고린도전서 11장 Shona Bible
Shona Bible · 쇼나어 · 고린도전서 (1 Corinthians) · 34절 · 대역: King James Version
| 절 | Shona Bible | King James Version |
|---|---|---|
| 1 | Ivai vatevedzeri vangu, seniwo ndiri waKristu. | Be ye followers of me, even as I also am of Christ. |
| 2 | Zvino ndinokurumbidzai, hama, kuti munondirangarira pazvinhu zvese, muchibatirira patsika sezvandakakumikidza kwamuri. | Now I praise you, brethren, that ye remember me in all things, and keep the ordinances, as I delivered them to you. |
| 3 | Asi ndinoda kuti muzive, kuti musoro wemurume umwe neumwe ndiKristu; uye musoro wemukadzi murume; uye musoro waKristu ndiMwari. | But I would have you know, that the head of every man is Christ; and the head of the woman is the man; and the head of Christ is God. |
| 4 | Murume umwe neumwe anonyengetera kana anoporofita, musoro wakafukidzwa, unozvidza musoro wake. | Every man praying or prophesying, having his head covered, dishonoureth his head. |
| 5 | Asi mukadzi umwe neumwe anonyengetera kana anoporofita nemusoro usina kufukidzwa, anozvidza musoro wake; nokuti ndizvo zvimwezvo nekuveurwa. | But every woman that prayeth or prophesieth with her head uncovered dishonoureth her head: for that is even all one as if she were shaven. |
| 6 | Nokuti kana mukadzi asingafukidzwi, ngaagerwewo; asi kana chiri chinyadzo kumukadzi kugerwa kana kuveurwa, ngaazvifukidze. | For if the woman be not covered, let her also be shorn: but if it be a shame for a woman to be shorn or shaven, let her be covered. |
| 7 | Nokuti murume zvirokwazvo haafaniri kufukidza musoro, sezvaari mufananidzo nekubwinya kwaMwari; asi mukadzi kubwinya kwemurume. | For a man indeed ought not to cover his head, forasmuch as he is the image and glory of God: but the woman is the glory of the man. |
| 8 | Nokuti murume haabvi kumukadzi, asi mukadzi anobva kumurume; | For the man is not of the woman; but the woman of the man. |
| 9 | nokuti nemurume haana kusikirwa mukadzi, asi mukadzi wakasikirwa murume; | Neither was the man created for the woman; but the woman for the man. |
| 10 | nekuda kweizvozvi mukadzi anofanira kuva nesimba pamusoro wake nekuda kwevatumwa. | For this cause ought the woman to have power on her head because of the angels. |
| 11 | Asi murume haasi kunze kwemukadzi, kana mukadzi kunze kwemurume, muna Ishe. | Nevertheless neither is the man without the woman, neither the woman without the man, in the Lord. |
| 12 | Nokuti mukadzi sezvaanobva kumurume, saizvozvo murumewo uripo nemukadzi, asi zvinhu zvese zvinobva kuna Mwari. | For as the woman is of the man, even so is the man also by the woman; but all things of God. |
| 13 | Zvionerei imwi, zvakafanira here kuti mukadzi anyengetere kuna Mwari asina kufukidzwa? | Judge in yourselves: is it comely that a woman pray unto God uncovered? |
| 14 | Kana kunyange chisikirwo pachacho hachikudzidzisii here, kuti kana murume ane vhudzi refu, chinyadzo kwaari? | Doth not even nature itself teach you, that, if a man have long hair, it is a shame unto him? |
| 15 | Asi kana mukadzi ane vhudzi refu, rukudzo kwaari. Nokuti vhudzi refu rakapiwa kwaari chive chifukidzo. | But if a woman have long hair, it is a glory to her: for her hair is given her for a covering. |
| 16 | Asi kana umwe achiratidza kuva negakava, isu hatina tsika yakadaro, kunyange makereke aMwari. | But if any man seem to be contentious, we have no such custom, neither the churches of God. |
| 17 | Zvino mukuraira uku handikurumbidzii, nokuti munounganira kwete zvakapfuura kunaka, asi muzvakapfuura kuipa. | Now in this that I declare unto you I praise you not, that ye come together not for the better, but for the worse. |
| 18 | Nokuti chekutanga kana muchiungana mukereke, ndinonzwa kuti kupatsanurana kuripo pakati penyu; muchidimbu ndinozvitenda. | For first of all, when ye come together in the church, I hear that there be divisions among you; and I partly believe it. |
