로그인

누가복음 18장 Shona Bible

Shona Bible · 쇼나어 · 누가복음 (Luke) · 43절 · 대역: King James Version

절Shona BibleKing James Version
1 Zvino wakavaudzawo mufananidzo kuti vanofanira kunyengetera nguva dzese, uye vasaora moyo, And he spake a parable unto them to this end, that men ought always to pray, and not to faint;
2 achiti: Kwaiva mune rimwe guta neumwe mutongi, wakange asingatyi Mwari, uye asingaremekedzi munhu; Saying, There was in a city a judge, which feared not God, neither regarded man:
3 zvino kwakange kune chirikadzi muguta iro, yakange ichiuya kwaari, ichiti: Ndiruramisirei kumuvengi wangu. And there was a widow in that city; and she came unto him, saying, Avenge me of mine adversary.
4 Asi wakange asingadi kwenguva; asi pashure pezvinhu izvi wakati mukati make: Kunyange ndisingatyi Mwari, uye ndisingaremekedzi munhu; And he would not for a while: but afterward he said within himself, Though I fear not God, nor regard man;
5 asi nokuti chirikadzi iyi inonditambudza, ndichairuramisira, zvimwe pakupedzisira ingasvika pakunditsamwisa kwazvo. Yet because this widow troubleth me, I will avenge her, lest by her continual coming she weary me.
6 Ishe ndokuti: Inzwai mutongi asakarurama zvaanoreva. And the Lord said, Hear what the unjust judge saith.
7 Ko Mwari haangaruramisiri here vakasanangurwa vake, vanodana kwaari masikati neusiku, kunyange achivanonokera? And shall not God avenge his own elect, which cry day and night unto him, though he bear long with them?
8 Ndinoti kwamuri: Achakurumidza kuvaruramisira. Asi kana Mwanakomana wemunhu achisvika, achawana rutendo panyika here? I tell you that he will avenge them speedily. Nevertheless when the Son of man cometh, shall he find faith on the earth?
9 Zvino wakareva mufananidzo uyu kune vamwewo vaizvivimba kuti vakarurama, vachizvidza vamwe, akati: And he spake this parable unto certain which trusted in themselves that they were righteous, and despised others:
10 Vanhu vaviri vakakwira kutembere kunonyengetera; umwe muFarisi, uye umwe muteresi. Two men went up into the temple to pray; the one a Pharisee, and the other a publican.
11 MuFarisi wakamira akazvinyengeterera zvinhu izvi, akati: Mwari, ndinokutendai kuti handina kufanana nevamwe vanhu, makororo, vasakarurama, mhombwe, kana kunyange semuteresi uyu. The Pharisee stood and prayed thus with himself, God, I thank thee, that I am not as other men are, extortioners, unjust, adulterers, or even as this publican.
12 Ndinotsanya kaviri pavhiki, ndinopa chegumi chezvese zvandinowana. I fast twice in the week, I give tithes of all that I possess.
13 Asi muteresi amire kure wakasada kunyange kusimudzira meso kudenga, asi wakarova pachifuva chake, achiti: Mwari, ndinzwirei tsitsi ini mutadzi. And the publican, standing afar off, would not lift up so much as his eyes unto heaven, but smote upon his breast, saying, God be merciful to me a sinner.
14 Ndinoti kwamuri: Uyu wakaburukira kumba kwake anzi wakarurama pane uya; nokuti umwe neumwe anozvikwiridzira achaninipiswa, uye anozvininipisa achakwiridzirwa. I tell you, this man went down to his house justified rather than the other: for every one that exalteth himself shall be abased; and he that humbleth himself shall be exalted.
15 Zvino vakauisa kwaari vachechewo, kuti avabate; asi vadzidzi vakati vachizviona, vakavatsiura. And they brought unto him also infants, that he would touch them: but when his disciples saw it, they rebuked them.
16 Asi Jesu wakadanira ivo vacheche kwaari akati: Tenderai vacheche vauye kwandiri, musavadzivisa, nokuti ushe hwaMwari ndehwevakadai. But Jesus called them unto him, and said, Suffer little children to come unto me, and forbid them not: for of such is the kingdom of God.
17 Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Ani nani asingagamuchiri ushe hwaMwari semucheche, haangatongopindi mahuri. Verily I say unto you, Whosoever shall not receive the kingdom of God as a little child shall in no wise enter therein.
18 Zvino umwe mutungamiriri wakamubvunza, achiti: Mudzidzisi wakanaka, ndiitei kuti ndigare nhaka yeupenyu husingaperi? And a certain ruler asked him, saying, Good Master, what shall I do to inherit eternal life?
19 Jesu ndokuti kwaari: Unondiidzirei wakanaka? Hakuna wakanaka, kunze kweumwe, Mwari. And Jesus said unto him, Why callest thou me good? none is good, save one, that is, God.
20 Mirairo unoiziva, inoti: Usaita upombwe, usauraya, usaba, usapupura nhema, kudza baba vako namai vako. Thou knowest the commandments, Do not commit adultery, Do not kill, Do not steal, Do not bear false witness, Honour thy father and thy mother.
21 Iye ndokuti: Izvi zvese ndakazvichengeta kubva paudiki hwangu. And he said, All these have I kept from my youth up.
