로그인

고린도전서 14장 Shona Bible

Shona Bible · 쇼나어 · 고린도전서 (1 Corinthians) · 40절 · 대역: King James Version

절Shona BibleKing James Version
1 Tevererai rudo; mushuve zvikuru zvemweya, asi zvikurusa kuti muporofite. Follow after charity, and desire spiritual gifts, but rather that ye may prophesy.
2 Nokuti anotaura nendimi haatauri kuvanhu, asi kuna Mwari; nokuti hakuna anomunzwa; asi mumweya anotaura zvakavanzika. For he that speaketh in an unknown tongue speaketh not unto men, but unto God: for no man understandeth him; howbeit in the spirit he speaketh mysteries.
3 Asi anoporofita anotaura kuvanhu kuvaka nekurudziro nenyaradzo. But he that prophesieth speaketh unto men to edification, and exhortation, and comfort.
4 Anotaura nendimi anozvivaka iye; asi anoporofita anovaka kereke. He that speaketh in an unknown tongue edifieth himself; but he that prophesieth edifieth the church.
5 Ndinodawo kuti imwi mese mutaure nendimi, asi zvikuru kuti muporofite; nokuti anoporofita mukuru kune anotaura nendimi, kunze kwekuti achidudzira, kuti kereke iwane kuvakwa. I would that ye all spake with tongues, but rather that ye prophesied: for greater is he that prophesieth than he that speaketh with tongues, except he interpret, that the church may receive edifying.
6 Asi ikozvino, hama, kana ndichiuya kwamuri ndichitaura nendimi, ndichakubatsirai nei, kunze kwekuti ndichitaura nemwi kana muchakazarurwa, kana muruzivo, kana muchiporofita, kana mudzidziso? Now, brethren, if I come unto you speaking with tongues, what shall I profit you, except I shall speak to you either by revelation, or by knowledge, or by prophesying, or by doctrine?
7 Zvakadaro zvinhu zvisina upenyu zvinorira, kana nyere, kana rudimbwa, kana zvisingapi musiyano pamaririro, zvingazikanwa sei chinoridzwa nenyere kana kuridzwa rudimbwa? And even things without life giving sound, whether pipe or harp, except they give a distinction in the sounds, how shall it be known what is piped or harped?
8 Nokutiwo kana hwamanda ichipa maungira asinganzwisisiki, ndiani angazvigadzira hondo? For if the trumpet give an uncertain sound, who shall prepare himself to the battle?
9 Saizvozvowo imwi, kana musingapi nerurimi shoko rakareruka kunzwisiswa, zvinotaurwa zvichazikanwa sei? Nokuti muchava vanotaura kumhepo. So likewise ye, except ye utter by the tongue words easy to be understood, how shall it be known what is spoken? for ye shall speak into the air.
10 Ariko, kana zvingaitika, manzwi ane marudzi mazhinji zvakadai panyika asi hakuna rimwe risingarevi chinhu. There are, it may be, so many kinds of voices in the world, and none of them is without signification.
11 Naizvozvo kana ndisingazivi zvinoreva inzwi, ndichava munhu werumwe rurimi kune anotaura, neanotaura munhu werumwe rurimi kwandiri. Therefore if I know not the meaning of the voice, I shall be unto him that speaketh a barbarian, and he that speaketh shall be a barbarian unto me.
12 Zvakadaro nemwi, sezvamunoshingairira zvipo zveMweya, tsvakai kuti mupfuurise pakuvaka kereke. Even so ye, forasmuch as ye are zealous of spiritual gifts, seek that ye may excel to the edifying of the church.
13 Naizvozvo anotaura nendimi ngaanyengetere kuti adudzire. Wherefore let him that speaketh in an unknown tongue pray that he may interpret.
14 Nokuti kana ndichinyengetera nendimi, mweya wangu unonyengetera, asi fungwa dzangu hadzina chibereko. For if I pray in an unknown tongue, my spirit prayeth, but my understanding is unfruitful.
15 Zvino chii? Ndichanyengetera nemweya, uye ndichanyengetera nefungwawo; ndichaimba nemweya, uye ndichaimba nefungwawo. What is it then? I will pray with the spirit, and I will pray with the understanding also: I will sing with the spirit, and I will sing with the understanding also.
16 Kana zvisakadaro, kana uchivonga nemweya, uyo agere pachigaro cheasina kudzidza achati Ameni sei pakuvonga kwako, zvaasingazivi chaunotaura? Else when thou shalt bless with the spirit, how shall he that occupieth the room of the unlearned say Amen at thy giving of thanks, seeing he understandeth not what thou sayest?
17 Nokuti zvirokwazvo iwe unovonga zvakanaka, asi umwe haavakwi. For thou verily givest thanks well, but the other is not edified.
18 Ndinovonga Mwari wangu, kuti ndinotaura nendimi kupfuura imwi mese; I thank my God, I speak with tongues more than ye all:
19 asi mukereke ndinoda kutaura mashoko mashanu nefungwa dzangu, kuti ndidzidzise vamwewo, pamashoko zvuru gumi nendimi. Yet in the church I had rather speak five words with my understanding, that by my voice I might teach others also, than ten thousand words in an unknown tongue.
