누가복음 16장 Shona Bible
Shona Bible · 쇼나어 · 누가복음 (Luke) · 31절 · 대역: King James Version
| 절 | Shona Bible | King James Version |
|---|---|---|
| 1 | Zvino wakataurawo kuvadzidzi vake achiti: Kwakange kune umwe munhu mufumi, waiva nemutariri; iye wakapomerwa kwaari seanoparadza nhumbi dzake. | And he said also unto his disciples, There was a certain rich man, which had a steward; and the same was accused unto him that he had wasted his goods. |
| 2 | Zvino wakamudana akati kwaari: Chii ichi chandinonzwa nezvako? Rondedzera nezveutariri hwako; nokuti hauchazogoni kuva mutariri. | And he called him, and said unto him, How is it that I hear this of thee? give an account of thy stewardship; for thou mayest be no longer steward. |
| 3 | Zvino mutariri wakati mukati make: Ndichaitei, sezvo ishe wangu wonditorera utariri? Handigoni kuchera, kupemha ndinonyara. | Then the steward said within himself, What shall I do? for my lord taketh away from me the stewardship: I cannot dig; to beg I am ashamed. |
| 4 | Ndaziva zvandichaita, kuti kana ndabudiswa pautariri, vandigamuchire mudzimba dzavo. | I am resolved what to do, that, when I am put out of the stewardship, they may receive me into their houses. |
| 5 | Zvino wakadanira kwaari umwe neumwe wavakange vane chikwereti kuna ishe wake, akati kune wekutanga: Une chikwereti chakadini kuna ishe wangu? | So he called every one of his lord’s debtors unto him, and said unto the first, How much owest thou unto my lord? |
| 6 | Iye ndokuti: Zviyero zana zvemafuta. Ndokuti kwaari: Tora rugwaro rwako, ugare pasi nekukurumidza unyore makumi mashanu. | And he said, An hundred measures of oil. And he said unto him, Take thy bill, and sit down quickly, and write fifty. |
| 7 | Ndokuti kune umwe: Newe, une chikwereti chakadini? Iye ndokuti: Zviyero zana zvezviyo. Akati kwaari: Tora rugwaro rwako, unyore makumi masere. | Then said he to another, And how much owest thou? And he said, An hundred measures of wheat. And he said unto him, Take thy bill, and write fourscore. |
| 8 | Zvino ishe wakarumbidza mutariri asakarurama, nokuti wakange aita nekuchenjera; nokuti vana venyika ino vakachenjera pazera ravo kukunda vana vechiedza. | And the lord commended the unjust steward, because he had done wisely: for the children of this world are in their generation wiser than the children of light. |
| 9 | Neni ndinoti kwamuri: Muzviitire shamwari nafuma wekusakarurama, kuti kana musingachagoni, vakugamuchirei mudzimba dzekusingaperi. | And I say unto you, Make to yourselves friends of the mammon of unrighteousness; that, when ye fail, they may receive you into everlasting habitations. |
| 10 | Wakatendeka pachidikisa wakatendekawo pachikuru, neusakarurama pachidikisa haana kururamawo pachikuru. | He that is faithful in that which is least is faithful also in much: and he that is unjust in the least is unjust also in much. |
| 11 | Naizvozvo kana musina kutendeka pana fuma usakarurama, ndiani achakubatisai chinhu chechokwadi? | If therefore ye have not been faithful in the unrighteous mammon, who will commit to your trust the true riches? |
| 12 | Uye kana musina kutendeka pane cheumwe, ndiani achakupai chenyu? | And if ye have not been faithful in that which is another man’s, who shall give you that which is your own? |
| 13 | Hakuna muranda anogona kubatira madzitenzi maviri; nokuti zvimwe achavenga umwe, ndokuda umwe; kana kuti achanamatira kune umwe, agozvidza umwe. Hamugoni kubatira Mwari nafuma. | No servant can serve two masters: for either he will hate the one, and love the other; or else he will hold to the one, and despise the other. Ye cannot serve God and mammon. |
| 14 | Zvino neVaFarisi vakange vari vadi vemari, vakanzwa zvinhu izvi zvese, vakamuseka. | And the Pharisees also, who were covetous, heard all these things: and they derided him. |
| 15 | Zvino wakati kwavari: Imwi ndimwi vanozviruramisa pamberi pevanhu, asi Mwari anoziva moyo yenyu; nokuti icho chinokwiridzirwa pakati pevanhu, chinyangadzo pamberi paMwari. | And he said unto them, Ye are they which justify yourselves before men; but God knoweth your hearts: for that which is highly esteemed among men is abomination in the sight of God. |
