로그인

빌립보서 4장 Shona Bible

Shona Bible · 쇼나어 · 빌립보서 (Philippians) · 23절 · 대역: King James Version

절Shona BibleKing James Version
1 Naizvozvo, hama dzangu vadikanwi vanoshuviwa, mufaro wangu nekorona, saizvozvo mirai nesimba muna Ishe, vadikanwi. Therefore, my brethren dearly beloved and longed for, my joy and crown, so stand fast in the Lord, my dearly beloved.
2 Ndinokumbirisa Yuodhia, uye ndinokumbirisa Sindike, kuti vave nemurangariro umwe muna Ishe. I beseech Euodias, and beseech Syntyche, that they be of the same mind in the Lord.
3 Uye ndinonyengerera iwewo, umwe wangu wechokwadi pabasa, batsira vanhukadzi vaya, vakabatirana neni paevhangeri, pamwe naKiremendi, nevamwe vakabata neni, mazita avo ari mubhuku reupenyu. And I intreat thee also, true yokefellow, help those women which laboured with me in the gospel, with Clement also, and with other my fellowlabourers, whose names are in the book of life.
4 Farai muna Ishe nguva dzese; ndinotizve: Farai. Rejoice in the Lord alway: and again I say, Rejoice.
5 Unyoro hwenyu ngahuzikanwe kuvanhu vese. Ishe ari pedo. Let your moderation be known unto all men. The Lord is at hand.
6 Musafunganya pamusoro pechinhu, asi pazvinhu zvese, nemunyengetero nemukumbiro nekuvonga, zvichemo zvenyu ngazvizikanwe kuna Mwari, Be careful for nothing; but in every thing by prayer and supplication with thanksgiving let your requests be made known unto God.
7 zvino rugare rwaMwari rwunopfuura kunzwisisa kwese, rwuchachengeta moyo yenyu nemifungo yenyu muna Kristu Jesu. And the peace of God, which passeth all understanding, shall keep your hearts and minds through Christ Jesus.
8 Pakupedzisira, hama, chese chechokwadi, chese chinokudzwa, chese chakarurama, chese chakachena, chese chinodikanwa, chese chinorumbidzwa, kana kunaka kupi nekupi, uye kana chingarumbidzwa chipi nechipi, fungai zvinhu izvi; Finally, brethren, whatsoever things are true, whatsoever things are honest, whatsoever things are just, whatsoever things are pure, whatsoever things are lovely, whatsoever things are of good report; if there be any virtue, and if there be any praise, think on these things.
9 nezvamakadzidza nekugamuchira nekunzwa nekuona mandiri, itai izvozvo; naMwari werugare achava nemwi. Those things, which ye have both learned, and received, and heard, and seen in me, do: and the God of peace shall be with you.
10 Asi ndakafara zvikuru muna Ishe, kuti ikozvino makatomutsiridzazve kundirangarira; kwamaindirangarirawo nako, asi makashaiwa mukana. But I rejoiced in the Lord greatly, that now at the last your care of me hath flourished again; wherein ye were also careful, but ye lacked opportunity.
11 Kwete kuti ndinotaura izvi nekuda kwekushaiwa, nokuti ini ndadzidza kugutsikana nezvinhu zvandiri. Not that I speak in respect of want: for I have learned, in whatsoever state I am, therewith to be content.
12 Ndinoziva zvese kuzvidzwa, uye ndinoziva kuva nezvakawandisa; papi nepapi nepazvinhu zvese ndakadzidziswa zvese kuguta nekunzwa nzara, zvese kuva nezvizhinjisa nekushaiwa. I know both how to be abased, and I know how to abound: every where and in all things I am instructed both to be full and to be hungry, both to abound and to suffer need.
13 Ndinogona kuita zvinhu zvese kubudikidza naKristu anondisimbisa. I can do all things through Christ which strengtheneth me.
14 Kunyange zvakadaro makaita zvakanaka zvamakabatana neni pakutambudzika kwangu. Notwithstanding ye have well done, that ye did communicate with my affliction.
15 Zvino munozivawo imwi VaFiripi, kuti pakutanga kweevhangeri, pandakabva kuMakedhonia, hapana kereke yakadyidzana neni pashoko rekupa nekugamuchira, asi imwi mega; Now ye Philippians know also, that in the beginning of the gospel, when I departed from Macedonia, no church communicated with me as concerning giving and receiving, but ye only.
16 nokuti kunyange paTesaronika makatumira kamwe nekupamha pakushaiwa kwangu. For even in Thessalonica ye sent once and again unto my necessity.
17 Kwete kuti ndinotsvaka chipo, asi ndinotsvaka chibereko chinowedzera kuchikwama chenyu. Not because I desire a gift: but I desire fruit that may abound to your account.
18 Zvino ndagamuchira zvese uye ndawanzirwa; ndaguta, ndagamuchira kuna Epafrodito zvinhu zvinobva kwamuri, hwema hwezvinonhuhwira, chibairo chinogamuchirwa, chinofadza Mwari. But I have all, and abound: I am full, having received of Epaphroditus the things which were sent from you, an odour of a sweet smell, a sacrifice acceptable, wellpleasing to God.
19 Asi Mwari wangu achazadzisa kushaiwa kwenyu kwese zvichienderana nefuma yake mukubwinya, muna Kristu Jesu. But my God shall supply all your need according to his riches in glory by Christ Jesus.
20 Zvino kuna Mwari naBaba vedu, ngakuve nekubwinya kusvikira rinhi narinhi. Ameni. Now unto God and our Father be glory for ever and ever. Amen.
21 Kwazisai mutsvene umwe neumwe muna Kristu Jesu. Hama dzineni dzinokukwazisai. Salute every saint in Christ Jesus. The brethren which are with me greet you.
22 Vatsvene vese vanokukwazisai, zvikuruwo avo veimba yaKesari. All the saints salute you, chiefly they that are of Cesar’s household.
23 Nyasha dzaIshe wedu Jesu Kristu ngadzive nemwi mese. Amen. The grace of our Lord Jesus Christ be with you all. Amen. It was written to the Philippians from Rome by Epaphroditus.

Shona Bible — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GFDL · 출처 ↗
King James Version — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GPL