골로새서 3장 Shona Bible
Shona Bible · 쇼나어 · 골로새서 (Colossians) · 25절 · 대역: King James Version
| 절 | Shona Bible | King James Version |
|---|---|---|
| 1 | Naizvozvo kana makamutswa pamwe naKristu, tsvakai zvekumusoro, uko kuna Kristu agere kuruoko rwerudyi rwaMwari. | If ye then be risen with Christ, seek those things which are above, where Christ sitteth on the right hand of God. |
| 2 | Rangarirai zviri kumusoro, kwete zviri panyika. | Set your affection on things above, not on things on the earth. |
| 3 | Nokuti makafa, uye upenyu hwenyu hwakavigwa pamwe naKristu muna Mwari. | For ye are dead, and your life is hid with Christ in God. |
| 4 | Kana Kristu upenyu hwedu achionekwa, ipapo imwiwo muchaonekwa pamwe naye mukubwinya. | When Christ, who is our life, shall appear, then shall ye also appear with him in glory. |
| 5 | Naizvozvo urayai mitezo yenyu iri panyika, upombwe, tsvina, kushumba kwakaipa, kuda zvakaipa, uye kuchiva, kunova kunamata zvifananidzo. | Mortify therefore your members which are upon the earth; fornication, uncleanness, inordinate affection, evil concupiscence, and covetousness, which is idolatry: |
| 6 | Nekuda kwezvinhu izvi, hasha dzaMwari dzinouya pavana vekusateerera; | For which things’ sake the wrath of God cometh on the children of disobedience: |
| 7 | imwiwo maimbofamba mazviri, pamairarama mazviri. | In the which ye also walked some time, when ye lived in them. |
| 8 | Asi ikozvino imwiwo bvisai zvese izvi, kutsamwa, hasha, uipi, kunyomba, nekutaura zvinonyadzisa kubva mumuromo wenyu; | But now ye also put off all these; anger, wrath, malice, blasphemy, filthy communication out of your mouth. |
| 9 | regai kureverana nhema, zvamakabvisa munhu wekare nemabasa ake, | Lie not one to another, seeing that ye have put off the old man with his deeds; |
| 10 | mukapfeka mutsva, anovandudzwa paruzivo semufananidzo wewakamusika; | And have put on the new man, which is renewed in knowledge after the image of him that created him: |
| 11 | apo pasina muGiriki uye muJudha, kudzingiswa uye kusadzingiswa, mutorwa, muSikitia, musungwa, wakasununguka; asi Kristu ndiye zvese, uye ari mune zvese. | Where there is neither Greek nor Jew, circumcision nor uncircumcision, Barbarian, Scythian, bond nor free: but Christ is all, and in all. |
| 12 | Naizvozvo pfekai sevasanangurwa vaMwari, vatsvene nevanodikanwa, moyo yetsitsi, moyo munyoro, kuzvininipisa, unyoro, nemoyo murefu; | Put on therefore, as the elect of God, holy and beloved, bowels of mercies, kindness, humbleness of mind, meekness, longsuffering; |
| 13 | muchiitirana moyo murefu, nekukanganwirana kana umwe ane mhosva neumwe; Kristu sezvaakakukanganwiraiwo, saizvozvowo imwi; | Forbearing one another, and forgiving one another, if any man have a quarrel against any: even as Christ forgave you, so also do ye. |
| 14 | zvino pamusoro pezvinhu zvese izvi pfekai rudo, ndicho chisungo chekupedzeredza. | And above all these things put on charity, which is the bond of perfectness. |
| 15 | Nerugare rwaMwari ngarwutonge mumoyo yenyu, ndirwo rwamakadanirwawo mumuviri mumwe; uye ivai vanovonga. | And let the peace of God rule in your hearts, to the which also ye are called in one body; and be ye thankful. |
| 16 | Shoko raKristu ngarigare mamuri neufumi muuchenjeri hwese; muchidzidzisana nekurairana mumapisarema, nenziyo, nenziyo dzemweya, muimbire Ishe nenyasha mumoyo wenyu; | Let the word of Christ dwell in you richly in all wisdom; teaching and admonishing one another in psalms and hymns and spiritual songs, singing with grace in your hearts to the Lord. |
| 17 | uye zvese chero chipi chamunoita pashoko kana pachiito, itai zvese muzita raIshe Jesu, muchivonga Mwari naBaba kubudikidza naye. | And whatsoever ye do in word or deed, do all in the name of the Lord Jesus, giving thanks to God and the Father by him. |
| 18 | Vakadzi zviisei pasi pevarume venyu pachenyu, sezvo zvakafanira muna Ishe. | Wives, submit yourselves unto your own husbands, as it is fit in the Lord. |
| 19 | Varume, idai vakadzi venyu, uye regai kuvavavira. | Husbands, love your wives, and be not bitter against them. |
| 20 | Vana, teererai vabereki pazvinhu zvese, nokuti izvi zvinofadza Ishe. | Children, obey your parents in all things: for this is well pleasing unto the Lord. |
| 21 | Madzibaba, musatsamwisa vana venyu, kuti varege kuora moyo. | Fathers, provoke not your children to anger, lest they be discouraged. |
| 22 | Varanda, teererai pazvinhu zvese vari vatenzi venyu panyama; kwete nekushandira maziso sevafadzi vevanhu, asi nemoyo wakarurama, muchitya Mwari; | Servants, obey in all things your masters according to the flesh; not with eyeservice, as menpleasers; but in singleness of heart, fearing God: |
| 23 | uye zvese kunyange chipi chamunoita, itai nemoyo, sekuna Ishe, uye kwete kuvanhu; | And whatsoever ye do, do it heartily, as to the Lord, and not unto men; |
| 24 | muchiziva kuti kuna Ishe muchagamuchira mubairo wenhaka; nokuti munoshandira Ishe Kristu. | Knowing that of the Lord ye shall receive the reward of the inheritance: for ye serve the Lord Christ. |
| 25 | Asi anoita zvisakarurama achagamuchira zvisakarurama zvaakaita; uye hakuna kusarurwa kwavanhu. | But he that doeth wrong shall receive for the wrong which he hath done: and there is no respect of persons. |
Shona Bible — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GFDL · 출처 ↗
King James Version — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GPL