고린도전서 7장 Shona Bible
Shona Bible · 쇼나어 · 고린도전서 (1 Corinthians) · 40절 · 대역: King James Version
| 절 | Shona Bible | King James Version |
|---|---|---|
| 1 | Zvino maererano nezvinhu zvamakandinyorera, ndinoti: Zvakanaka kumunhu kuti asabata mukadzi. | Now concerning the things whereof ye wrote unto me: It is good for a man not to touch a woman. |
| 2 | Asi nekuda kweupombwe, umwe neumwe ngaave nemukadzi wake pachake, nemukadzi umwe neumwe ngaave nemurume wake pachake. | Nevertheless, to avoid fornication, let every man have his own wife, and let every woman have her own husband. |
| 3 | Murume ngaaripire mukadzi chido chakafanira; nemukadzi saizvozvowo kumurume. | Let the husband render unto the wife due benevolence: and likewise also the wife unto the husband. |
| 4 | Mukadzi haana simba pamusoro pemuviri wake pachake, asi murume; uye saizvozvowo murume haana simba pamusoro pemuviri wake pachake, asi mukadzi. | The wife hath not power of her own body, but the husband: and likewise also the husband hath not power of his own body, but the wife. |
| 5 | Musanyimana, kunze kwekutenderana kwechinguva, kuti muzvipe kukutsanya nekunyengetera, mugosanganazve, kuti Satani arege kukuidzai pakusazvidzora kwenyu. | Defraud ye not one the other, except it be with consent for a time, that ye may give yourselves to fasting and prayer; and come together again, that Satan tempt you not for your incontinency. |
| 6 | Asi ndinotaura izvi nemvumo, kwete nemurairo. | But I speak this by permission, and not of commandment. |
| 7 | Nokuti ndinoda kuti dai vanhu vese vava seni; asi umwe neumwe ane chipo chake pachake chinobva kuna Mwari, umwe chakadai, umwewo chakadai. | For I would that all men were even as I myself. But every man hath his proper gift of God, one after this manner, and another after that. |
| 8 | Asi ndinoti kune vasina kuwana nekuchirikadzi: Zvakanaka kwavari kana vachigara seniwo. | I say therefore to the unmarried and widows, It is good for them if they abide even as I. |
| 9 | Asi kana vasina kuzvidzora, ngavawane; nokuti zviri nani kuwana pakutsva. | But if they cannot contain, let them marry: for it is better to marry than to burn. |
| 10 | Zvino kune vakawana ndinoraira, kwete ini, asi Ishe, kuti mukadzi arege kuparadzana nemurume. | And unto the married I command, yet not I, but the Lord, Let not the wife depart from her husband: |
| 11 | Asi kana iye achiparadzana naye, ngaarambe asina kuwanikwa, kana ayananiswe nemurume, nemurume ngaarege kurasa mukadzi. | But and if she depart, let her remain unmarried, or be reconciled to her husband: and let not the husband put away his wife. |
| 12 | Zvino kune vamwe ndini ndinotaura, kwete Ishe: Kana hama ipi ine mukadzi asingatendi, uye iye achifara kugara naye, ngaarege kumurasa. | But to the rest speak I, not the Lord: If any brother hath a wife that believeth not, and she be pleased to dwell with him, let him not put her away. |
| 13 | Nemukadzi ane murume asingatendi, uye iye achida hake kugara naye, ngaarege kumusiya. | And the woman which hath an husband that believeth not, and if he be pleased to dwell with her, let her not leave him. |
| 14 | Nokuti murume asingatendi anoitwa mutsvene nemukadzi, nemukadzi asingatendi anoitwa mutsvene nemurume. Kana zvisina kudaro vana venyu vaiva netsvina, asi zvino vatsvene. | For the unbelieving husband is sanctified by the wife, and the unbelieving wife is sanctified by the husband: else were your children unclean; but now are they holy. |
| 15 | Zvino kana asingatendi achizviparadzanisa, ngaazviparadzanise; hamarume kana hamakadzi haisungwi pane zvakadaro; asi Mwari wakatidanira murugare. | But if the unbelieving depart, let him depart. A brother or a sister is not under bondage in such cases: but God hath called us to peace. |
| 16 | Nokuti unoziva nei, mukadzi, kana uchaponesa murume? Kana unoziva nei, murume, kana uchaponesa mukadzi? | For what knowest thou, O wife, whether thou shalt save thy husband? or how knowest thou, O man, whether thou shalt save thy wife? |
| 17 | Chete Mwari sezvaakagovera kune umwe neumwe, Ishe sezvaakadana umwe neumwe, ngaafambe saizvozvo. Saizvozvowo ndinoraira pamakereke ese. | But as God hath distributed to every man, as the Lord hath called every one, so let him walk. And so ordain I in all churches. |
| 18 | Kune wakadanwa adzingiswa here? Ngaarege kuva asakadzingiswa. Kune wakadanwa asakadzingiswa here? Ngaaarege kudzingiswa. | Is any man called being circumcised? let him not become uncircumcised. Is any called in uncircumcision? let him not be circumcised. |
| 19 | Dzingiso hachisi chinhu, nekusadzingiswa hachisi chinhu, asi kuchengetwa kwemirairo yaMwari. | Circumcision is nothing, and uncircumcision is nothing, but the keeping of the commandments of God. |
| 20 | Umwe neumwe ngaagare mukudanwa kwaakadanwa makuri. | Let every man abide in the same calling wherein he was called. |
| 21 | Wakadanwa uri muranda here? Usazvidya moyo; asiwo kana ungasunungurwa, zviri nani uzvishandise. | Art thou called being a servant? care not for it: but if thou mayest be made free, use it rather. |
