로그인

디도서 3장 Shona Bible

Shona Bible · 쇼나어 · 디도서 (Titus) · 15절 · 대역: King James Version

절Shona BibleKing James Version
1 Uvayeudzire ivo kuzviisa pasi pevatungamiriri nevabati, vavateerere, vakazvigadzirira basa rese rakanaka, Put them in mind to be subject to principalities and powers, to obey magistrates, to be ready to every good work,
2 varege kuchera munhu, varege kuva vakakavari, vanyoro, vaitire vanhu vese unyoro hwese. To speak evil of no man, to be no brawlers, but gentle, shewing all meekness unto all men.
3 Nokuti nesu pachedu taimbova matununu, vasingateereri, tichitsauswa, tichishumira kuchiva nemafaro zvakasiyana-siyana, tichirarama mukushata negodo, tichivenga, tichivengana. For we ourselves also were sometimes foolish, disobedient, deceived, serving divers lusts and pleasures, living in malice and envy, hateful, and hating one another.
4 Asi apo unyoro nerudo kuvanhu zvaMwari Muponesi wedu zvoonekwa, But after that the kindness and love of God our Saviour toward man appeared,
5 kwete zvichibva pamabasa ekururama atakaita isu, asi zvichienderana netsitsi dzake wakatiponesa, kubudikidza nekushambidzwa kwekuberekwa kutsva nekuvandudzwa kweMweya Mutsvene, Not by works of righteousness which we have done, but according to his mercy he saved us, by the washing of regeneration, and renewing of the Holy Ghost;
6 waakadururira achiwanza pamusoro pedu, kubudikidza naJesu Kristu Muponesi wedu, Which he shed on us abundantly through Jesus Christ our Saviour;
7 kuti tichinzi takarurama nenyasha dzake, tive vadyi venhaka zvichienderana netariro yeupenyu husingaperi. That being justified by his grace, we should be made heirs according to the hope of eternal life.
8 Ishoko rakatendeka, uye izvi ndinoda kuti musimbise zvirokwazvo, kuti vakatenda kuna Mwari vachenjerere kuzvipira pamabasa akanaka. Ndizvo zvinhu zvakanaka uye zvinobatsira kuvanhu; This is a faithful saying, and these things I will that thou affirm constantly, that they which have believed in God might be careful to maintain good works. These things are good and profitable unto men.
9 asi nzvenga mibvunzo yeupenzi nenhoroondo dzemazita emadzinza nemakakatanwa nemakakava pamusoro pemurairo, nokuti hazvibatsiri uye hazvina maturo. But avoid foolish questions, and genealogies, and contentions, and strivings about the law; for they are unprofitable and vain.
10 Munhu anotsauka shure kwekurairwa kwekutanga nekwechipiri umurambe, A man that is an heretick after the first and second admonition reject;
11 uchiziva kuti uyo wakadaro wakatsauka, uye anotadza, achizvipa mhosva amene. Knowing that he that is such is subverted, and sinneth, being condemned of himself.
12 Pandichatuma Aritema kwauri, kana Tikiko, ushingaire kuuya kwandiri kuNikopori; nokuti ndakazvipira kugarapo pachando. When I shall send Artemas unto thee, or Tychicus, be diligent to come unto me to Nicopolis: for I have determined there to winter.
13 Shingaira kubatsira Zenasi mududziri wemurairo naAporo parwendo rwavo, kuti kusava nechinhu chinoshaikwa kwavari. Bring Zenas the lawyer and Apollos on their journey diligently, that nothing be wanting unto them.
14 Nevekweduwo ngavadzidze kuzvipira pamabasa akanaka anodikanwa pakushaiwa, kuti varege kuva vasina zvibereko. And let ours also learn to maintain good works for necessary uses, that they be not unfruitful.
15 Vese vaneni vanokukwazisa. Kwazisa vanotida parutendo. Nyasha ngadzive nemwi mese. Ameni. All that are with me salute thee. Greet them that love us in the faith. Grace be with you all. Amen. It was written to Titus, ordained the first bishop of the church of the Cretians, from Nicopolis of Macedonia.

Shona Bible — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GFDL · 출처 ↗
King James Version — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GPL