로그인

고린도전서 5장 Shona Bible

Shona Bible · 쇼나어 · 고린도전서 (1 Corinthians) · 13절 · 대역: King James Version

절Shona BibleKing James Version
1 Zvinonzwikwa chose kuti upombwe huripo pakati penyu, uye upombwe hwakadaro husingataurwi kunyange pakati pevahedheni, zvekuti umwe ave nemukadzi wababa vake. It is reported commonly that there is fornication among you, and such fornication as is not so much as named among the Gentiles, that one should have his father’s wife.
2 Asi imwi munozvikudza, uye pachinzvimbo chaizvozvo hamuna kuchema, kuti wakaita chiito ichi abviswe pakati penyu. And ye are puffed up, and have not rather mourned, that he that hath done this deed might be taken away from among you.
3 Nokuti iniwo zvirokwazvo, sendisipo pamuviri, asi ndiripo pamweya ndatogura zveuyo wakaita chiito chakadai ichi, sendinenge ndiripo, For I verily, as absent in body, but present in spirit, have judged already, as though I were present, concerning him that hath so done this deed,
4 muzita raIshe wedu Jesu Kristu, maungana nemweya wangu nesimba raIshe wedu Jesu Kristu, In the name of our Lord Jesus Christ, when ye are gathered together, and my spirit, with the power of our Lord Jesus Christ,
5 kukumikidza wakadai kuna Satani mukuparadzwa kwenyama, kuti mweya uponeswe pazuva raIshe Jesu. To deliver such an one unto Satan for the destruction of the flesh, that the spirit may be saved in the day of the Lord Jesus.
6 Kuzvikudza kwenyu hakuna kunaka. Hamuzivi here kuti mbiriso shoma inovirisa mukanyiwa wese? Your glorying is not good. Know ye not that a little leaven leaveneth the whole lump?
7 Naizvozvo sukai kwazvo mbiriso yekare, kuti muve mukanyiwa mutsva, sezvamusina kuiswa mbiriso. Nokuti nepasika yedu yakabairwa isu, iye Kristu. Purge out therefore the old leaven, that ye may be a new lump, as ye are unleavened. For even Christ our passover is sacrificed for us:
8 Saka ngatichengetedze mutambo, kwete nembiriso yekare, kana nembiriso yekuipa nekutadza; asi nechingwa chisina mbiriso chakatendeka nechechokwadi. Therefore let us keep the feast, not with old leaven, neither with the leaven of malice and wickedness; but with the unleavened bread of sincerity and truth.
9 Ndakakunyorerai mutsamba kuti musafambidzana nemhombwe; I wrote unto you in an epistle not to company with fornicators:
10 asi kwete zvakazara nemhombwe dzenyika ino, kana nevachivi, kana nevapambi, kana vanonamata zvifananidzo, nokuti kana zvakadaro zvingafanira kuti mubude munyika. Yet not altogether with the fornicators of this world, or with the covetous, or extortioners, or with idolaters; for then must ye needs go out of the world.
11 Asi ikozvino ndakunyorerai kuti murege kufambidzana, kana munhu achiidzwa hama ari mhombwe, kana muchivi, kana munamati wezvifananidzo, kana mutuki, kana muraradzi, kana mupambi; musatongodya newakadai. But now I have written unto you not to keep company, if any man that is called a brother be a fornicator, or covetous, or an idolater, or a railer, or a drunkard, or an extortioner; with such an one no not to eat.
12 Nokuti ini ndinei nekutongawo vari kunze? Imwi hamutongi vari mukati here? For what have I to do to judge them also that are without? do not ye judge them that are within?
13 Asi avo vari kunze Mwari anotonga. Uye dzingai wakaipa abve pakati penyu pachenyu. But them that are without God judgeth. Therefore put away from among yourselves that wicked person.

Shona Bible — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GFDL · 출처 ↗
King James Version — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GPL