고린도전서 3장 Shona Bible
Shona Bible · 쇼나어 · 고린도전서 (1 Corinthians) · 23절 · 대역: King James Version
| 절 | Shona Bible | King James Version |
|---|---|---|
| 1 | Zvino ini, hama, ndakange ndisingagoni kutaura nemwi sekune veMweya, asi sekune venyama, sekune vacheche muna Kristu. | And I, brethren, could not speak unto you as unto spiritual, but as unto carnal, even as unto babes in Christ. |
| 2 | Ndakakunwisai mukaka, uye kwete kudya kukukutu; nokuti makange musati mogona kudya, asi naikozvino hamusati mogona; | I have fed you with milk, and not with meat: for hitherto ye were not able to bear it, neither yet now are ye able. |
| 3 | nokuti muchiri venyama; nokuti zvapachine godo pakati penyu, negakava nekupatsanurana, hamusi venyama, muchifamba zvinoenderana nemunhu here? | For ye are yet carnal: for whereas there is among you envying, and strife, and divisions, are ye not carnal, and walk as men? |
| 4 | Nokuti kana umwe achiti: Ini ndiri waPauro, neumwe achiti: Ini waAporo, hamusi venyama here? | For while one saith, I am of Paul; and another, I am of Apollos; are ye not carnal? |
| 5 | Ko Pauro chii, naAporo chii, asi vabati vamakatenda kubudikidza navo, Ishe sezvaanopawo umwe neumwe? | Who then is Paul, and who is Apollos, but ministers by whom ye believed, even as the Lord gave to every man? |
| 6 | Ini ndakadzvara, Aporo wakadiridza, asi Mwari wakakurisa. | I have planted, Apollos watered; but God gave the increase. |
| 7 | Naizvozvo anodzvara haasi chinhu, kana anodiridza, asi Mwari anokudza. | So then neither is he that planteth any thing, neither he that watereth; but God that giveth the increase. |
| 8 | Zvino anodzvara neanodiridza ndevamwe; asi umwe neumwe achagamuchira mubairo wake zvichienderana nebasa rake. | Now he that planteth and he that watereth are one: and every man shall receive his own reward according to his own labour. |
| 9 | Nokuti tiri vashandi vaMwari pamwe naye; muri munda waMwari, chivakwa chaMwari. | For we are labourers together with God: ye are God’s husbandry, ye are God’s building. |
| 10 | Zvichienderana nenyasha dzaMwari dzakapiwa kwandiri, semuvaki nyanzvi wakachenjera ndakaronga nheyo, uye umwe anovaka pamusoro payo. Asi umwe neumwe ngaachenjerere kuti anovaka sei pamusoro payo. | According to the grace of God which is given unto me, as a wise masterbuilder, I have laid the foundation, and another buildeth thereon. But let every man take heed how he buildeth thereupon. |
| 11 | Nokuti hakuna umwe anogona kuisa imwe nheyo kunze kweiyo yakaiswa, inova Jesu Kristu. | For other foundation can no man lay than that is laid, which is Jesus Christ. |
| 12 | Zvino kana umwe achivaka pamusoro penheyo iyi, goridhe, sirivheri, mabwe anokosha, matanda, uswa, mashanga, | Now if any man build upon this foundation gold, silver, precious stones, wood, hay, stubble; |
| 13 | basa reumwe neumwe richaratidzwa; nokuti zuva richazvibudisa pachena, nokuti richazarurwa mumoto; uye moto uchaidza basa reumwe neumwe kuti rakadini. | Every man’s work shall be made manifest: for the day shall declare it, because it shall be revealed by fire; and the fire shall try every man’s work of what sort it is. |
| 14 | Kana basa raani nani raakavaka pamusoro payo richigara, achagamuchira mubairo. | If any man’s work abide which he hath built thereupon, he shall receive a reward. |
| 15 | Kana basa raani nani richizopiswa, acharasikirwa; asi iye amene achaponeswa, asi saizvozvo sewakabuda nemumoto. | If any man’s work shall be burned, he shall suffer loss: but he himself shall be saved; yet so as by fire. |
| 16 | Hamuzivi here kuti muri tembere yaMwari, uye Mweya waMwari unogara mamuri? | Know ye not that ye are the temple of God, and that the Spirit of God dwelleth in you? |
| 17 | Kana ani nani achiparadza tembere yaMwari, Mwari achamuparadza iye; nokuti tembere yaMwari itsvene, yamuri imwi. | If any man defile the temple of God, him shall God destroy; for the temple of God is holy, which temple ye are. |
| 18 | Ngakurege kuva neanozvinyengera; kana umwe pakati penyu achifunga kuti wakachenjera panyika ino, ngaave benzi, kuti ave wakachenjera. | Let no man deceive himself. If any man among you seemeth to be wise in this world, let him become a fool, that he may be wise. |
| 19 | Nokuti uchenjeri hwenyika ino upenzi kuna Mwari. Nokuti kwakanyorwa kuchinzi: Anobata vakachenjera paumhare hwavo; | For the wisdom of this world is foolishness with God. For it is written, He taketh the wise in their own craftiness. |
| 20 | uyezve: Ishe anoziva ndangariro dzevakachenjera, kuti hadzina maturo. | And again, The Lord knoweth the thoughts of the wise, that they are vain. |
| 21 | Naizvozvo ngakurege kuva neanozvikudza nevanhu; nokuti zvinhu zvese ndezvenyu, | Therefore let no man glory in men. For all things are yours; |
| 22 | kana Pauro, kana Aporo, kana Kefasi, kana nyika, kana upenyu, kana rufu, kana zvinhu zviripo, kana zvinhu zvinouya; zvese ndezvenyu, | Whether Paul, or Apollos, or Cephas, or the world, or life, or death, or things present, or things to come; all are yours; |
| 23 | uye imwi muri vaKristu, naKristu ndewaMwari. | And ye are Christ’s; and Christ is God’s. |
Shona Bible — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GFDL · 출처 ↗
King James Version — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GPL