디모데후서 4장 Shona Bible
Shona Bible · 쇼나어 · 디모데후서 (2 Timothy) · 22절 · 대역: King James Version
| 절 | Shona Bible | King James Version |
|---|---|---|
| 1 | Naizvozvo ndinorairisa pamberi paMwari, naIshe Jesu Kristu, iye achatonga vapenyu nevakafa, pakuonekwa kwake neushe hwake: | I charge thee therefore before God, and the Lord Jesus Christ, who shall judge the quick and the dead at his appearing and his kingdom; |
| 2 | Paridza shoko; iva wakagadzirira nenguva yakafanira, panguva isakafanira, dzora, tsiura, kurudzira nemoyo murefu wese nedzidziso. | Preach the word; be instant in season, out of season; reprove, rebuke, exhort with all longsuffering and doctrine. |
| 3 | Nokuti nguva ichavapo yavacharamba kutendera dzidziso mhenyu, asi zvichienderana nekuchiva kwavo pachavo vachazvivunganidzira vadzidzisi, vachirumwa nzeve; | For the time will come when they will not endure sound doctrine; but after their own lusts shall they heap to themselves teachers, having itching ears; |
| 4 | uye vachafuratidza nzeve dzavo pachokwadi, vachitendeukira kungano. | And they shall turn away their ears from the truth, and shall be turned unto fables. |
| 5 | Asi iwe svinura pazvinhu zvese, utsungirire pamatambudziko, uite basa remuevhangeri, uzadzise basa rako. | But watch thou in all things, endure afflictions, do the work of an evangelist, make full proof of thy ministry. |
| 6 | Nokuti ini ndatodururwa sechipo chinodururwa, nenguva yekubva kwangu yasvika. | For I am now ready to be offered, and the time of my departure is at hand. |
| 7 | Ndarwa kurwa kwakanaka, ndapedza nhangemutange, ndachengeta rutendo; | I have fought a good fight, I have finished my course, I have kept the faith: |
| 8 | kubva ikozvino, ndakaisirwa korona yekururama Ishe yavachandipa, mutongi wakarurama nezuva iroro; kwetewo kwandiri ndega, asi nekune vese vanoda kuonekwa kwake. | Henceforth there is laid up for me a crown of righteousness, which the Lord, the righteous judge, shall give me at that day: and not to me only, but unto all them also that love his appearing. |
| 9 | Shingairira kukurumidza kuuya kwandiri. | Do thy diligence to come shortly unto me: |
| 10 | Nokuti Dhemasi wakandisiya, ada nyika yaikozvino, akaenda kuTesaronika; Kresike kuGaratia, Tito kuDharimatia. | For Demas hath forsaken me, having loved this present world, and is departed unto Thessalonica; Crescens to Galatia, Titus unto Dalmatia. |
| 11 | Ruka ega aneni. Tora Mariko uuye naye nokuti anondibatsira pakushumira. | Only Luke is with me. Take Mark, and bring him with thee: for he is profitable to me for the ministry. |
| 12 | Asi Tikiko ndakamutuma kuEfeso. | And Tychicus have I sent to Ephesus. |
| 13 | Nguvo yandakasiya paTroasi kuna Kapo, kana wouya uuye nayo, nemabhuku, zvikuru magwaro ematehwe. | The cloke that I left at Troas with Carpus, when thou comest, bring with thee, and the books, but especially the parchments. |
| 14 | Arekisandiro mupfuri wendarira wakandiitira zvakaipa zvizhinji; Ishe achamutsiva zvinoenderana nemabasa ake; | Alexander the coppersmith did me much evil: the Lord reward him according to his works: |
| 15 | iwewo umuchenjerere, nokuti wakapikisa zvikurusa mashoko edu. | Of whom be thou ware also; for he hath greatly withstood our words. |
| 16 | Pakuzvidavirira kwangu kwekutanga hapana wakamira neni, asi vese vakandisiya. Dai zvarega kuverengerwa kwavari. | At my first answer no man stood with me, but all men forsook me: I pray God that it may not be laid to their charge. |
| 17 | Asi Ishe wakamira neni, akandisimbisa, kuti neni kuparidza kukwaniswe, nevahedheni vese vanzwe; uye ndakarwirwa kubva pamuromo weshumba. | Notwithstanding the Lord stood with me, and strengthened me; that by me the preaching might be fully known, and that all the Gentiles might hear: and I was delivered out of the mouth of the lion. |
| 18 | Uye Ishe achandirwira pabasa rese rakaipa, uye achandichengetera muushe hwake hwekudenga; kubwinya ngakuve kwaari rinhi narinhi. Ameni. | And the Lord shall deliver me from every evil work, and will preserve me unto his heavenly kingdom: to whom be glory for ever and ever. Amen. |
| 19 | Kwazisa Priska naAkwira, neimba yaOnesiforo. | Salute Prisca and Aquila, and the household of Onesiphorus. |
| 20 | Erasto wakasara paKorinde; asi Trofimo ndakamusiya paMireto achirwara. | Erastus abode at Corinth: but Trophimus have I left at Miletum sick. |
| 21 | Shingairira kuuya chando chisati chasvika. Yubhuro anokukwazisa, naPudheni, naRinosi, naKraudhia, nehama dzese. | Do thy diligence to come before winter. Eubulus greeteth thee, and Pudens, and Linus, and Claudia, and all the brethren. |
| 22 | Ishe Jesu Kristu ngaave nemweya wako. Nyasha ngadzive nemwi. Ameni. | The Lord Jesus Christ be with thy spirit. Grace be with you. Amen. The second epistle unto Timotheus, ordained the first bishop of the church of the Ephesians, was written from Rome, when Paul was brought before Nero the second time. |
Shona Bible — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GFDL · 출처 ↗
King James Version — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GPL