로그인

디모데전서 6장 Shona Bible

Shona Bible · 쇼나어 · 디모데전서 (1 Timothy) · 21절 · 대역: King James Version

절Shona BibleKing James Version
1 Vese vari varanda pasi pejoko, ngavaverenge vatenzi vavo sevanofanirwa nerukudzo rwese, kuti zita raMwari nedzidziso zvirege kunyombwa. Let as many servants as are under the yoke count their own masters worthy of all honour, that the name of God and his doctrine be not blasphemed.
2 Nevane vatenzi vanotenda ngavarege kuvazvidza, zvadziri hama, asi zvikuru ngavavashandire, nokuti vakatendeka uye vanodikanwa vagovani vemubairo. Dzidzisa zvinhu izvi ukurudzire. And they that have believing masters, let them not despise them, because they are brethren; but rather do them service, because they are faithful and beloved, partakers of the benefit. These things teach and exhort.
3 Kana munhu achidzidzisa zvakasiyana nezvizvi, uye asingabvumiri mashoko awa mapenyu, aIshe wedu Jesu Kristu, nekudzidziso inoenderana nekunamata Mwari, If any man teach otherwise, and consent not to wholesome words, even the words of our Lord Jesus Christ, and to the doctrine which is according to godliness;
4 anongozvikudza, asingazivi chinhu, asi anongokarira mibvunzo nenharo dzemashoko, panobva godo, gakava, kutuka, kufungidzira kwakaipa, He is proud, knowing nothing, but doting about questions and strifes of words, whereof cometh envy, strife, railings, evil surmisings,
5 kukakavadzana kwevanhu vane murangariro wakaodzwa, vakarasikirwa nechokwadi, vachiti kunamata Mwari ndizvo zvinofumisa. Zviparadzanise nevakadaro. Perverse disputings of men of corrupt minds, and destitute of the truth, supposing that gain is godliness: from such withdraw thyself.
6 Asi kunamata Mwari nekugutsikana ndizvo zvinofumisa kwazvo; But godliness with contentment is great gain.
7 nokuti hatina kuuya nechinhu panyika, zviri pachena kuti hatigoni kubuda nechinhu; For we brought nothing into this world, and it is certain we can carry nothing out.
8 asi kana tine kudya nezvekupfeka tichagutsikana neizvozvi. And having food and raiment let us be therewith content.
9 Asi vanoshuva kufuma vanowira mumuedzo nemumusungo, nemukuchiva kweupenzi kuzhinji kunokuvadza, zvinonyudza vanhu mukuparadzwa nekuputswa; But they that will be rich fall into temptation and a snare, and into many foolish and hurtful lusts, which drown men in destruction and perdition.
10 nokuti kuda mari ndiwo mudzi wezvakaipa zvese; uyo vamwe vakati vachishuva vakatsauswa parutendo, vakazvibaya neshungu zhinji. For the love of money is the root of all evil: which while some coveted after, they have erred from the faith, and pierced themselves through with many sorrows.
11 Asi iwe, haiwa munhu waMwari, tiza zvinhu izvi; utevere kururama, kunamata Mwari, rutendo, rudo, moyo murefu, neunyoro. But thou, O man of God, flee these things; and follow after righteousness, godliness, faith, love, patience, meekness.
12 Irwa kurwa kwakanaka kwerutendo, batisisa upenyu husingaperi, hwawakadanirwawo kwahuri, ukabvumawo kubvuma kwakanaka pamberi pezvapupu zvizhinji. Fight the good fight of faith, lay hold on eternal life, whereunto thou art also called, and hast professed a good profession before many witnesses.
13 Ndinokuraira pamberi paMwari, anoraramisa zvinhu zvese, naKristu Jesu, wakapupura kupupura kwakanaka pamberi paPondiyo Pirato, I give thee charge in the sight of God, who quickeneth all things, and before Christ Jesus, who before Pontius Pilate witnessed a good confession;
14 kuti uchengete murairo usina gwapa, usina chaungapomerwa, kusvikira pakuonekwa kwaIshe wedu Jesu Kristu, That thou keep this commandment without spot, unrebukeable, until the appearing of our Lord Jesus Christ:
15 kwaacharatidza panguva dzake, iye Wakaropafadzwa neWemasimbaose ega, Mambo wemadzimambo naIshe wemadzishe, Which in his times he shall shew, who is the blessed and only Potentate, the King of kings, and Lord of lords;
16 iye ega ane kusafa, agere pachiedza chisingasvikiki, hakuna umwe wevanhu wakambomuona, kana kugona kuona; kukudzwa nesimba risingaperi zviri kwaari. Ameni. Who only hath immortality, dwelling in the light which no man can approach unto; whom no man hath seen, nor can see: to whom be honour and power everlasting. Amen.
17 Raira vakafuma panyika ino, kuti varege kuzvikudza, kana kuvimba nefuma isingavimbiki, asi muna Mwari mupenyu, anotipa zvinhu zvese achiwanza kuti tifare; Charge them that are rich in this world, that they be not highminded, nor trust in uncertain riches, but in the living God, who giveth us richly all things to enjoy;
18 vaite zvakanaka, kuti vave vafumi pamabasa akanaka, vagadzirire kupa, nekugovana; That they do good, that they be rich in good works, ready to distribute, willing to communicate;
19 vazvirongedzere nheyo yakanaka yenguva inouya, kuti vabatisise upenyu husingaperi. Laying up in store for themselves a good foundation against the time to come, that they may lay hold on eternal life.
20 Haiwa, Timotio, chengetedza icho chawakabatiswa, ufuratire kutaura kusina maturo nekupikisa kwezvinonzi ruzivo zviri zvenhema; O Timothy, keep that which is committed to thy trust, avoiding profane and vain babblings, and oppositions of science falsely so called:
21 irwo vamwe vakati vachibvuma vakarasika maererano nerutendo. Nyasha ngadzive newe. Ameni. Which some professing have erred concerning the faith. Grace be with thee. Amen. The first to Timothy was written from Laodicea, which is the chiefest city of Phrygia Pacatiana.

Shona Bible — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GFDL · 출처 ↗
King James Version — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GPL