로그인

골로새서 2장 Shona Bible

Shona Bible · 쇼나어 · 골로새서 (Colossians) · 23절 · 대역: King James Version

절Shona BibleKing James Version
1 Nokuti ndinoda kuti muzive kuti kurwa kukuru zvakadini kwandinako pamusoro penyu, nevari paRaodhikia, nevese vasina kuona chiso changu panyama, For I would that ye knew what great conflict I have for you, and for them at Laodicea, and for as many as have not seen my face in the flesh;
2 kuti moyo yavo inyaradzwe, vasonanidzwe murudo, nemufuma yese yekuvimbiswa kwakakwana kwekunzwisisa, paruzivo rwechakavanzika chaMwari naBaba, nechaKristu, That their hearts might be comforted, being knit together in love, and unto all riches of the full assurance of understanding, to the acknowledgement of the mystery of God, and of the Father, and of Christ;
3 maari fuma yese yeuchenjeri neyeruzivo yakavigwa. In whom are hid all the treasures of wisdom and knowledge.
4 Ndinoreva izvi, kuti kusava nemunhu anokunyengerai nemashoko anonyengera. And this I say, lest any man should beguile you with enticing words.
5 Nokuti kunyange ndisipo panyama, zvakadaro ndinemwi pamweya, ndichifara nekuvona kurongeka kwenyu, nekusimba kwerutendo rwenyu muna Kristu. For though I be absent in the flesh, yet am I with you in the spirit, joying and beholding your order, and the stedfastness of your faith in Christ.
6 Naizvozvo sezvamakagamuchira Kristu Jesu Ishe, fambai maari, As ye have therefore received Christ Jesus the Lord, so walk ye in him:
7 makadzika midzi nekuvakwa maari, nekusimbiswa murutendo, sezvamakadzidziswa, muchiwedzera makuri nekuvonga. Rooted and built up in him, and stablished in the faith, as ye have been taught, abounding therein with thanksgiving.
8 Chenjerai, zvimwe umwe munhu angakupambai neuchenjeri, nekunyengera kusina maturo, setsika dzevanhu, sedzidziso dzekuvamba dzenyika, uye kwete sekuna Kristu. Beware lest any man spoil you through philosophy and vain deceit, after the tradition of men, after the rudiments of the world, and not after Christ.
9 Nokuti kuzara kwese kweuMwari kunogara maari pamuviri. For in him dwelleth all the fulness of the Godhead bodily.
10 Uye makazadziswa maari, iye musoro weutungamiriri hwese nesimba; And ye are complete in him, which is the head of all principality and power:
11 wamakadzingiswawo maari nedzingiso isina kuitwa nemaoko, pakubvisa muviri wezvivi zvenyama, pakudzingisa kwaKristu; In whom also ye are circumcised with the circumcision made without hands, in putting off the body of the sins of the flesh by the circumcision of Christ:
12 makavigwa pamwe naye pabhabhatidzo, pamakamutswawo pamwe naye nerutendo rwekuita kwaMwari, wakamumutsa kubva kuvakafa. Buried with him in baptism, wherein also ye are risen with him through the faith of the operation of God, who hath raised him from the dead.
13 Nemwi makafa mukudarika nekusadzingiswa kwenyama yenyu, wakakuitai vapenyu pamwe naye, akukanganwirai kudarika kwese, And you, being dead in your sins and the uncircumcision of your flesh, hath he quickened together with him, having forgiven you all trespasses;
14 akadzima rugwaro rwezviga rwaipikisana nesu, rwaipesana nesu, akarubvisa pakati, aruroverera pamuchinjikwa; Blotting out the handwriting of ordinances that was against us, which was contrary to us, and took it out of the way, nailing it to his cross;
15 akurura vatungamiriri nemasimba, akavabudisa pachena, akatungamira kuvakunda mauri. And having spoiled principalities and powers, he made a shew of them openly, triumphing over them in it.
16 Naizvozvo kusava nemunhu anokutongai pakudya kana pachinwiwa, kana panhau yemutambo kana yekugara kwemwedzi kana yemasabata; Let no man therefore judge you in meat, or in drink, or in respect of an holyday, or of the new moon, or of the sabbath days:
17 zvinova mumvuri wezvinhu zvichauya, asi muviri ndewa Kristu. Which are a shadow of things to come; but the body is of Christ.
18 Kusava nemunhu anokutorerai mubairo wenyu nemano, achifarira kuzvininipisa nekunamata vatumwa, achipindira pazvinhu zvaasina kuona, achizvikudza pasina nefungwa dzake dzenyama, Let no man beguile you of your reward in a voluntary humility and worshipping of angels, intruding into those things which he hath not seen, vainly puffed up by his fleshly mind,
19 uye asingabatisisi Musoro, uyo maari muviri wese nezvisungo nemarunda unoriritirwa, nekurukirwa pamwe, uchikura nekukura kwaMwari. And not holding the Head, from which all the body by joints and bands having nourishment ministered, and knit together, increaseth with the increase of God.
20 Naizvozvo kana makafa pamwe naKristu kune dzidziso dzekuvamba dzenyika, munosungikanirei nemirairo semugere munyika, Wherefore if ye be dead with Christ from the rudiments of the world, why, as though living in the world, are ye subject to ordinances,
21 (usabata, usaravira, usagunzva, (Touch not; taste not; handle not;
22 izvo zvese zvichaparara nekushandiswa) semirairo nedzidziso dzevanhu? Which all are to perish with the using;) after the commandments and doctrines of men?
23 Zvine chimiro cheuchenjeri pakuzvidira kunamata, nekuzvininipisa, nekutambudza muviri; hazvitongobatsiri kukunda kugutsa nyama. Which things have indeed a shew of wisdom in will worship, and humility, and neglecting of the body; not in any honour to the satisfying of the flesh.

Shona Bible — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GFDL · 출처 ↗
King James Version — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GPL