디도서 2장 Shona Bible
Shona Bible · 쇼나어 · 디도서 (Titus) · 15절 · 대역: King James Version
| 절 | Shona Bible | King James Version |
|---|---|---|
| 1 | Zvino iwe taura zvinhu zvakafanira dzidziso yakagwinya. | But speak thou the things which become sound doctrine: |
| 2 | Varume vakuru kuti vazvibate, vanokudzwa, vakangwara, vakagwinya parutendo, parudo, pakutsungirira; | That the aged men be sober, grave, temperate, sound in faith, in charity, in patience. |
| 3 | saizvozvo vakadzi vakuru kuti pamafambiro vave sezvakafanira vatsvene, kwete vacheri, kwete varanda vewaini zhinji, vadzidzisi vezvinhu zvakanaka, | The aged women likewise, that they be in behaviour as becometh holiness, not false accusers, not given to much wine, teachers of good things; |
| 4 | kuti vadzidzise vakadzi vadiki kuchenjera, kuda varume vavo, nekuda vana vavo, | That they may teach the young women to be sober, to love their husbands, to love their children, |
| 5 | vakazvibata, vakachena, vachengeti vemisha, vakanaka, vanozviisa pasi pevarume vavo pachavo, kuti shoko raMwari rirege kumhurwa. | To be discreet, chaste, keepers at home, good, obedient to their own husbands, that the word of God be not blasphemed. |
| 6 | Varume vadiki saizvozvo ukurudzire kuti vave vanozvidzora; | Young men likewise exhort to be sober minded. |
| 7 | pazvinhu zvese iwe uzviratidze uri mufananidzo wamabasa akanaka, padzidziso yechokwadi, mugariro unokudzwa nekuvimbika, | In all things shewing thyself a pattern of good works: in doctrine shewing uncorruptness, gravity, sincerity, |
| 8 | shoko rakagwinya, risingashoreki, kuti uyo wedivi rinopikisa anyare, asina chinhu chakaipa chaangareva pamusoro penyu. | Sound speech, that cannot be condemned; that he that is of the contrary part may be ashamed, having no evil thing to say of you. |
| 9 | Kurudzira varanda kuzviisa pasi pavatenzi vavo pachavo, kuti vafadze pazvese, vasingakakavari, | Exhort servants to be obedient unto their own masters, and to please them well in all things; not answering again; |
| 10 | vasinganyimi, asi varatidze kutendeka kwakanaka kwese, kuti vashongedze dzidziso yaMwari Muponesi wedu pazvese. | Not purloining, but shewing all good fidelity; that they may adorn the doctrine of God our Saviour in all things. |
| 11 | Nokuti nyasha dzaMwari dzinoponesa dzakaratidzwa kuvanhu vese, | For the grace of God that bringeth salvation hath appeared to all men, |
| 12 | dzichidzidzisa isu kuti, tirambe kusanamata Mwari uye kuchiva kwenyika, tirarame nekuchenjera uye kururama nekunamata Mwari panyika yaikozvino, | Teaching us that, denying ungodliness and worldly lusts, we should live soberly, righteously, and godly, in this present world; |
| 13 | tichimirira tariro yakaropafadzwa nekuratidzwa kwekubwinya kwaMwari mukuru neMuponesi wedu Jesu Kristu, | Looking for that blessed hope, and the glorious appearing of the great God and our Saviour Jesus Christ; |
| 14 | wakazvipira isu, kuti adzikunure isu pakuipa kwese, uye azvichenurire vanhu vakasanangurwa, vanoshingairira mabasa akanaka. | Who gave himself for us, that he might redeem us from all iniquity, and purify unto himself a peculiar people, zealous of good works. |
| 15 | Taura zvinhu izvi, uye kurudzira, uye tsiura nesimba rese. Kusava nemunhu anokuzvidza. | These things speak, and exhort, and rebuke with all authority. Let no man despise thee. |
Shona Bible — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GFDL · 출처 ↗
King James Version — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GPL