20 Hama, musava vana pafungwa; asi pazvakaipa muve vacheche, asi pakuziva muve vakuru. Brethren, be not children in understanding: howbeit in malice be ye children, but in understanding be men.
21 Pamurairo pakanyorwa kuti: Nedzimwe ndimi uye neimwe miromo ndichataura kurudzi urwu; kunyange zvakadaro havangandinzwi, anoreva Ishe. In the law it is written, With men of other tongues and other lips will I speak unto this people; and yet for all that will they not hear me, saith the Lord.
22 Naizvozvo ndimi ndedzechiratidzo, kwete kune vanotenda, asi kune vasingatendi; asi chiporofita hachisi chevasingatendi, asi chevanotenda. Wherefore tongues are for a sign, not to them that believe, but to them that believe not: but prophesying serveth not for them that believe not, but for them which believe.
23 Naizvozvo kana kereke yese yaungana panzvimbo imwe, vese ndokutaura nendimi, vasina kudzidza kana vasina rutendo vakapinda, havati munopenga here? If therefore the whole church be come together into one place, and all speak with tongues, and there come in those that are unlearned, or unbelievers, will they not say that ye are mad?
24 Asi kana vese vakaporofita, umwe asingatendi kana asina kudzidza ndokupinda, achatsiurwa nevese, aongororwe nevese; But if all prophesy, and there come in one that believeth not, or one unlearned, he is convinced of all, he is judged of all:
25 uye saizvozvo zvakavanzika zvemoyo wake zvinoratidzwa; saizvozvowo achawa nechiso achinamata Mwari, nekupupura kuti Mwari ari pakati penyu zvirokwazvo. And thus are the secrets of his heart made manifest; and so falling down on his face he will worship God, and report that God is in you of a truth.
26 Zvino chii, hama? Pega-pega pamunoungana, umwe neumwe wenyu ane pisarema, ane dzidziso, ane ndimi, ane chakazarurwa, ane dudziro. Zvinhu zvese ngazviitirwe kuvaka. How is it then, brethren? when ye come together, every one of you hath a psalm, hath a doctrine, hath a tongue, hath a revelation, hath an interpretation. Let all things be done unto edifying.
27 Kana umwe achitaura nendimi ngazviitwe nevaviri, kana varege kupfuura vatatu, uye vachiravana, neumwe ngaadudzire. If any man speak in an unknown tongue, let it be by two, or at the most by three, and that by course; and let one interpret.
28 Asi kana pasina mududziri, ngaanyarare mukereke; uye ngaataure kwaari nekuna Mwari. But if there be no interpreter, let him keep silence in the church; and let him speak to himself, and to God.
29 Vaporofitawo ngavataure vaviri kana vatatu, nevamwe ngavatonge. Let the prophets speak two or three, and let the other judge.
30 Asi kana zvakazarurirwa umwe agerepo, wekutanga ngaanyarare. If any thing be revealed to another that sitteth by, let the first hold his peace.
31 Nokuti mese mungaporofita umwe-umwe, kuti vese vadzidze, uye vese vakurudzirwe; For ye may all prophesy one by one, that all may learn, and all may be comforted.
32 nemweya yevaporofita inozviisa pasi pevaporofita. And the spirits of the prophets are subject to the prophets.
33 Nokuti Mwari haasi wenyonga-nyonga, asi werugare, sapamakereke ese evatsvene. For God is not the author of confusion, but of peace, as in all churches of the saints.
34 Vanhukadzi venyu ngavanyarare mumakereke; nokuti havatenderwi kutaura; asi kuzviisa pasi, sezvinorevawo murairo. Let your women keep silence in the churches: for it is not permitted unto them to speak; but they are commanded to be under obedience, as also saith the law.
35 Kana vachidawo kudzidza chinhu, ngavabvunze varume vavo kumba; nokuti chinyadzo kumunhukadzi kutaura mukereke. And if they will learn any thing, let them ask their husbands at home: for it is a shame for women to speak in the church.
36 Ko shoko raMwari rakabva kwamuri here? Kana rakasvika kwamuri mega here? What? came the word of God out from you? or came it unto you only?
37 Kana munhu achifunga kuti muporofita kana wemweya, ngaatende zvinhu zvandinonyora kwamuri, kuti mirairo yaIshe. If any man think himself to be a prophet, or spiritual, let him acknowledge that the things that I write unto you are the commandments of the Lord.
38 Asi kana munhu asingazivi, ngaave asingazivi. But if any man be ignorant, let him be ignorant.
39 Naizvozvo, hama, shingairirai kuporofita, musingadzivisi kutaura nendimi. Wherefore, brethren, covet to prophesy, and forbid not to speak with tongues.
40 Zvinhu zvese ngazviitwe nemutoo wakafanira uye zvichitevedzana. Let all things be done decently and in order.

Shona Bible — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GFDL · 출처 ↗
King James Version — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GPL