22 Zvino Jesu wakati achinzwa zvinhu izvi akati kwaari: Uchiri kushaiwa chinhu chimwe; tengesa zvese zvaunazvo, ugovere varombo, uye uchava nefuma yakakosha kudenga; ugouya pano wonditevera. Now when Jesus heard these things, he said unto him, Yet lackest thou one thing: sell all that thou hast, and distribute unto the poor, and thou shalt have treasure in heaven: and come, follow me.
23 Zvino wakati anzwa zvinhu izvi, akashungurudzika zvikuru; nokuti wakange akafuma zvikuru. And when he heard this, he was very sorrowful: for he was very rich.
24 Zvino Jesu wakati achiona kuti washungurudzika zvikuru akati: Zvicharemera sei vane fuma kupinda muushe hwaMwari. And when Jesus saw that he was very sorrowful, he said, How hardly shall they that have riches enter into the kingdom of God!
25 Nokuti zvakareruka kuti kamera ripinde richidarika nemuburi retsono, kumufumi kupinda muushe hwaMwari. For it is easier for a camel to go through a needle’s eye, than for a rich man to enter into the kingdom of God.
26 Zvino avo vakanzwa, vakati: Zvino ndiani anogona kuponeswa? And they that heard it said, Who then can be saved?
27 Asi iye akati: Zvinhu zvisingagoneki nevanhu, zvinogoneka naMwari. And he said, The things which are impossible with men are possible with God.
28 Petro ndokuti: Tarirai, isu takasiya zvese, tikakuteverai. Then Peter said, Lo, we have left all, and followed thee.
29 Zvino akati kwavari: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Hakuna munhu wakasiya imba, kana vabereki, kana madzikoma nevanin'ina, kana mukadzi, kana vana, nekuda kweushe hwaMwari, And he said unto them, Verily I say unto you, There is no man that hath left house, or parents, or brethren, or wife, or children, for the kingdom of God’s sake,
30 asingazogamuchiri zvakapetwa kazhinji nenguva ino, nemunguva inouya upenyu husingaperi. Who shall not receive manifold more in this present time, and in the world to come life everlasting.
31 Zvino wakatora vanegumi nevaviri, akati kwavari: Tarirai, tinokwira kuJerusarema, uye zvinhu zvese zvakanyorwa nevaporofita maererano neMwanakomana wemunhu zvichazadziswa. Then he took unto him the twelve, and said unto them, Behold, we go up to Jerusalem, and all things that are written by the prophets concerning the Son of man shall be accomplished.
32 Nokuti achakumikidzwa kune vechirudzi, agosekwa, nekuitirwa zvakaipa, nekupfirwa, For he shall be delivered unto the Gentiles, and shall be mocked, and spitefully entreated, and spitted on:
33 uye vachamurova netyava uye vachamuuraya; uye pazuva retatu achamukazve. And they shall scourge him, and put him to death: and the third day he shall rise again.
34 Asi ivo havana kunzwisisa chinhu chimwe cheizvozvi, uye shoko iri rakange rakavanzwa kwavari, uye havana kunzwisisa zvinhu zvakarehwa. And they understood none of these things: and this saying was hid from them, neither knew they the things which were spoken.
35 Zvino zvakaitika oswedera Jeriko, rimwe bofu raigara padivi penzira richipemha; And it came to pass, that as he was come nigh unto Jericho, a certain blind man sat by the way side begging:
36 rakati richinzwa chaunga chichipfuura, rikabvunza kuti chinyi ichi. And hearing the multitude pass by, he asked what it meant.
37 Zvino vakariudza kuti: Jesu weNazareta anopfuura. And they told him, that Jesus of Nazareth passeth by.
38 Zvino rakadanidzira richiti: Jesu Mwanakomana waDhavhidhi, ndinzwirei tsitsi! And he cried, saying, Jesus, thou Son of David, have mercy on me.
39 Zvino vakange vakatungamira vakaritsiura kuti rinyarare; asi iro rakanyanyisa kudanidzira, richiti: Mwanakomana waDhavidhi, ndinzwirei tsitsi! And they which went before rebuked him, that he should hold his peace: but he cried so much the more, Thou Son of David, have mercy on me.
40 Zvino Jesu wakamira, akaraira kuti riuyiswe kwaari; zvino rakati raswedera akaribvunza, And Jesus stood, and commanded him to be brought unto him: and when he was come near, he asked him,
41 achiti: Unoda kuti ndikuitirei? Zvino rakati: Ishe, kuti ndionezve. Saying, What wilt thou that I shall do unto thee? And he said, Lord, that I may receive my sight.
42 Jesu ndokuti kwaari: Chionazve! Rutendo rwako rwakuponesa. And Jesus said unto him, Receive thy sight: thy faith hath saved thee.
43 Pakarepo rikaonazve, rikamutevera, richirumbidza Mwari; vanhu vese vakati vachizviona vakarumbidza Mwari. And immediately he received his sight, and followed him, glorifying God: and all the people, when they saw it, gave praise unto God.

Shona Bible — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GFDL · 출처 ↗
King James Version — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GPL