누가복음 19장 Shona Bible
Shona Bible · 쇼나어 · 누가복음 (Luke) · 48절 · 대역: King James Version
| 절 | Shona Bible | King James Version |
|---|---|---|
| 1 | Zvino Jesu wakapinda, akagura muJeriko. | And Jesus entered and passed through Jericho. |
| 2 | Zvino tarira, murume wainzi Zakewu nezita; iye wakange ari mutungamiriri wevateresi, uye iye waiva mufumi; | And, behold, there was a man named Zaccheus, which was the chief among the publicans, and he was rich. |
| 3 | uye wakatsvaka kuona Jesu kuti ndiani; asi wakange asingagoni nekuda kwechaunga, nokuti wakange ane chimiro chifupi. | And he sought to see Jesus who he was; and could not for the press, because he was little of stature. |
| 4 | Zvino wakamhanyira mberi, akakwira mumuonde wemusikamori kuti amuone; nokuti wakange achizopfuura nenzira iyo. | And he ran before, and climbed up into a sycomore tree to see him: for he was to pass that way. |
| 5 | Zvino Jesu wakati achisvika panzvimbo iyo, wakatarira kumusoro, akamuona, akati kwaari: Zakewu, kurumidza uburuke; nokuti nhasi ndinofanira kugara mumba mako. | And when Jesus came to the place, he looked up, and saw him, and said unto him, Zaccheus, make haste, and come down; for to day I must abide at thy house. |
| 6 | Zvino wakakurumidza kuburuka, akamugamuchira achifara. | And he made haste, and came down, and received him joyfully. |
| 7 | Zvino vakati vazviona vakan'un'una vese vachiti: Wapinda kunogara nemurume mutadzi. | And when they saw it, they all murmured, saying, That he was gone to be guest with a man that is a sinner. |
| 8 | Asi Zakewu wakamira, akati kuna Ishe: Tarirai, hafu yefuma yangu, Ishe, ndinopa kuvarombo, uye kana ndakatora chinhu kune umwe munhu nekunyengera, ndinodzosera runa. | And Zaccheus stood, and said unto the Lord; Behold, Lord, the half of my goods I give to the poor; and if I have taken any thing from any man by false accusation, I restore him fourfold. |
| 9 | Jesu akati kwaari: Nhasi ruponeso rwasvika mumba muno; nokuti iyewo mwanakomana waAbhurahama. | And Jesus said unto him, This day is salvation come to this house, forsomuch as he also is a son of Abraham. |
| 10 | Nokuti Mwanakomana wemunhu wakauya kuzotsvaka nekuponesa chakarasika. | For the Son of man is come to seek and to save that which was lost. |
| 11 | Vakati vanzwa zvinhu izvi, wakawedzera akataura mufananidzo, nokuti wakange ava pedo neJerusarema, uye nekuti vaifunga kuti ushe hwaMwari hwobva hwodoonekereswa. | And as they heard these things, he added and spake a parable, because he was nigh to Jerusalem, and because they thought that the kingdom of God should immediately appear. |
| 12 | Naizvozvo wakati: Umwe munhu ane mbiri wakaenda kunyika iri kure, kunozvigamuchirira ushe agodzoka. | He said therefore, A certain nobleman went into a far country to receive for himself a kingdom, and to return. |
| 13 | Zvino wakadana varanda vake gumi, ndokuvapa pondo gumi, ndokuti kwavari: Bhindaukai nayo kusvikira ndichiuya. | And he called his ten servants, and delivered them ten pounds, and said unto them, Occupy till I come. |
| 14 | Asi vanhu venyika yake vakange vachimuvenga, vakatuma nhume shure kwake, vachiti: Hatidi uyu kuti atitonge. | But his citizens hated him, and sent a message after him, saying, We will not have this man to reign over us. |
| 15 | Zvino zvakaitika kuti adzoka agamuchira ushe, wakaraira kuti vaya varanda vaakange apa mari, vadanirwe kwaari, kuti anzwe kuti umwe neumwe wakawana zvakadini nekutengeserana. | And it came to pass, that when he was returned, having received the kingdom, then he commanded these servants to be called unto him, to whom he had given the money, that he might know how much every man had gained by trading. |
