로그인

빌레몬서 1장 Shona Bible

Shona Bible · 쇼나어 · 빌레몬서 (Philemon) · 25절 · 대역: King James Version

절Shona BibleKing James Version
1 Pauro musungwa waKristu Jesu, naTimotio hama, kuna Firimoni mudikanwi nemushumiri pamwe nesu, Paul, a prisoner of Jesus Christ, and Timothy our brother, unto Philemon our dearly beloved, and fellowlabourer,
2 nekumudikanwi Apifia, nekuna Akipo muuto pamwe nesu, nekukereke iri mumba mako: And to our beloved Apphia, and Archippus our fellowsoldier, and to the church in thy house:
3 Nyasha kwamuri nerugare rwunobva kuna Mwari Baba vedu naIshe Jesu Kristu. Grace to you, and peace, from God our Father and the Lord Jesus Christ.
4 Ndinovonga Mwari wangu, ndichikureva nguva dzese paminyengetero yangu, I thank my God, making mention of thee always in my prayers,
5 ndichinzwa zverudo rwako, nerutendo rwaunarwo kuna Ishe Jesu nekuvatsvene vese, Hearing of thy love and faith, which thou hast toward the Lord Jesus, and toward all saints;
6 kuti kudyidzana kwerutendo rwako kuve nesimba pakuziva chese chakanaka chiri mamuri muna Kristu Jesu. That the communication of thy faith may become effectual by the acknowledging of every good thing which is in you in Christ Jesus.
7 Nokuti tine mufaro mukuru nekunyaradzwa parudo rwako, nokuti ura hwevatsvene hwakavandudzwa newe, hama. For we have great joy and consolation in thy love, because the bowels of the saints are refreshed by thee, brother.
8 Naizvozvo kunyange ndine kushinga kukuru muna Kristu kukuraira izvo zvakafanira, Wherefore, though I might be much bold in Christ to enjoin thee that which is convenient,
9 asi nekuda kwerudo zviri nani kukumbirisa, sezvandakadai ini Pauro mutana, uye ikozvinowo musungwa waJesu Kristu. Yet for love’s sake I rather beseech thee, being such an one as Paul the aged, and now also a prisoner of Jesus Christ.
10 Ndinokukumbirisa pamusoro pemwana wangu, wandakabereka muzvisungo zvangu, Onesimo, I beseech thee for my son Onesimus, whom I have begotten in my bonds:
11 wakange asingambokubatsiri, asi ikozvino anobatsira kwauri nekwandiri, Which in time past was to thee unprofitable, but now profitable to thee and to me:
12 wandatumirazve kwauri; asi iwe, mugamuchire, ndiko kuti ura hwangu; Whom I have sent again: thou therefore receive him, that is, mine own bowels:
13 wandaida kuramba naye aneni, kuti panzvimbo yako andishumire pazvisungo zveevhangeri; Whom I would have retained with me, that in thy stead he might have ministered unto me in the bonds of the gospel:
14 asi handina kuda kuita chinhu kunze kwetendero yako, kuti chakanaka chako chirege kuitwa nekurovererwa, asi sepachido. But without thy mind would I do nothing; that thy benefit should not be as it were of necessity, but willingly.
15 Nokuti zvimwe wakaparadzaniswa newe chinguva nemhaka iyi, kuti umugamuchirezve nekusingaperi; For perhaps he therefore departed for a season, that thou shouldest receive him for ever;
16 arege kuchiva semuranda, asi anopfuura muranda, hama inodikanwa, zvikuru kwandiri, asi zvikuru sei kwauri zvese panyama nemuna Ishe. Not now as a servant, but above a servant, a brother beloved, specially to me, but how much more unto thee, both in the flesh, and in the Lord?
17 Naizvozvo kana uchindiverenga semubatidzani, mugamuchire seunogamuchira ini. If thou count me therefore a partner, receive him as myself.
18 Asi kana akakutadzira chimwe kana kuva nengava newe, izvozvo zviverengere kwandiri; If he hath wronged thee, or oweth thee ought, put that on mine account;
19 ini Pauro ndanyora neruoko rwangu, ini ndicharipa; kuti ndirege kuti kwauri, uri ngava kwandiri iwewo pachako. I Paul have written it with mine own hand, I will repay it: albeit I do not say to thee how thou owest unto me even thine own self besides.
20 Hongu, hama, ngandive nemufaro newe muna Ishe; vandudza ura hwangu muna Ishe. Yea, brother, let me have joy of thee in the Lord: refresh my bowels in the Lord.
21 Ndakunyorera ndichivimba kuteerera kwako, ndichiziva kutiwo uchaita kupfuura zvandinoreva. Having confidence in thy obedience I wrote unto thee, knowing that thou wilt also do more than I say.
22 Uyewo panguva iyoyo ndigadzirire pekugara; nokuti ndinotarisira kuti kubudikidza neminyengetero yenyu ndichapiwa kwamuri. But withal prepare me also a lodging: for I trust that through your prayers I shall be given unto you.
23 Anokukwazisa Epafrasi musungwa pamwe neni muna Kristu Jesu, There salute thee Epaphras, my fellowprisoner in Christ Jesus;
24 Mariko, Arisitako, Dhemasi, Ruka, vabati pamwe neni. Marcus, Aristarchus, Demas, Lucas, my fellowlabourers.
25 Nyasha dzaIshe wedu Jesu Kristu ngadzive nemweya wenyu. Ameni. The grace of our Lord Jesus Christ be with your spirit. Amen. Written from Rome to Philemon, by Onesimus a servant.

Shona Bible — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GFDL · 출처 ↗
King James Version — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GPL