| 19 | Nokuti kutsauka kunofanira kuva pakati penyu, kuti avo vakatendeka vaonekwe pakati penyu. | For there must be also heresies among you, that they which are approved may be made manifest among you. |
| 20 | Naizvozvo kana muchiungana pamwe, uku hakusi kudya chirairo chaIshe; | When ye come together therefore into one place, this is not to eat the Lord’s supper. |
| 21 | nokuti pakudya umwe neumwe anotanga kutora chirairo chake pachake, uye umwe ane nzara, uye umwe wakararadza. | For in eating every one taketh before other his own supper: and one is hungry, and another is drunken. |
| 22 | Ko hamuna dzimba dzekudyira nekunwira here? Kana munozvidza kereke yaMwari, muchinyadzisa avo vasina chinhu? Ndichatii kwamuri? Ndingakurumbidzai here pane izvi? Handingakurumbidzii. | What? have ye not houses to eat and to drink in? or despise ye the church of God, and shame them that have not? What shall I say to you? shall I praise you in this? I praise you not. |
| 23 | Nokuti ini ndakagamuchira kuna Ishe, icho chandakagamuchidzawo kwamuri, kuti Ishe Jesu neusiku hwaakatengeswa wakatora chingwa, | For I have received of the Lord that which also I delivered unto you, That the Lord Jesus the same night in which he was betrayed took bread: |
| 24 | zvino wakati avonga akamedura, ndokuti: Torai, idyai, ichi muviri wangu unomedurirwa imwi; izvi itai kundirangarira. | And when he had given thanks, he brake it, and said, Take, eat: this is my body, which is broken for you: this do in remembrance of me. |
| 25 | Saizvozvo mukombewo, shure kwekurayira, achiti: Mukombe uyu isungano itsva muropa rangu; izvi itai, nguva dzese kana muchinwa, mukundirangarira. | After the same manner also he took the cup, when he had supped, saying, This cup is the new testament in my blood: this do ye, as oft as ye drink it, in remembrance of me. |
| 26 | Nokuti nguva dzese kana muchidya chingwa ichi, nekunwa mukombe uyu, munoparidza rufu rwaIshe kusvikira asvika. | For as often as ye eat this bread, and drink this cup, ye do shew the Lord’s death till he come. |
| 27 | Naizvozvo ani nani anodya chingwa ichi, kana kunwa mukombe waIshe zvisakafanira, achava nemhosva yemuviri neropa raIshe. | Wherefore whosoever shall eat this bread, and drink this cup of the Lord, unworthily, shall be guilty of the body and blood of the Lord. |
| 28 | Zvino munhu ngaazviongorore, saizvozvowo ngaadye zvechingwa nekunwa zvemukombe. | But let a man examine himself, and so let him eat of that bread, and drink of that cup. |
| 29 | Nokuti anodya nekunwa zvisakafanira, anozvidyira nekunwira kutongwa, zvaasingatsauri muviri waIshe. | For he that eateth and drinketh unworthily, eateth and drinketh damnation to himself, not discerning the Lord’s body. |
| 30 | Nemhaka iyi vazhinji kwamuri indonda nevarwere, nevazhinji varere. | For this cause many are weak and sickly among you, and many sleep. |
| 31 | Nokuti dai taizvinzvera tomene, hatizaitongwa; | For if we would judge ourselves, we should not be judged. |
| 32 | asi kana tichitongwa, tinodzorwa naIshe, kuti tirege kunzi tine mhosva pamwe nenyika. | But when we are judged, we are chastened of the Lord, that we should not be condemned with the world. |
| 33 | Naizvozvo, hama dzangu, kana muchiungana kuti mudye, miriranai. | Wherefore, my brethren, when ye come together to eat, tarry one for another. |
| 34 | Uye kana umwe ane nzara, ngaadye kumba; kuti murege kuunganira kunzi mune mhosva. Asi zvasara, ndichazvironga kana ndichisvika. | And if any man hunger, let him eat at home; that ye come not together unto condemnation. And the rest will I set in order when I come. |
Shona Bible — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GFDL · 출처 ↗
King James Version — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GPL