고린도전서 12장 Shona Bible
Shona Bible · 쇼나어 · 고린도전서 (1 Corinthians) · 31절 · 대역: King James Version
| 절 | Shona Bible | King James Version |
|---|---|---|
| 1 | Zvino maererano nezvipo zveMweya, hama, handidi kuti musaziva. | Now concerning spiritual gifts, brethren, I would not have you ignorant. |
| 2 | Munoziva kuti maiva vahedheni muchikweverwa kuzvifananidzo mbeveve, sevanotungamirirwa. | Ye know that ye were Gentiles, carried away unto these dumb idols, even as ye were led. |
| 3 | Saka ndinokuzivisai, kuti hakuna munhu anotaura neMweya waMwari anoti: Jesu ndichakatukwa; uye hakuna munhu angati: Jesu ndiIshe, kunze neMweya Mutsvene. | Wherefore I give you to understand, that no man speaking by the Spirit of God calleth Jesus accursed: and that no man can say that Jesus is the Lord, but by the Holy Ghost. |
| 4 | Zvino kune marudzi akasiyana ezvipo, asi Mweya ndeumwe. | Now there are diversities of gifts, but the same Spirit. |
| 5 | Uye kune marudzi akasiyana eushumiri, asi Ishe mumwe. | And there are differences of administrations, but the same Lord. |
| 6 | Kune marudzi akasiyana emabasa, asi ndiMwari umwe, anobata zvese mune vese. | And there are diversities of operations, but it is the same God which worketh all in all. |
| 7 | Asi umwe neumwe anopiwa kuratidza kweMweya kune zvinobatsira. | But the manifestation of the Spirit is given to every man to profit withal. |
| 8 | Nokuti kune umwe kunopiwa neMweya shoko reuchenjeri, nekune umwe shoko reruzivo, neMweya iwoyu; | For to one is given by the Spirit the word of wisdom; to another the word of knowledge by the same Spirit; |
| 9 | nekune umwe rutendo, neMweya iwoyu, nekune umwe zvipo zvekuporesa, neMweya iwoyu; | To another faith by the same Spirit; to another the gifts of healing by the same Spirit; |
| 10 | nekune umwe kuita mabasa esimba, nekune umwe chiporofita, nekune umwe kupatsanura mweya, nekune umwe marudzi endimi, nekune umwe kududzira ndimi; | To another the working of miracles; to another prophecy; to another discerning of spirits; to another divers kinds of tongues; to another the interpretation of tongues: |
| 11 | asi izvi zvese Mweya iwoyu umwe unozviita, unogovera umwe neumwe pachake sezvaanoda. | But all these worketh that one and the selfsame Spirit, dividing to every man severally as he will. |
| 12 | Nokuti muviri sezvauri umwe, uye une mitezo mizhinji, nemitezo yese yemuviri uyu umwe, kunyange iri mizhinji, muviri ndeumwe; wakadarowo Kristu. | For as the body is one, and hath many members, and all the members of that one body, being many, are one body: so also is Christ. |
| 13 | Nokutiwo neMweya umwe isu tese takabhabhatidzirwa mumuviri umwe, kana VaJudha kana VaGiriki, kana varanda kana vakasununguka; tesewo takanwiswa paMweya umwe. | For by one Spirit are we all baptized into one body, whether we be Jews or Gentiles, whether we be bond or free; and have been all made to drink into one Spirit. |
| 14 | Nokutiwo muviri hausi mutezo umwe asi mizhinji. | For the body is not one member, but many. |
| 15 | Kana rutsoka rukati: Nokuti handisi ruoko, handisi wemuviri; zvisinei naizvozvi harwusi rwemuviri here? | If the foot shall say, Because I am not the hand, I am not of the body; is it therefore not of the body? |
| 16 | Nenzeve kana ikati: Nokuti handisi ziso, handisi wemuviri; zvisinei naizvozvi haisi yemuviri here? | And if the ear shall say, Because I am not the eye, I am not of the body; is it therefore not of the body? |
| 17 | Dai muviri wese waiva ziso, kunzwa kwaivepi? Kana wese waiva kunzwa, kunhuhwidza kungadai kuripi? | If the whole body were an eye, where were the hearing? If the whole were hearing, where were the smelling? |
| 18 | Asi zvino Mwari wakagadza mitezo, umwe neumwe wayo, pamuviri, sezvaakada. | But now hath God set the members every one of them in the body, as it hath pleased him. |
| 19 | Asi kana yese yaiva mutezo umwe, muviri ungadai uri kupi? | And if they were all one member, where were the body? |
| 20 | Asi zvino mitezo mizhinji, asi muviri umwe. | But now are they many members, yet but one body. |
| 21 | Uye ziso harigoni kuti kuruoko: Handinei newe; kanazve musoro kutsoka: Handinei newe. | And the eye cannot say unto the hand, I have no need of thee: nor again the head to the feet, I have no need of you. |
| 22 | Asi zvikuru kwazvo mitezo iyo yemuviri inoonekwa seisina simba zvikuru, inodikanwa; | Nay, much more those members of the body, which seem to be more feeble, are necessary: |
| 23 | naiyo yemuviri yatinofunga kuti haikudzwi, ndiyo yatinopa rukudzo zvakawedzerwa; nemitezo iyo yedu isina kunaka ine runako rwakawedzerwa; | And those members of the body, which we think to be less honourable, upon these we bestow more abundant honour; and our uncomely parts have more abundant comeliness. |
| 24 | asi yedu ine runako haishaiwi; asi Mwari wakabatanidza muviri pamwe, apa rukudzo rukuru kune yaishayiwa, | For our comely parts have no need: but God hath tempered the body together, having given more abundant honour to that part which lacked: |
| 25 | kuti parege kuva nekupatsanurana pamuviri; asi mitezo ichengetane zvakaenzana. | That there should be no schism in the body; but that the members should have the same care one for another. |
| 26 | Uye kana mutezo umwe uchitambudzika, mitezo yese inotambudzika pamwe nawo; kana mutezo umwe uchikudzwa, mitezo yese inofara pamwe nawo. | And whether one member suffer, all the members suffer with it; or one member be honoured, all the members rejoice with it. |
| 27 | Zvino imwi muri muviri waKristu, nemitezo, umwe neumwe. | Now ye are the body of Christ, and members in particular. |
| 28 | Uye Mwari wakagadza vamwe pakereke, kutanga vaapositori, kechipiri vaporofita, kechitatu vadzidzisi, kozouya mabasa esimba, tevere zvipo zvekuporesa, mabasa erubatsiro, utungamiriri, ndimi dzakasiyana-siyana. | And God hath set some in the church, first apostles, secondarily prophets, thirdly teachers, after that miracles, then gifts of healings, helps, governments, diversities of tongues. |
| 29 | Vese vaapositori here? Vese vaporofita here? Vese vadzidzisi here? Vese vanoita mabasa esimba here? | Are all apostles? are all prophets? are all teachers? are all workers of miracles? |
| 30 | Vese vane zvipo zvekuporesa here? Vese vanotaura nendimi here? Vese vanodudzira here? | Have all the gifts of healing? do all speak with tongues? do all interpret? |
| 31 | Asi shuvai zvipo zvakanakisisa. Uye ndichiri kukuratidzai nzira yakanakisisa zvikuru. | But covet earnestly the best gifts: and yet shew I unto you a more excellent way. |
Shona Bible — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GFDL · 출처 ↗
King James Version — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GPL