| 16 | Wekutanga ndokusvika, achiti: Ishe, pondo yenyu yawana pondo gumi. | Then came the first, saying, Lord, thy pound hath gained ten pounds. |
| 17 | Zvino akati kwaari: Zvakanaka, muranda wakanaka; nokuti wakange wakatendeka pachidiki-diki, uve nesimba pamusoro pemaguta gumi. | And he said unto him, Well, thou good servant: because thou hast been faithful in a very little, have thou authority over ten cities. |
| 18 | Newechipiri wakasvika, achiti: Ishe, pondo yenyu yawana pondo shanu. | And the second came, saying, Lord, thy pound hath gained five pounds. |
| 19 | Akati kwaariwo: Newe, uve pamusoro pemaguta mashanu. | And he said likewise to him, Be thou also over five cities. |
| 20 | Zvino umwe wakasvika, achiti: Ishe, tarirai pondo yenyu, yandakange ndakachengeta mumucheka wekumeso; | And another came, saying, Lord, behold, here is thy pound, which I have kept laid up in a napkin: |
| 21 | nokuti ndakange ndichikutyai, nokuti muri munhu wakaoma; munotora zvamusina kuisa, muchikohwa izvo zvamusina kudzvara. | For I feared thee, because thou art an austere man: thou takest up that thou layedst not down, and reapest that thou didst not sow. |
| 22 | Zvino wakati kwaari: Ndichakutonga nezvinobuda mumuromo mako, muranda wakaipa; wakange uchiziva kuti ini ndiri munhu wakaoma, ndichitora zvandisakaisa, nekukohwa izvo zvandisina kudzvara; | And he saith unto him, Out of thine own mouth will I judge thee, thou wicked servant. Thou knewest that I was an austere man, taking up that I laid not down, and reaping that I did not sow: |
| 23 | naizvozvo sei usina kuisa mari yangu mubhanga, kuti kana ndouya ndigozoitora pamwe nezvibereko. | Wherefore then gavest not thou my money into the bank, that at my coming I might have required mine own with usury? |
| 24 | Ndokuti kune vakange vamirepo: Mutorerei pondo mupe kune ane pondo gumi. | And he said unto them that stood by, Take from him the pound, and give it to him that hath ten pounds. |
| 25 | Asi vakati kwaari: Ishe, ane pondo gumi. | (And they said unto him, Lord, he hath ten pounds.) |
| 26 | Nokuti ndinoti kwamuri: Anazvo achapiwa; uye asina, kwaari kuchatorwa nezvaanazvo. | For I say unto you, That unto every one which hath shall be given; and from him that hath not, even that he hath shall be taken away from him. |
| 27 | Asi vavengi vangu avo, vakange vasingadi kuti nditonge pamusoro pavo, uisai pano, muvauraye pamberi pangu. | But those mine enemies, which would not that I should reign over them, bring hither, and slay them before me. |
| 28 | Zvino wakati areva zvinhu izvi, akapfuurira mberi, achikwira kuJerusarema. | And when he had thus spoken, he went before, ascending up to Jerusalem. |
| 29 | Zvino zvakaitika oswedera kuBhetifage neBhetaniya pagomo rinonzi reMiorivhi, wakatuma vaviri vevadzidzi vake, | And it came to pass, when he was come nigh to Bethphage and Bethany, at the mount called the mount of Olives, he sent two of his disciples, |
| 30 | achiti: Fambai muende mumusha wakatarisana nemwi; kana muchipinda mauri, muchawana dhongwana rakasungirwa, risina munhu wakamborigara; murisunungure, mugoriuisa. | Saying, Go ye into the village over against you; in the which at your entering ye shall find a colt tied, whereon yet never man sat: loose him, and bring him hither. |
| 31 | Zvino kana chero munhu akakubvunzai achiti: Munorisunungurirei? Muchataura kwaari kudai: Ishe anorida. | And if any man ask you, Why do ye loose him? thus shall ye say unto him, Because the Lord hath need of him. |
| 32 | Avo vakatumwa vakaenda vakanowana sezvaakange ataura kwavari. | And they that were sent went their way, and found even as he had said unto them. |
