디모데후서 1장 Shona Bible
Shona Bible · 쇼나어 · 디모데후서 (2 Timothy) · 18절 · 대역: King James Version
| 절 | Shona Bible | King James Version |
|---|---|---|
| 1 | Pauro, muapositori waJesu Kristu kubudikidza nechido chaMwari, zvichienderana nechivimbiso cheupenyu huri muna Kristu Jesu, | Paul, an apostle of Jesus Christ by the will of God, according to the promise of life which is in Christ Jesus, |
| 2 | kuna Timotio mwana wangu unodikanwa: Nyasha, tsitsi, nerugare zvinobva kuna Mwari Baba naKristu Jesu Ishe wedu. | To Timothy, my dearly beloved son: Grace, mercy, and peace, from God the Father and Christ Jesus our Lord. |
| 3 | Ndinovonga Mwari, wandinoshumira kubva kumadziteteguru muhana yakachena, kuti ndisingamiri ndinokurangarira paminyengetero yangu siku nesikati, | I thank God, whom I serve from my forefathers with pure conscience, that without ceasing I have remembrance of thee in my prayers night and day; |
| 4 | ndichishuva kukuona, ndichirangarira misodzi yako, kuti ndizadzwe nemufaro, | Greatly desiring to see thee, being mindful of thy tears, that I may be filled with joy; |
| 5 | ndichiisa mumurangariro rutendo rusinganyepedzeri rwuri mauri, rwaimbogara muna mbuya vako Roisi namai vako Yunisi, uye ndinovimba kuti rwuri mauriwo. | When I call to remembrance the unfeigned faith that is in thee, which dwelt first in thy grandmother Lois, and thy mother Eunice; and I am persuaded that in thee also. |
| 6 | Nemhaka yeizvi ndinokuyeudzira kuti ukutidzire chipo chaMwari, chiri mauri nekuiswa kwemaoko angu. | Wherefore I put thee in remembrance that thou stir up the gift of God, which is in thee by the putting on of my hands. |
| 7 | Nokuti Mwari haana kutipa mweya wekutya asi wesimba, newerudo, newekuzvidzora. | For God hath not given us the spirit of fear; but of power, and of love, and of a sound mind. |
| 8 | Naizvozvo usanyadziswa neuchapupu hwaIshe wedu, kana hwangu musungwa wake; asi utambudzikire evhangeri pamwe neni zvichienderana nesimba raMwari, | Be not thou therefore ashamed of the testimony of our Lord, nor of me his prisoner: but be thou partaker of the afflictions of the gospel according to the power of God; |
| 9 | wakatiponesa, akatidana nekudana kutsvene, kwete zvichienderana nemabasa edu, asi zvichienderana nezano rake pachake, nenyasha dzakapiwa kwatiri muna Kristu Jesu nhambo dzenguva dzisati dzavapo, | Who hath saved us, and called us with an holy calling, not according to our works, but according to his own purpose and grace, which was given us in Christ Jesus before the world began, |
| 10 | asi ikozvino kunoratidzwa nekuonekwa kweMuponesi wedu Jesu Kristu, wakaparadza rufu, akabudisa pachena upenyu nekusafa kubudikidza neevhangeri, | But is now made manifest by the appearing of our Saviour Jesus Christ, who hath abolished death, and hath brought life and immortality to light through the gospel: |
| 11 | yandakagadzirwa ini kuva muparidzi, nemuapositori, nemudzidzisi wevahedheni. | Whereunto I am appointed a preacher, and an apostle, and a teacher of the Gentiles. |
| 12 | Nemhaka yeizvi neni ndinotambudzika zvinhu izvi, zvakadaro handinyadziswi, nokuti ndinoziva wandakatenda, uye ndine chokwadi kuti anogona kuchengeta chandakaisa muruoko kusvikira zuva iroro. | For the which cause I also suffer these things: nevertheless I am not ashamed: for I know whom I have believed, and am persuaded that he is able to keep that which I have committed unto him against that day. |
| 13 | Batisisa muenzaniso wemashoko mapenyu awakanzwa kwandiri murutendo nerudo rwuri muna Kristu Jesu. | Hold fast the form of sound words, which thou hast heard of me, in faith and love which is in Christ Jesus. |
| 14 | Icho chinhu chakanaka chakaiswa mumaoko mako chengeta neMweya Mutsvene anogara matiri. | That good thing which was committed unto thee keep by the Holy Ghost which dwelleth in us. |
| 15 | Unozviziva izvi, kuti vese vari paAsia vakandifuratira; pakati pavo pana Figero naHemogene. | This thou knowest, that all they which are in Asia be turned away from me; of whom are Phygellus and Hermogenes. |
| 16 | Ishe ngaape tsitsi kuimba yaOnesiforo; nokuti kazhinji wakandivandudza, uye haana kunyadziswa neketani yangu, | The Lord give mercy unto the house of Onesiphorus; for he oft refreshed me, and was not ashamed of my chain: |
| 17 | asi asvika Roma, wakanditsvakisisa, akandiwana. | But, when he was in Rome, he sought me out very diligently, and found me. |
| 18 | Ishe ngaamuitire kuti awane tsitsi kuna Ishe nezuva iro; uye muzvinhu zvingani zvaakandibatira paEfeso, iwe unozivisisa. | The Lord grant unto him that he may find mercy of the Lord in that day: and in how many things he ministered unto me at Ephesus, thou knowest very well. |
Shona Bible — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GFDL · 출처 ↗
King James Version — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GPL