| 22 | Nokuti uyo wakadanwa muna Ishe ari nhapwa, wava musunungurwa waIshe; saizvozvowo uyo wakadanwa akasununguka, wava nhapwa yaKristu. | For he that is called in the Lord, being a servant, is the Lord’s freeman: likewise also he that is called, being free, is Christ’s servant. |
| 23 | Makatengwa nemutengo; musava varanda vevanhu. | Ye are bought with a price; be not ye the servants of men. |
| 24 | Umwe neumwe zvaakadanirwa, hama, ngaagare pazviri anaMwari. | Brethren, let every man, wherein he is called, therein abide with God. |
| 25 | Asi maererano nemhandara handina murairo waIshe; asi ndinopa maonero angu sewakawana tsitsi naIshe kuva wakatendeka. | Now concerning virgins I have no commandment of the Lord: yet I give my judgment, as one that hath obtained mercy of the Lord to be faithful. |
| 26 | Naizvozvo ndinofunga kuti izvi zvakanaka nekuda kwematambudziko aripo, kuti zvakanakira munhu kuti adai. | I suppose therefore that this is good for the present distress, I say, that it is good for a man so to be. |
| 27 | Wakasungirirwa kumukadzi here? Usatsvaka kusunungurwa. Wakasunungurwa kubva kumukadzi here? Usatsvaka mukadzi. | Art thou bound unto a wife? seek not to be loosed. Art thou loosed from a wife? seek not a wife. |
| 28 | Asi zvino kana wawana, hauna kutadza; nemhandara kana yawanikwa, haina kutadza. Asi vakadaro vachava nedambudziko panyama; asi ini ndinoda kukutavirirai. | But and if thou marry, thou hast not sinned; and if a virgin marry, she hath not sinned. Nevertheless such shall have trouble in the flesh: but I spare you. |
| 29 | Asi ndinozvitaura izvi, hama, kuti nguva ipfupi; kubva ikozvino nevane vakadzi ngavave sevasina; | But this I say, brethren, the time is short: it remaineth, that both they that have wives be as though they had none; |
| 30 | nevanochema, sevasingachemi; nevanofara, sevasingafari; nevanotenga, sevasina chinhu; | And they that weep, as though they wept not; and they that rejoice, as though they rejoiced not; and they that buy, as though they possessed not; |
| 31 | nevanoshandisa nyika ino, sevasingaishandisi kwazvo; nokuti chimiro chenyika ino chinopfuura. | And they that use this world, as not abusing it: for the fashion of this world passeth away. |
| 32 | Asi ndinoda kuti murege kuva nekufunganya. Asina kuwana anofunganya zvinhu zvaIshe, kuti angafadza Ishe sei; | But I would have you without carefulness. He that is unmarried careth for the things that belong to the Lord, how he may please the Lord: |
| 33 | asi wakawana anofunganya zvinhu zvenyika, kuti angafadza mukadzi sei. | But he that is married careth for the things that are of the world, how he may please his wife. |
| 34 | Mukadzi wakasiyaniswa nemhandara. Asina kuwanikwa anofunganya zvinhu zvaIshe, kuti ave mutsvene zvese pamuviri nepamweya; asi uyo wakawanikwa anofunganya zvinhu zvenyika, kuti angafadza murume sei. | There is difference also between a wife and a virgin. The unmarried woman careth for the things of the Lord, that she may be holy both in body and in spirit: but she that is married careth for the things of the world, how she may please her husband. |
| 35 | Izvi ndinotaurira rubatsiro rwenyu pachenyu; kwete kuti ndikande musungo pamusoro penyu, asi zvakafanira nekunamatira pana Ishe musingapinganidzwi. | And this I speak for your own profit; not that I may cast a snare upon you, but for that which is comely, and that ye may attend upon the Lord without distraction. |
| 36 | Asi kana umwe achifunga kuti anozvibata zvisakafanira kumhandara yake, iyo yakurisa, uye zvakafanira kuti zviitike saizvozvo, ngaaite zvaanoda, haatadzi; ngavawanane. | But if any man think that he behaveth himself uncomely toward his virgin, if she pass the flower of her age, and need so require, let him do what he will, he sinneth not: let them marry. |
| 37 | Asi anomira akasimba mumoyo, asingamanikidzwi chinhu, uye ane simba pamusoro pechido chake pachake, akatema izvi mumoyo make kuti achachengeta mhandara yake, anoita zvakanaka. | Nevertheless he that standeth stedfast in his heart, having no necessity, but hath power over his own will, and hath so decreed in his heart that he will keep his virgin, doeth well. |
| 38 | Naizvozvowo uyo anowananisa anoita zvakanaka; asi asingawananisi anoita zviri nani. | So then he that giveth her in marriage doeth well; but he that giveth her not in marriage doeth better. |
| 39 | Mukadzi wakasungwa nemurairo nguva dzese murume wake achirarama; asi kana murume wake afa, wasununguka kuwanikwa newaanoda, muna Ishe chete. | The wife is bound by the law as long as her husband liveth; but if her husband be dead, she is at liberty to be married to whom she will; only in the Lord. |
| 40 | Asi anganyanya kufara kana achigara akadaro, pakufunga kwangu; uye ndinofunga kuti neni ndine Mweya waMwari. | But she is happier if she so abide, after my judgment: and I think also that I have the Spirit of God. |
Shona Bible — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GFDL · 출처 ↗
King James Version — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GPL