로그인

디모데후서 2장 Shona Bible

Shona Bible · 쇼나어 · 디모데후서 (2 Timothy) · 26절 · 대역: King James Version

절Shona BibleKing James Version
1 Naizvozvo iwe, mwana wangu, simba munyasha dziri muna Kristu Jesu. Thou therefore, my son, be strong in the grace that is in Christ Jesus.
2 Nezvinhu zvawakanzwa kwandiri pakati pezvapupu zvizhinji, uzvikumikidze izvozvo kuvanhu vakatendeka vachagonawo kudzidzisa vamwe. And the things that thou hast heard of me among many witnesses, the same commit thou to faithful men, who shall be able to teach others also.
3 Naizvozvo iwe utambudzike zvakaoma, semurwi wakanaka waJesu Kristu. Thou therefore endure hardness, as a good soldier of Jesus Christ.
4 Hakuna munhu anobata semurwi anozvipinganidza nezviitiko zveupenyu, kuti afadze uyo wakamupinza basa. No man that warreth entangleth himself with the affairs of this life; that he may please him who hath chosen him to be a soldier.
5 Uye kana munhuwo achikwikwidza, haashongedzwi korona kana asina kukwikwidza zviri pamurairo. And if a man also strive for masteries, yet is he not crowned, except he strive lawfully.
6 Murimi anobata zvakasimba anofanira kutanga kugamuchira zvibereko. The husbandman that laboureth must be first partaker of the fruits.
7 Fungisisa zvandinoreva; uye Ishe ngaakupe kunzwisisa pazvinhu zvese. Consider what I say; and the Lord give thee understanding in all things.
8 Rangarira Jesu Kristu wakamutswa kubva kuvakafa, wembeu yaDhavhidhi, zvichienderana neevhangeri yangu; Remember that Jesus Christ of the seed of David was raised from the dead according to my gospel:
9 yandinotambudzika mairi zvakaipa, kusvikira pazvisungo, semuiti wezvakaipa; asi shoko raMwari harina kusungwa. Wherein I suffer trouble, as an evil doer, even unto bonds; but the word of God is not bound.
10 Saka ndinotsungirira zvinhu zvese nekuda kwevakasanangurwa, kuti naivo vawane ruponeso rwuri muna Kristu Jesu, pamwe nekubwinya kusingaperi. Therefore I endure all things for the elect’s sakes, that they may also obtain the salvation which is in Christ Jesus with eternal glory.
11 Shoko iri rakatendeka; nokuti kana takafa pamwe naye, tichararamawo pamwe naye. It is a faithful saying: For if we be dead with him, we shall also live with him:
12 Kana tikatsungirira, tichatongawo pamwe naye; kana tikamuramba, naiye achatiramba. If we suffer, we shall also reign with him: if we deny him, he also will deny us:
13 Kana tisingatendeki, iye anoramba akatendeka; iye haagoni kuzviramba. If we believe not, yet he abideth faithful: he cannot deny himself.
14 Uvarangaridze zvinhu izvi, uchirairisa pamberi paIshe kusapikisa pamashoko kusingabatsiri chinhu asi kutsausa vanonzwa. Of these things put them in remembrance, charging them before the Lord that they strive not about words to no profit, but to the subverting of the hearers.
15 Shingaira kuti uzviratidze kuna Mwari uri wakatendeka, mushandi asingafaniri kunyadziswa, anonyatsoruramisa shoko rechokwadi. Study to shew thyself approved unto God, a workman that needeth not to be ashamed, rightly dividing the word of truth.
16 Asi nzvenga kutaura kwetsvina kusina maturo; nokuti vacharamba vachingonyanya pakusatya Mwari, But shun profane and vain babblings: for they will increase unto more ungodliness.
17 neshoko ravo richanyenga segomarara; pakati pavo pana Himenayosi naFiretosi; And their word will eat as doth a canker: of whom is Hymeneus and Philetus;
18 ivo vakatsauka pachokwadi, vachiti kumuka kwatovapo, vachipidigura rutendo rwevamwe. Who concerning the truth have erred, saying that the resurrection is past already; and overthrow the faith of some.
19 Kunyange zvakadaro nheyo yaMwari inomira yakasimba, ine mucherechedzo uyu: Ishe anoziva vari vake, uye kuti: Umwe neumwe anoreva zita raKristu ngaabve pakusarurama. Nevertheless the foundation of God standeth sure, having this seal, The Lord knoweth them that are his. And, Let every one that nameth the name of Christ depart from iniquity.
20 Asi muimba huru hamuna midziyo yegoridhe neyesirivheri chete, asiwo yematanda neyevhu, uye imwe ndeyekukudzwa asi imwe ndeyekusakudzwa. But in a great house there are not only vessels of gold and of silver, but also of wood and of earth; and some to honour, and some to dishonour.
21 Naizvozvo kana munhu achizvinatsa pazvinhu izvi, achava mudziyo wekukudzwa, wakaitwa mutsvene, wakakwanira basa raTenzi, wakagadzirirwa basa rese rakanaka. If a man therefore purge himself from these, he shall be a vessel unto honour, sanctified, and meet for the master’s use, and prepared unto every good work.
22 Tizawo kuchiva kweudiki, asi uteverere kururama, rutendo, rudo, rugare, pamwe nevanodana kuna Ishe zvichibva pamoyo wakachena. Flee also youthful lusts: but follow righteousness, faith, charity, peace, with them that call on the Lord out of a pure heart.
23 Asi mibvunzo yeupenzi neyekusadzidza urambe, uchiziva kuti zvinomutsa kurwa. But foolish and unlearned questions avoid, knowing that they do gender strifes.
24 Zvino muranda waIshe haafaniri kurwa, asi ave munyoro kune vese, anoziva kudzidzisa, ane moyo murefu, And the servant of the Lord must not strive; but be gentle unto all men, apt to teach, patient,
25 anoraira neunyoro avo vanozvipikisa, kuti zvimwe Mwari avape kutendeukira kuruzivo rwechokwadi, In meekness instructing those that oppose themselves; if God peradventure will give them repentance to the acknowledging of the truth;
26 uye vapengenuke kubva pamusungo wadhiabhorosi, wavakange vakabatwa naye pakuda kwake. And that they may recover themselves out of the snare of the devil, who are taken captive by him at his will.

Shona Bible — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GFDL · 출처 ↗
King James Version — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GPL