith speaketh on this wise, Say not in thine heart, Who shall ascend into heaven? (that is, to bring Christ down from above:)
7 kana kuti: Ndiani achaburukira mukudzika? Ndiko kuti kukwidza Kristu kubva kuvakafa. Or, Who shall descend into the deep? (that is, to bring up Christ again from the dead.)
8 Asi kunoti kudini? Shoko riri pedo newe, mumuromo mako nemumoyo mako; iri ishoko rerutendo ratinoparidza; But what saith it? The word is nigh thee, even in thy mouth, and in thy heart: that is, the word of faith, which we preach;
9 kuti kana iwe ukabvuma nemuromo wako Ishe Jesu, uye ukatenda mumoyo mako kuti Mwari wakamumutsa kubva kuvakafa, uchaponeswa; That if thou shalt confess with thy mouth the Lord Jesus, and shalt believe in thine heart that God hath raised him from the dead, thou shalt be saved.
10 nokuti nemoyo umwe anotenda mukururama, uye nemuromo anobvuma mukuponeswa. For with the heart man believeth unto righteousness; and with the mouth confession is made unto salvation.
11 Nokuti rugwaro rwunoti: Ani nani anotenda kwaari haangazonyadziswi. For the scripture saith, Whosoever believeth on him shall not be ashamed.
12 Nokuti hapana musiyano pakati pemuJudha nemuGiriki; nokuti Ishe ndeumwe wevese, wakafuma kune vese vanodana kwaari. For there is no difference between the Jew and the Greek: for the same Lord over all is rich unto all that call upon him.
13 Nokuti wese ani nani achadana kuzita raIshe achaponeswa. For whosoever shall call upon the name of the Lord shall be saved.
14 Zvino vachadana sei wavasina kutenda kwaari? Uye vachatenda sei wavasina kunzwa nezvake? Uye vachanzwa sei vasina anoparidza? How then shall they call on him in whom they have not believed? and how shall they believe in him of whom they have not heard? and how shall they hear without a preacher?
15 Zvino vachaparidza sei kana vasina kutumwa? Sezvazvakanyorwa zvichinzi: Dzakanaka sei tsoka dzevanoparidza evhangeri yerugare, dzevanoparidza evhangeri yezvakanaka? And how shall they preach, except they be sent? as it is written, How beautiful are the feet of them that preach the gospel of peace, and bring glad tidings of good things!
16 Asi vese havana kuteerera evhangeri. Nokuti Isaya anoti: Ishe, ndiani wakatenda zvatakasuma? But they have not all obeyed the gospel. For Esaias saith, Lord, who hath believed our report?
17 Naizvozvo rutendo rwunobva mukunzwa, nekunzwa neshoko raMwari. So then faith cometh by hearing, and hearing by the word of God.
18 Asi ndinoti: Havana kunzwa here? Hongu zvirokwazvo, inzwi ravo rakabuda kunyika yese, nemashoko avo kumigumo yenyika. But I say, Have they not heard? Yes verily, their sound went into all the earth, and their words unto the ends of the world.
19 Asi ndinoti: Israeri haana kunzwisisa here? Pakutanga Mozisi anoti: Ini ndichakumutsirai godo nevasiri rudzi, nerudzi rusingafungi ndichakutsamwisai. But I say, Did not Israel know? First Moses saith, I will provoke you to jealousy by them that are no people, and by a foolish nation I will anger you.
20 NaIsaya akashinga anotiwo: Ndakawanikwa nevasina kunditsvaka, ndakaonekwa kune vasina kundibvunza. But Esaias is very bold, and saith, I was found of them that sought me not; I was made manifest unto them that asked not after me.
21 Asi kuna Israeri anoti: Zuva rese ndakatandavadza maoko angu kuvanhu vasingateereri nevanokakavara. But to Israel he saith, All day long I have stretched forth my hands unto a disobedient and gainsaying people.

Shona Bible — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GFDL · 출처 ↗
King James Version — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GPL