로그인

누가복음 17장 Shona Bible

Shona Bible · 쇼나어 · 누가복음 (Luke) · 37절 · 대역: King James Version

절Shona BibleKing James Version
1 Zvino wakati kuvadzidzi: Hazvigoneki kuti zvigumbuso zvisauya; asi ane nhamo wazvinouya kubudikidza naye. Then said he unto the disciples, It is impossible but that offences will come: but woe unto him, through whom they come!
2 Zvaiva nani kwaari kuti guyo rinorema risungirirwe kupoteredza mutsipa wake, ndokukandirwa mugungwa, pakuti agumbuse umwe wevadiki ava. It were better for him that a millstone were hanged about his neck, and he cast into the sea, than that he should offend one of these little ones.
3 Muzvichenjerere imwi. Zvino kana umwe wako akakutadzira, mutsiure; uye kana akatendeuka, mukanganwire. Take heed to yourselves: If thy brother trespass against thee, rebuke him; and if he repent, forgive him.
4 Uye kana akutadzira kanomwe pazuva, akadzoka kwauri kanomwe pazuva, achiti: Ndatendeuka; uchamukanganwira. And if he trespass against thee seven times in a day, and seven times in a day turn again to thee, saying, I repent; thou shalt forgive him.
5 Zvino vaapositori vakati kuna Ishe: Wedzerai kwatiri rutendo. And the apostles said unto the Lord, Increase our faith.
6 Ishe ndokuti: Kana maiva nerutendo rwakaita setsanga yemasitadha, maiti kumuhabhurosi uyu: Dzurwa, usimwe mugungwa; uye waikuteererai. And the Lord said, If ye had faith as a grain of mustard seed, ye might say unto this sycamine tree, Be thou plucked up by the root, and be thou planted in the sea; and it should obey you.
7 Asi ndeupi kwamuri ane muranda anorima kana kufudza, achati pakarepo achipinda achibva kumunda: Swedera ugare pakudya? But which of you, having a servant plowing or feeding cattle, will say unto him by and by, when he is come from the field, Go and sit down to meat?
8 Asi angarega here kuti kwaari: Gadzira zvandingaraira, uye uzvisunge chiuno, undishandire, kusvikira ndadya, ndikanwa; zvino mushure meizvozvi iwe udye nekunwa? And will not rather say unto him, Make ready wherewith I may sup, and gird thyself, and serve me, till I have eaten and drunken; and afterward thou shalt eat and drink?
9 Anotenda muranda uyo nokuti wakaita zvarairwa here? Handifungi. Doth he thank that servant because he did the things that were commanded him? I trow not.
10 Saizvozvo nemwi, kana maita zvese zvamakarairwa, muti: Tiri varanda pasina, nokuti taita zvataifanira kuita. So likewise ye, when ye shall have done all those things which are commanded you, say, We are unprofitable servants: we have done that which was our duty to do.
11 Zvino zvakaitika pakuenda kwake kuJerusarema, kuti iye wakapfuura nepakati peSamaria neGarirea. And it came to pass, as he went to Jerusalem, that he passed through the midst of Samaria and Galilee.
12 Zvino wakati achipinda mune umwe musha, varume gumi vaiva nemaperembudzi vakasangana naye, vamire kure. And as he entered into a certain village, there met him ten men that were lepers, which stood afar off:
13 Zvino ivo vakasimudza inzwi, vachiti: Jesu, Tenzi, tinzwirei tsitsi! And they lifted up their voices, and said, Jesus, Master, have mercy on us.
14 Zvino wakati achivaona, akati kwavari: Endai munozviratidza kuvapristi. Zvino zvakaitika kuti vachienda, vakanatswa. And when he saw them, he said unto them, Go shew yourselves unto the priests. And it came to pass, that, as they went, they were cleansed.
15 Zvino umwe wavo paakaona kuti aporeswa, wakadzoka achikudza Mwari nenzwi guru; And one of them, when he saw that he was healed, turned back, and with a loud voice glorified God,
16 ndokuwira pasi nechiso patsoka dzake, achimuvonga; zvino iye wakange ari muSamaria. And fell down on his face at his feet, giving him thanks: and he was a Samaritan.
17 Asi Jesu wakapindura akati: Vanga vasiri gumi here vanatswa? Ko vapfumbamwe varipi? And Jesus answering said, Were there not ten cleansed? but where are the nine?
18 Hapana kuwanikwa vadzokera kuzopa Mwari rukudzo, kunze kweuyu mutorwa. There are not found that returned to give glory to God, save this stranger.
