고린도전서 13장 Shona Bible
Shona Bible · 쇼나어 · 고린도전서 (1 Corinthians) · 13절 · 대역: King James Version
| 절 | Shona Bible | King James Version |
|---|---|---|
| 1 | Kana ndikataura nendimi dzevanhu nedzevatumwa, asi ndisina rudo, ndava dare rinorira kana ndarira inoungudza. | Though I speak with the tongues of men and of angels, and have not charity, I am become as sounding brass, or a tinkling cymbal. |
| 2 | Uye kana ndine chiporofita, uye ndichinzwisisa zvakavanzika zvese neruzivo rwese, uye kana ndine rutendo rwese, zvekuti ndibvise makomo, asi ndisina rudo, handisi chinhu. | And though I have the gift of prophecy, and understand all mysteries, and all knowledge; and though I have all faith, so that I could remove mountains, and have not charity, I am nothing. |
| 3 | Uye kana ndagovera varombo zvinhu zvangu zvese, uye kana ndikagamuchidza muviri wangu kuti ndipiswe, asi ndisina rudo, hazvindibatsiri chinhu. | And though I bestow all my goods to feed the poor, and though I give my body to be burned, and have not charity, it profiteth me nothing. |
| 4 | Rudo rwune moyo murefu, rwune unyoro; rudo harwuna godo; rudo harwuzvikudzi, harwututumadzwi, | Charity suffereth long, and is kind; charity envieth not; charity vaunteth not itself, is not puffed up, |
| 5 | harwuzvibati zvisakafanira, harwuzvitsvakiri zvarwo, harwudenhwi, harwurangariri zvakaipa; | Doth not behave itself unseemly, seeketh not her own, is not easily provoked, thinketh no evil; |
| 6 | harwufari nekusarurama, asi rwunofara muchokwadi; | Rejoiceth not in iniquity, but rejoiceth in the truth; |
| 7 | rwunofukidza zvese, rwunotenda zvese, rwunotarisira zvese, rwunotsungirira pazvese. | Beareth all things, believeth all things, hopeth all things, endureth all things. |
| 8 | Rudo harwutongoperi. Zvino kana zviri zviporofita, zvichashaiswa basa; kana dziri ndimi, dzichaguma; kana rwuri ruzivo, rwuchashaiswa basa. | Charity never faileth: but whether there be prophecies, they shall fail; whether there be tongues, they shall cease; whether there be knowledge, it shall vanish away. |
| 9 | Nokuti tinoziva muchidimbu, uye tinoporofita muchidimbu; | For we know in part, and we prophesy in part. |
| 10 | asi kana zvakazara zvasvika, ipapo zviri muchidimbu zvichashayiswa maturo. | But when that which is perfect is come, then that which is in part shall be done away. |
| 11 | Pandakange ndiri mucheche, ndaitaura semucheche, ndainzwisisa semucheche, ndaifunga semucheche; asi pandakava murume, ndakashaisa maturo zveucheche. | When I was a child, I spake as a child, I understood as a child, I thought as a child: but when I became a man, I put away childish things. |
| 12 | Nokuti ikozvino tinoona nepachionioni madzedzerera; asi nenguva iyo tichaona zviso nezviso; ikozvino ndinoziva muchidimbu, asi ipapo ndichaziva sezvandakazikanwawo ini. | For now we see through a glass, darkly; but then face to face: now I know in part; but then shall I know even as also I am known. |
| 13 | Ikozvinowo rutendo, tariro, rudo, zvitatu izvi ndizvo zvinogara; asi chikuru chezvizvi rudo. | And now abideth faith, hope, charity, these three; but the greatest of these is charity. |
Shona Bible — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GFDL · 출처 ↗
King James Version — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GPL