로그인

고린도전서 6장 Shona Bible

Shona Bible · 쇼나어 · 고린도전서 (1 Corinthians) · 20절 · 대역: King James Version

절Shona BibleKing James Version
1 Umwe wenyu anoti ane mhosva neumwe unotsunga kutongwa pamberi pevasakarurama uye pasiri pamberi pevatsvene here? Dare any of you, having a matter against another, go to law before the unjust, and not before the saints?
2 Hamuzivi here kuti vatsvene vachatonga nyika? Zvino kana nyika ichizotongwa nemwi, hamuna kufanira kutonga mhosva diki-diki here? Do ye not know that the saints shall judge the world? and if the world shall be judged by you, are ye unworthy to judge the smallest matters?
3 Hamuzivi here kuti tichatonga vatumwa? Zvikuru sei zveupenyu huno? Know ye not that we shall judge angels? how much more things that pertain to this life?
4 Naizvozvo kana mune mhosva dzezvinhu zveupenyu huno, vagadzei avo vanozvidzwa pakereke vatonge. If then ye have judgments of things pertaining to this life, set them to judge who are least esteemed in the church.
5 Ndinotaura kuti munyare. Naizvozvo hakuna munhu wakachenjera pakati penyu here, kana neumwe, angagona kutonga pakati pehama dzake? I speak to your shame. Is it so, that there is not a wise man among you? no, not one that shall be able to judge between his brethren?
6 Asi hama inomhan'arira hama, uye izvi achizviita pamberi pevasingatendi. But brother goeth to law with brother, and that before the unbelievers.
7 Zvino naizvozvo patova nekukundikana kwazvo pakati penyu, kuti munomhan'arirana. Munoregerei kutenda kutadzirwa pakudaro? Munoregerei kutenda kubiridzirwa pakudaro? Now therefore there is utterly a fault among you, because ye go to law one with another. Why do ye not rather take wrong? why do ye not rather suffer yourselves to be defrauded?
8 Asi imwi munotadza nekubiridzira, uye izvi munozviita kuhama. Nay, ye do wrong, and defraud, and that your brethren.
9 Kana hamuzivi here kuti vasakarurama havazogari nhaka yeushe hwaMwari? Musatsauswa; hakuna mhombwe, kana vanamati vezvifananidzo, kana zvifeve, kana vakapata paungochani, kana vanorara nevamwe varume, Know ye not that the unrighteous shall not inherit the kingdom of God? Be not deceived: neither fornicators, nor idolaters, nor adulterers, nor effeminate, nor abusers of themselves with mankind,
10 kana mbavha, kana vachivi, kana vararadzi, kana vatuki, kana vapambi, vachagara nhaka yeushe hwaMwari. Nor thieves, nor covetous, nor drunkards, nor revilers, nor extortioners, shall inherit the kingdom of God.
11 Uye vamwe venyu vakange vari izvozvi; asi makashambidzwa, asi makaitwa vatsvene, asi makanzi makarurama muzita raIshe Jesu, uye neMweya waMwari wedu. And such were some of you: but ye are washed, but ye are sanctified, but ye are justified in the name of the Lord Jesus, and by the Spirit of our God.
12 Zvinhu zvese zviri pamutemo kwandiri, asi hazvisi zvinhu zvese zvinobatsira; zvinhu zvese zviri pamutemo kwandiri, asi ini handizotongwi nechinhu. All things are lawful unto me, but all things are not expedient: all things are lawful for me, but I will not be brought under the power of any.
13 Kudya ndekwedumbu, nedumbu nderezvekudya; asi Mwari achaparadza zviri zviviri iro naizvo. Zvino muviri hausi weupombwe, asi waIshe, naIshe ndevemuviri. Meats for the belly, and the belly for meats: but God shall destroy both it and them. Now the body is not for fornication, but for the Lord; and the Lord for the body.
14 Uye Mwari wakamutsa Ishewo achatimutsa nesu nesimba rake. And God hath both raised up the Lord, and will also raise up us by his own power.
15 Hamuzivi here kuti miviri yenyu mitezo yaKristu? Zvino ndichatora mitezo yaKristu ndikaita mitezo yechifeve here? Ngazvisadaro! Know ye not that your bodies are the members of Christ? shall I then take the members of Christ, and make them the members of an harlot? God forbid.
16 Kana hamuzivi kuti anobatanidzwa nechifeve wava muviri umwe nacho here? Nokuti ava vaviri, anoti, vachava nyama imwe. What? know ye not that he which is joined to an harlot is one body? for two, saith he, shall be one flesh.
17 Asi anobatanidzwa naIshe wava mweya umwe naye. But he that is joined unto the Lord is one spirit.
18 Tizai upombwe. Chivi chese munhu chaanoita chiri kunze kwemuviri; asi anoita upombwe anotadzira muviri wake amene. Flee fornication. Every sin that a man doeth is without the body; but he that committeth fornication sinneth against his own body.
19 Kana hamuzivi here kuti muviri wenyu itembere yaMweya Mutsvene ari mamuri, wamunaye achibva kuna Mwari, uye imwi hamusi venyu? What? know ye not that your body is the temple of the Holy Ghost which is in you, which ye have of God, and ye are not your own?
20 Nokuti makatengwa nemutengo; naizvozvo rumbidzai Mwari mumuviri wenyu, uye mumweya wenyu, zviri zvaMwari. For ye are bought with a price: therefore glorify God in your body, and in your spirit, which are God’s.

Shona Bible — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GFDL · 출처 ↗
King James Version — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GPL