| 33 | Zvino vakati vachisunungura dhongwana, varidzi varo vakati kwavari: Munosunungurirei dhongwana? | And as they were loosing the colt, the owners thereof said unto them, Why loose ye the colt? |
| 34 | Ivo ndokuti: Ishe anorida. | And they said, The Lord hath need of him. |
| 35 | Zvino vakariuisa kuna Jesu; ndokukanda nguvo dzavo pamusoro pedhongwana, vakatasvisa Jesu pariri. | And they brought him to Jesus: and they cast their garments upon the colt, and they set Jesus thereon. |
| 36 | Zvino achifamba, vakawarira nguvo dzavo munzira. | And as he went, they spread their clothes in the way. |
| 37 | Zvino wakati oswedera ikozvino pamateru egomo reMiorivhi, chaunga chese chevadzidzi chikatanga kufara chichirumbidza Mwari nenzwi guru pamusoro pamabasa ese esimba avakange vaona, | And when he was come nigh, even now at the descent of the mount of Olives, the whole multitude of the disciples began to rejoice and praise God with a loud voice for all the mighty works that they had seen; |
| 38 | vachiti: Wakaropafadzwa mambo anouya muzita raIshe; rugare kudenga, nekubwinya kumusoro-soro. | Saying, Blessed be the King that cometh in the name of the Lord: peace in heaven, and glory in the highest. |
| 39 | Uye vamwe veVaFarisi vari pakati pechaunga vakati kwaari: Mudzidzisi, tsiurai vadzidzi venyu. | And some of the Pharisees from among the multitude said unto him, Master, rebuke thy disciples. |
| 40 | Zvino wakapindura akati kwavari: Ndinokuudzai kuti kana ava vakanyarara, mabwe achadanidzira. | And he answered and said unto them, I tell you that, if these should hold their peace, the stones would immediately cry out. |
| 41 | Zvino wakati aswedera, wakaona guta, akachema pamusoro paro, | And when he was come near, he beheld the city, and wept over it, |
| 42 | achiti: Dai newe waiziva, kunyange pazuva rino rako zvinhu zverugare rwako; asi zvino zvakavanzirwa meso ako. | Saying, If thou hadst known, even thou, at least in this thy day, the things which belong unto thy peace! but now they are hid from thine eyes. |
| 43 | Nokuti mazuva achasvika pamusoro pako, apo vavengi vako vachakukandira muchinjiziri wakakupoteredza, vachakukomba, nekukudzvinyidzira pamativi ese, | For the days shall come upon thee, that thine enemies shall cast a trench about thee, and compass thee round, and keep thee in on every side, |
| 44 | uye vachakuputsira pasi iwe nevana vako mukati mako, havangasii mukati mako ibwe pamusoro pebwe; nokuti hauna kuziva nguva yekushanyirwa kwako. | And shall lay thee even with the ground, and thy children within thee; and they shall not leave in thee one stone upon another; because thou knewest not the time of thy visitation. |
| 45 | Zvino wakapinda mutembere, akatanga kudzingira panze vakange vachitengesamo nevaitenga, | And he went into the temple, and began to cast out them that sold therein, and them that bought; |
| 46 | achiti kwavari: Kwakanyorwa kuti: Imba yangu imba yemunyengetero; asi imwi maiita bako remakororo. | Saying unto them, It is written, My house is the house of prayer: but ye have made it a den of thieves. |
| 47 | Zvino waidzidzisa zuva rimwe nerimwe mutembere; asi vapristi vakuru nevanyori nevakuru vevanhu vakatsvaka kumuparadza. | And he taught daily in the temple. But the chief priests and the scribes and the chief of the people sought to destroy him, |
| 48 | Asi havana kuwana zvavangaita, nokuti vanhu vese vakamunamatira vachimunzwa. | And could not find what they might do: for all the people were very attentive to hear him. |
Shona Bible — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GFDL · 출처 ↗
King James Version — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GPL