로그인

골로새서 1장 Shona Bible

Shona Bible · 쇼나어 · 골로새서 (Colossians) · 29절 · 대역: King James Version

절Shona BibleKing James Version
1 Pauro muapositori waJesu Kristu nechido chaMwari, naTimotio hama, Paul, an apostle of Jesus Christ by the will of God, and Timotheus our brother,
2 kuvatsvene nehama dzakatendeka muna Kristu dziri paKorose: Nyasha kwamuri nerugare rwunobva kuna Mwari Baba vedu naIshe Jesu Kristu. To the saints and faithful brethren in Christ which are at Colosse: Grace be unto you, and peace, from God our Father and the Lord Jesus Christ.
3 Tinovonga Mwari naBaba vaIshe wedu Jesu Kristu, tichikunyengetererai nguva dzese, We give thanks to God and the Father of our Lord Jesus Christ, praying always for you,
4 sezvo takanzwa zverutendo rwenyu muna Kristu Jesu, uye zverudo kuvatsvene vese, Since we heard of your faith in Christ Jesus, and of the love which ye have to all the saints,
5 nekuda kwetariro yakaisirwa imwi kumatenga, yamakagara manzwa pashoko rechokwadi cheevhangeri, For the hope which is laid up for you in heaven, whereof ye heard before in the word of the truth of the gospel;
6 yasvika kwamuri sepanyika yesewo; ichibereka chibereko, sezvainoitawo kwamuri, kubvira pazuva ramakanzwa nekuziva nyasha dzaMwari muchokwadi; Which is come unto you, as it is in all the world; and bringeth forth fruit, as it doth also in you, since the day ye heard of it, and knew the grace of God in truth:
7 sezvamakadzidzawo kuna Epafrasi, muranda anodikanwa pamwe nesu, anova mushumiri wakatendeka waKristu nekuda kwenyu, As ye also learned of Epaphras our dear fellowservant, who is for you a faithful minister of Christ;
8 wakatiudzawo zverudo rwenyu muMweya. Who also declared unto us your love in the Spirit.
9 Nekuda kweizvi isuwo, kubvira pazuva ratakanzwa, hatimiri kukunyengetererai, nekukumbira kuti muzadzwe neruzivo rwechido chake pauchenjeri hwese nekunzwisisa kwemweya, For this cause we also, since the day we heard it, do not cease to pray for you, and to desire that ye might be filled with the knowledge of his will in all wisdom and spiritual understanding;
10 kuti mufambe zvinofanira Ishe pane zvese zvinofadza, muchibereka zvibereko pabasa rese rakanaka, muchikura paruzivo rwaMwari; That ye might walk worthy of the Lord unto all pleasing, being fruitful in every good work, and increasing in the knowledge of God;
11 muchisimbiswa nesimba rese, zvichienderana nesimba rekubwinya kwake, pamoyo murefu wese nekutsungirira pamwe nemufaro; Strengthened with all might, according to his glorious power, unto all patience and longsuffering with joyfulness;
12 muchivonga kuna Baba, vakatiita kuti tifanire kugoverana kwenhaka yevatsvene muchiedza, Giving thanks unto the Father, which hath made us meet to be partakers of the inheritance of the saints in light:
13 vakatinunura pasimba rerima, vakatishandurira muushe hweMwanakomana werudo rwavo, Who hath delivered us from the power of darkness, and hath translated us into the kingdom of his dear Son:
14 watine dzikunuro maari neropa rake, ndiko kukanganwirwa kwezvivi. In whom we have redemption through his blood, even the forgiveness of sins:
15 Anova mufananidzo waMwari asingaonekwi, dangwe rechisikwa chega-chega. Who is the image of the invisible God, the firstborn of every creature:
16 Nokuti maari zvinhu zvese zvakasikwa, zviri kumatenga nezviri panyika, zvinoonekwa nezvisingaonekwi, kana zviri zvigaro zveushe, kana umambo, kana ukuru, kana masimba; zvinhu zvese zvakasikwa naye, zvikasikirwa iye. For by him were all things created, that are in heaven, and that are in earth, visible and invisible, whether they be thrones, or dominions, or principalities, or powers: all things were created by him, and for him:
17 Ndiyewo anotangira zvinhu zvese, uye zvinhu zvese zvakabatanidzwa maari. And he is before all things, and by him all things consist.
18 Uye iye musoro wemuviri, wekereke; anova kutanga, dangwe kubva kune vakafa; kuti pazvese iye ave wekutanga; And he is the head of the body, the church: who is the beginning, the firstborn from the dead; that in all things he might have the preeminence.
19 nokuti zvakafadza Baba, kuti kuzara kwese kugare maari, For it pleased the Father that in him should all fulness dwell;
20 uye ayananisa naye zvinhu zvese kwaari, aita rugare neropa remuchinjikwa wake kubudikidza naiye, kunyange zviri panyika kunyange zviri kumatenga. And, having made peace through the blood of his cross, by him to reconcile all things unto himself; by him, I say, whether they be things in earth, or things in heaven.
21 Nemwi maimbova vaeni nevavengi mufungwa nemabasa akaipa, asi ikozvinowo wayanana nemwi And you, that were sometime alienated and enemies in your mind by wicked works, yet now hath he reconciled
22 mumuviri wenyama yake kubudikidza nerufu, akukumikidzei muri vatsvene uye musina mhosva uye musingamhuriki pamberi pake; In the body of his flesh through death, to present you holy and unblameable and unreproveable in his sight:
23 zvino kana muchirambira parutendo makateyiwa uye makasimbiswa, uye hamubviswi patariro yeevhangeri yamakanzwa, yakaparidzirwa chisikwa chega-chega chiri pasi pedenga; iyo yandakaitwa mushumiri wayo ini Pauro. If ye continue in the faith grounded and settled, and be not moved away from the hope of the gospel, which ye have heard, and which was preached to every creature which is under heaven; whereof I Paul am made a minister;
24 Zvino ikozvino ndinofara pamatambudziko angu nekuda kwenyu, nekuzadzisa zvakasara pamatambudziko aKristu munyama yangu nekuda kwemuviri wake, unova kereke; Who now rejoice in my sufferings for you, and fill up that which is behind of the afflictions of Christ in my flesh for his body’s sake, which is the church:
25 ini yandakaitwa mushumiri wayo zvichienderana nekubatiswa kwaMwari chandakapiwa pamusoro penyu, kuzadzisa shoko raMwari, Whereof I am made a minister, according to the dispensation of God which is given to me for you, to fulfil the word of God;
26 chakavanzika chakange chakavanzwa kubvira kare uye kubva kumazera, asi ikozvino chinoratidzwa kuvatsvene vake, Even the mystery which hath been hid from ages and from generations, but now is made manifest to his saints:
27 kune ivo Mwari vaakada kuzivisa kuti fuma yekubwinya kwechakavanzika ichi pakati pevahedheni chii, chinova Kristu mamuri, tariro yekubwinya; To whom God would make known what is the riches of the glory of this mystery among the Gentiles; which is Christ in you, the hope of glory:
28 watinoparidza isu, tichiyambira munhu umwe neumwe, nekudzidzisa munhu umwe neumwe munjere dzese, kuti tikumikidze munhu umwe neumwe akakwana muna Kristu Jesu; Whom we preach, warning every man, and teaching every man in all wisdom; that we may present every man perfect in Christ Jesus:
29 ndizvo zvandinoshingairirawo, ndichirwa zvinoenderana nekubata kwake kunobata mandiri nesimba. Whereunto I also labour, striving according to his working, which worketh in me mightily.

Shona Bible — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GFDL · 출처 ↗
King James Version — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GPL