19 Zvino akati kwaari: Simuka, enda; rutendo rwako rwakuponesa. And he said unto him, Arise, go thy way: thy faith hath made thee whole.
20 Zvino wakati achibvunzwa neVaFarisi, kuti ushe hwaMwari hunosvika rinhi, akavapindura akati: Ushe hwaMwari hahuuyi nekuonekwa; And when he was demanded of the Pharisees, when the kingdom of God should come, he answered them and said, The kingdom of God cometh not with observation:
21 uye havangati: Tarirai pano; kana: Tarira uko. Nokuti tarirai, ushe hwaMwari huri mukati menyu. Neither shall they say, Lo here! or, lo there! for, behold, the kingdom of God is within you.
22 Zvino wakati kuvadzidzi: Mazuva achasvika amuchashuva kuona rimwe ramazuva eMwanakomana wemunhu, asi hamungarioni. And he said unto the disciples, The days will come, when ye shall desire to see one of the days of the Son of man, and ye shall not see it.
23 Zvino vachati kwamuri: Tarirai pano; kana: Tarirai uko; regai kuenda, kana kutevera. And they shall say to you, See here; or, see there: go not after them, nor follow them.
24 Nokuti semheni inopenya ichibva kune rumwe rutivi pasi pedenga ichivhenekera kusvikira kune rumwe rutivi pasi pedenga, saizvozvo zvichaitawo Mwanakomana wemunhu nezuva rake. For as the lightning, that lighteneth out of the one part under heaven, shineth unto the other part under heaven; so shall also the Son of man be in his day.
25 Asi kutanga anofanira kutambudzika zvinhu zvizhinji, nekurambwa nezera iri. But first must he suffer many things, and be rejected of this generation.
26 Uye sezvazvakange zvakaita mumazuva aNowa, ndizvo zvazvichavawo mumazuva eMwanakomana wemunhu. And as it was in the days of Noe, so shall it be also in the days of the Son of man.
27 Vaidya, vainwa, vaiwana, vachiwaniswa, kusvikira zuva iro Nowa raakapinda naro muareka, mafashame akasvika, ndokuvaparadza vese. They did eat, they drank, they married wives, they were given in marriage, until the day that Noe entered into the ark, and the flood came, and destroyed them all.
28 Saizvozvowo sezvazvakange zvakaita mumazuva aRoti; vaidya, vainwa, vaitenga, vaitengesa, vaidzvara, vaivaka; Likewise also as it was in the days of Lot; they did eat, they drank, they bought, they sold, they planted, they builded;
29 asi nemusi Roti waakabuda muSodhoma, kwakanaya moto nesarufa zvichibva kudenga, zvikaparadza vese. But the same day that Lot went out of Sodom it rained fire and brimstone from heaven, and destroyed them all.
30 Zvichava seizvi nezuva Mwanakomana wemunhu raachabudiswa pachena naro. Even thus shall it be in the day when the Son of man is revealed.
31 Muzuva iro, uyo achava pamusoro pedenga reimba, nenhumbi dzake dziri mumba, ngaarege kuburuka kundodzitora; neari kumunda saizvozvo ngaarege kudzokera zvinhu zviri shure. In that day, he which shall be upon the housetop, and his stuff in the house, let him not come down to take it away: and he that is in the field, let him likewise not return back.
32 Yeukai mukadzi waRoti. Remember Lot’s wife.
33 Ani nani anotsvaka kuponesa upenyu hwake acharasikirwa nahwo, uye ani nani anorasikirwa nahwo achahuraramisa. Whosoever shall seek to save his life shall lose it; and whosoever shall lose his life shall preserve it.
34 Ndinoti kwamuri: Muusiku uhwo kuchava nevaviri pamubhedha umwe; umwe achatorwa, uye umwe achasiiwa. I tell you, in that night there shall be two men in one bed; the one shall be taken, and the other shall be left.
35 Vaviri vachava vachikuya pamwe, umwe achatorwa, uye umwe achasiiwa. Two women shall be grinding together; the one shall be taken, and the other left.
36 Vaviri vachava mumunda; umwe achatorwa, uye umwe asiiwe. Two men shall be in the field; the one shall be taken, and the other left.
37 Zvino vakapindura vakati kwaari: Kupi Ishe? Ndokuti kwavari: Pane mutumbi, ndipo pachaunganidzwa magora. And they answered and said unto him, Where, Lord? And he said unto them, Wheresoever the body is, thither will the eagles be gathered together.

Shona Bible — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GFDL · 출처 ↗
King James Version — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GPL