| 16 | Murairo nevaporofita zvaivapo kusvikira kuna Johwani; kubva ipapo ushe hwaMwari hunoparidzwa, uye umwe neumwe anosenerera mahuri. | The law and the prophets were until John: since that time the kingdom of God is preached, and every man presseth into it. |
| 17 | Asi zvakareruka kuti denga nenyika zvipfuure, pakuti chidodzi chimwe chemurairo chiwe. | And it is easier for heaven and earth to pass, than one tittle of the law to fail. |
| 18 | Ani nani anoramba mukadzi wake akawana umwe anoita upombwe; uye ani nani anowana wakarambwa kumurume anoita upombwe. | Whosoever putteth away his wife, and marrieth another, committeth adultery: and whosoever marrieth her that is put away from her husband committeth adultery. |
| 19 | Kwakange kune umwe munhu mufumi, waipfeka zvine ruvara rwehute nemicheka yakaisvonaka, nekufara paumbozha mazuva ese. | There was a certain rich man, which was clothed in purple and fine linen, and fared sumptuously every day: |
| 20 | Zvino kwakange kune umwe mupemhi wainzi Razaro, wakange akaiswa pasuwo rake azere maronda, | And there was a certain beggar named Lazarus, which was laid at his gate, full of sores, |
| 21 | uye waishuva kugutswa nezvimedu zvaiwa patafura yemufumi; asi kunyange imbwa dzaiuya dzichinanzva maronda ake. | And desiring to be fed with the crumbs which fell from the rich man’s table: moreover the dogs came and licked his sores. |
| 22 | Zvino zvakaitika kuti mupemhi wakafa, akatakurirwa nevatumwa kuchifuva chaAbhurahama; mufumi akafawo, akavigwa. | And it came to pass, that the beggar died, and was carried by the angels into Abraham’s bosom: the rich man also died, and was buried; |
| 23 | Zvino ari muhadhesi* wakasimudza meso ake, ari pamarwadzo, akaona Abhurahama ari kure, naRazaro ari pachifuva chake. | And in hell he lift up his eyes, being in torments, and seeth Abraham afar off, and Lazarus in his bosom. |
| 24 | Iye ndokudanidzira akati: Baba Abhurahama, ndinzwirei tsitsi, mutume Razaro, kuti anyike muromo wemunwe wake mumvura, atonhodze rurimi rwangu; nokuti ndinorwadziswa mumurazvo uyu. | And he cried and said, Father Abraham, have mercy on me, and send Lazarus, that he may dip the tip of his finger in water, and cool my tongue; for I am tormented in this flame. |
| 25 | Asi Abhurahama wakati: Mwana, rangarira kuti iwe muupenyu hwako wakagamuchira zvakanaka zvako, saizvozvo naRazaro zvakaipa; asi zvino iye anonyaradzwa, uye iwe unorwadziwa. | But Abraham said, Son, remember that thou in thy lifetime receivedst thy good things, and likewise Lazarus evil things: but now he is comforted, and thou art tormented. |
| 26 | Uye pamusoro peizvi zvese, pakati pedu nemwi pane mukaha mukuru wakaiswa, kuti vanoda kuyambuka kubva kuno vachiuya kwamuri vakonewe, neveko varege kuyambukira kwatiri. | And beside all this, between us and you there is a great gulf fixed: so that they which would pass from hence to you cannot; neither can they pass to us, that would come from thence. |
| 27 | Iye ndokuti: Naizvozvo ndinokukumbirisai, baba, kuti mumutumire kuimba yababa vangu, | Then he said, I pray thee therefore, father, that thou wouldest send him to my father’s house: |
| 28 | nokuti ndine vanakomana vamai vangu vashanu, kuti anyatsovapupurira, zvimwe ivowo vangauya panzvimbo ino yemarwadzo. | For I have five brethren; that he may testify unto them, lest they also come into this place of torment. |
| 29 | Abhurahama akati kwaari: Mozisi nevaporofita vanavo; ngavanzwe ivo. | Abraham saith unto him, They have Moses and the prophets; let them hear them. |
| 30 | Iye ndokuti: Kwete, baba Abhurahama; asi kana umwe akaenda kwavari kubva kuvakafa, vachatendeuka. | And he said, Nay, father Abraham: but if one went unto them from the dead, they will repent. |
| 31 | Asi wakati kwaari: Kana vasingateereri Mozisi nevaporofita, havangatendiswi kunyange kana umwe akamuka kubva kuvakafa. | And he said unto him, If they hear not Moses and the prophets, neither will they be persuaded, though one rose from the dead. |
Shona Bible — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GFDL · 출처 ↗
King James Version — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GPL