고린도전서 8장 Shona Bible
Shona Bible · 쇼나어 · 고린도전서 (1 Corinthians) · 13절 · 대역: King James Version
| 절 | Shona Bible | King James Version |
|---|---|---|
| 1 | Zvino maererano nezvakabairwa zvifananidzo, tinoziva kuti tese tine ruzivo. Ruzivo rwunotutumadza, asi rudo rwunovaka. | Now as touching things offered unto idols, we know that we all have knowledge. Knowledge puffeth up, but charity edifieth. |
| 2 | Uye kana ani nani achifunga kuti anoziva chinhu, haasati aziva chinhu sezvaanofanira kuziva; | And if any man think that he knoweth any thing, he knoweth nothing yet as he ought to know. |
| 3 | asi kana ani achida Mwari, ndiye anozikanwa naye. | But if any man love God, the same is known of him. |
| 4 | Naizvozvo maererano nekudya zvinhu zvakabairwa zvifananidzo, tinoziva kuti chifananidzo hachisi chinhu panyika, uye kuti hakuna umwe Mwari kunze kweumwe. | As concerning therefore the eating of those things that are offered in sacrifice unto idols, we know that an idol is nothing in the world, and that there is none other God but one. |
| 5 | Nokuti kunyange varipo vanonzi vamwari, kana kudenga, kana panyika (sezvavaripo vamwari vazhinji, nemadzishe mazhinji), | For though there be that are called gods, whether in heaven or in earth, (as there be gods many, and lords many,) |
| 6 | asi kwatiri kuna Mwari umwe, Baba, zvinhu zvese zvinouya naye, nesu tiri maari; naIshe umwe, Jesu Kristu, zvinhu zvese zviripo nekuda kwake, nesu tiripo naye. | But to us there is but one God, the Father, of whom are all things, and we in him; and one Lord Jesus Christ, by whom are all things, and we by him. |
| 7 | Asi ruzivo harwuko kwavari vese; nokuti vamwe vane hana yechifananidzo kusvikira ikozvino, vanodya sezvakabairwa chifananidzo; nehana yavo isina simba inoshatiswa. | Howbeit there is not in every man that knowledge: for some with conscience of the idol unto this hour eat it as a thing offered unto an idol; and their conscience being weak is defiled. |
| 8 | Zvino kudya hakutiswededzi kuna Mwari; kwete nokuti kana tichidya, tinowanzirwa; uye kwete kuti kana tisingadyi, tinoshaiwa. | But meat commendeth us not to God: for neither, if we eat, are we the better; neither, if we eat not, are we the worse. |
| 9 | Zvino chenjerai, zvimwe kodzero yenyu iyi ive chigumbuso kune avo vasina simba. | But take heed lest by any means this liberty of yours become a stumblingblock to them that are weak. |
| 10 | Nokuti kana umwe achikuona iwe ane ruzivo ugere pakudya mutembere yechifananidzo, hana yeasina simba haingatsungiswi kuti adye izvo zvakabairwa zvifananidzo here? | For if any man see thee which hast knowledge sit at meat in the idol’s temple, shall not the conscience of him which is weak be emboldened to eat those things which are offered to idols; |
| 11 | Uye neruzivo rwako hama isina simba ichaparara here, Kristu yaakafira? | And through thy knowledge shall the weak brother perish, for whom Christ died? |
| 12 | Zvino kana muchitadzira hama saizvozvo, muchikuvadza hana yavo isina simba, munotadzira Kristu. | But when ye sin so against the brethren, and wound their weak conscience, ye sin against Christ. |
| 13 | Naizvozvo kana kudya kuchigumbusa hama yangu, handingatongodyi nyama kusvikira narinhi, kuti ndirege kugumbusa hama yangu. | Wherefore, if meat make my brother to offend, I will eat no flesh while the world standeth, lest I make my brother to offend. |
Shona Bible — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GFDL · 출처 ↗
King James Version — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GPL