로그인

고린도전서 2장 Shona Bible

Shona Bible · 쇼나어 · 고린도전서 (1 Corinthians) · 16절 · 대역: King James Version

절Shona BibleKing James Version
1 Zvino ini, hama, pakusvika kwangu kwamuri, handina kusvika neunyanzvi hweshoko kana hwenjere, ndichiparidza kwamuri uchapupu hwaMwari. And I, brethren, when I came to you, came not with excellency of speech or of wisdom, declaring unto you the testimony of God.
2 Nokuti ndakagura kuti ndisaziva chinhu pakati penyu, kunze kwaJesu Kristu, naiye wakarovererwa pamuchinjikwa. For I determined not to know any thing among you, save Jesus Christ, and him crucified.
3 Uye ini ndakange ndinemwi muutera nemukutya nemukudedera kukuru. And I was with you in weakness, and in fear, and in much trembling.
4 Neshoko rangu nemharidzo yangu hazvina kuva nemashoko ekugombedzera enjere dzevanhu, asi mukuratidza kweMweya nekwesimba; And my speech and my preaching was not with enticing words of man’s wisdom, but in demonstration of the Spirit and of power:
5 kuti rutendo rwenyu rwurege kuva munjere dzevanhu, asi musimba raMwari. That your faith should not stand in the wisdom of men, but in the power of God.
6 Asi njere tinodzitaura pakati pevakakwana, asi njere dzisati dziri dzenyika ino, kana dzevatongi venyika ino, vanozoshaiswa maturo; Howbeit we speak wisdom among them that are perfect: yet not the wisdom of this world, nor of the princes of this world, that come to nought:
7 asi tinotaura njere dzaMwari muchakavanzika, dzakavigwa, Mwari dzaakagara agadza nyika isati yavapo dzive kubwinya kwedu; But we speak the wisdom of God in a mystery, even the hidden wisdom, which God ordained before the world unto our glory:
8 dzisina umwe wevatongi venyika ino wakaziva; nokuti dai vakaziva, vangadai vasina kuroverera pamuchinjikwa Ishe wekubwinya. Which none of the princes of this world knew: for had they known it, they would not have crucified the Lord of glory.
9 Asi sezvazvakanyorwa zvichinzi: Izvo ziso zvarisina kuona, nenzeve zvaisina kunzwa, nezvisina kupinda mumoyo wemunhu, izvo Mwari zvaakagadzirira vanomuda. But as it is written, Eye hath not seen, nor ear heard, neither have entered into the heart of man, the things which God hath prepared for them that love him.
10 Asi Mwari wakazarurira isu neMweya wake; nokuti Mweya unonzvera zvinhu zvese, kunyange zvinhu zvakadzika zvaMwari. But God hath revealed them unto us by his Spirit: for the Spirit searcheth all things, yea, the deep things of God.
11 Nokuti ndiani pavanhu anoziva zvemunhu, kunze kwemweya wemunhu uri maari? Saizvozvowo zvaMwari hakuna munhu anoziva, kunze kweMweya waMwari. For what man knoweth the things of a man, save the spirit of man which is in him? even so the things of God knoweth no man, but the Spirit of God.
12 Nesu hatina kugamuchira mweya wenyika, asi Mweya unobva kuna Mwari, kuti tizive zvinhu zvatinopiwa pachena naMwari; Now we have received, not the spirit of the world, but the spirit which is of God; that we might know the things that are freely given to us of God.
13 zvatinotaurawo, kwete mumashoko njere dzevanhu adzinodzidzisa, asi Mweya Mutsvene waanodzidzisa, tichienzanisa zvemweya nezvemweya. Which things also we speak, not in the words which man’s wisdom teacheth, but which the Holy Ghost teacheth; comparing spiritual things with spiritual.
14 Asi munhu wechisikirwo haagamuchiri zvinhu zveMweya waMwari; nokuti upenzi kwaari, uye haagoni kunzwisisa, nokuti zvinonzverwa pamweya. But the natural man receiveth not the things of the Spirit of God: for they are foolishness unto him: neither can he know them, because they are spiritually discerned.
15 Asi wemweya anonzvera zvinhu zvese, asi iye haanzverwi nemunhu. But he that is spiritual judgeth all things, yet he himself is judged of no man.
16 Nokuti ndiani wakaziva fungwa yaIshe, kuti amuraire? Asi isu tine fungwa yaKristu. For who hath known the mind of the Lord, that he may instruct him? But we have the mind of Christ.

Shona Bible — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GFDL · 출처 ↗
King James Version — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GPL