로그인

디모데후서 3장 Shona Bible

Shona Bible · 쇼나어 · 디모데후서 (2 Timothy) · 17절 · 대역: King James Version

절Shona BibleKing James Version
1 Asi uzive ichi, kuti mumazuva ekupedzisira nguva dzekutambudzika dzichasvika. This know also, that in the last days perilous times shall come.
2 Nokuti vanhu vachava vanozvida, vanoda mari, vanozvirumbidza, vanozvikudza, vatuki, vasingateereri vabereki, vasingavongi, vasiri vatsvene, For men shall be lovers of their own selves, covetous, boasters, proud, blasphemers, disobedient to parents, unthankful, unholy,
3 vasina rudo rwechisikirwo, vasingaregereri, vacheri, vasingazvidzori, vane hasha, vasingadi zvakanaka, Without natural affection, trucebreakers, false accusers, incontinent, fierce, despisers of those that are good,
4 vatengesi, vanomhanyirira, vane manyawi, vanoda mafaro kupfuura kuda Mwari, Traitors, heady, highminded, lovers of pleasures more than lovers of God;
5 vane mufananidzo wekunamata Mwari, asi vachiramba simba rawo; ubve pane vakadaiwo. Having a form of godliness, but denying the power thereof: from such turn away.
6 Nokuti kwavari kunobva vanoverevedza mudzimba, vachitapa vakadzi nzenza, vakaremedzwa nezvivi, vachitungamirirwa nekuchiva kwakasiyana-siyana, For of this sort are they which creep into houses, and lead captive silly women laden with sins, led away with divers lusts,
7 vanongogara vachidzidza, asi havatongogoni kusvika paruzivo rwechokwadi. Ever learning, and never able to come to the knowledge of the truth.
8 Sezvowo Jane naJambere vakapikisa Mozisi, saizvozvowo ava vanoramba chokwadi, vanhu vendangariro dzakaodzwa, vakaraswa maererano nerutendo. Now as Jannes and Jambres withstood Moses, so do these also resist the truth: men of corrupt minds, reprobate concerning the faith.
9 Asi havachapfuuriri mberi; nokuti upenzi hwavo huchaonekwa kune vese, sezvakazoita hwavowo. But they shall proceed no further: for their folly shall be manifest unto all men, as theirs also was.
10 Asi iwe wakanyatsoteverera dzidziso yangu, mufambiro, chinangwa, rutendo, moyo murefu, rudo, kutsungirira, But thou hast fully known my doctrine, manner of life, purpose, faith, longsuffering, charity, patience,
11 kushushwa, nenhamo, zvakandiwira paAndiyokiya, paIkonio, nepaRistra, kushushwa kwakadini kwandakatsungirira makuri; uye Mwari wakandinunura kubva maari ese. Persecutions, afflictions, which came unto me at Antioch, at Iconium, at Lystra; what persecutions I endured: but out of them all the Lord delivered me.
12 Nevesewo vanoda kurarama mukunamata Mwari muna Kristu Jesu vachashushwa; Yea, and all that will live godly in Christ Jesus shall suffer persecution.
13 asi vanhu vakaipa nevanyengeri vachaenderera mberi pakuipa vachitsausa nekutsauswa. But evil men and seducers shall wax worse and worse, deceiving, and being deceived.
14 Asi iwe rambira pazvinhu zvawakadzidza uye zvawakatendeswa, uchiziva kuti wakazvidzidza kuna ani, But continue thou in the things which thou hast learned and hast been assured of, knowing of whom thou hast learned them;
15 uye kuti kubvira paucheche wakaziva magwaro matsvene, anogona kukuchenjedza kusvikira pakuponeswa kubudikidza nerutendo rwuri muna Kristu Jesu. And that from a child thou hast known the holy scriptures, which are able to make thee wise unto salvation through faith which is in Christ Jesus.
16 Rugwaro rwese rwakafemerwa naMwari uye rwunobatsira padzidziso, pakutsiura, pakururamisa, nepakuraira kuri mukururama; All scripture is given by inspiration of God, and is profitable for doctrine, for reproof, for correction, for instruction in righteousness:
17 kuti munhu waMwari ave wakakwana zvizere, agadzirirwa basa rese rakanaka. That the man of God may be perfect, throughly furnished unto all good works.

Shona Bible — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GFDL · 출처 ↗
King James Version — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GPL