고린도전서 10장 Shona Bible
Shona Bible · 쇼나어 · 고린도전서 (1 Corinthians) · 33절 · 대역: King James Version
| 절 | Shona Bible | King James Version |
|---|---|---|
| 1 | Uye handidi kuti murege kuziva, hama, kuti madzibaba edu ese akange ari pasi pegore, uye ese akagura nemugungwa, | Moreover, brethren, I would not that ye should be ignorant, how that all our fathers were under the cloud, and all passed through the sea; |
| 2 | uye ese akabhabhatidzwa muna Mozisi mugore nemugungwa, | And were all baptized unto Moses in the cloud and in the sea; |
| 3 | uye ese akadya kudya kumwe kwemweya, | And did all eat the same spiritual meat; |
| 4 | uye ese akanwa zvinwiwa zvimwe zvemweya; nokuti akanwa kubva padombo remweya rakavatevera; uye dombo iro rakange riri Kristu. | And did all drink the same spiritual drink: for they drank of that spiritual Rock that followed them: and that Rock was Christ. |
| 5 | Asi muruzhinji rwawo Mwari haana kufadzwa; nokuti akaparadzwa murenje. | But with many of them God was not well pleased: for they were overthrown in the wilderness. |
| 6 | Zvino zvinhu izvi zvakava mifananidziro kwatiri, kuti tirege kushuva zvakaipa, sezvavakashuvawo. | Now these things were our examples, to the intent we should not lust after evil things, as they also lusted. |
| 7 | Uye musava vanamati vezvifananidzo, sevamwe vavo; sezvakwakanyorwa, kuchinzi: Vanhu vakagara pasi kudya nekunwa, ndokusimuka kutamba. | Neither be ye idolaters, as were some of them; as it is written, The people sat down to eat and drink, and rose up to play. |
| 8 | Uye ngatirege kupomba, sevamwe vavo vakaita upombwe, ndokuwa nezuva rimwe zvuru makumi maviri nezvitatu. | Neither let us commit fornication, as some of them committed, and fell in one day three and twenty thousand. |
| 9 | Uye ngatirege kuidza Kristu, sevamwe vavowo vakamuidza, vakaparadzwa nenyoka. | Neither let us tempt Christ, as some of them also tempted, and were destroyed of serpents. |
| 10 | Muregewo kun'un'una, sevamwe vavowo vakan'un'una, vakaparadzwa nemuparadzi. | Neither murmur ye, as some of them also murmured, and were destroyed of the destroyer. |
| 11 | Zvinhu izvi zvese zvakavawirawo kuti zvive mifananidziro; uye zvakanyorwa kuva yambiro yedu takasvikirwa nemagumo enyika. | Now all these things happened unto them for ensamples: and they are written for our admonition, upon whom the ends of the world are come. |
| 12 | Naizvozvo anofunga kuti amire, ngaaone kuti haawi. | Wherefore let him that thinketh he standeth take heed lest he fall. |
| 13 | Hakuna muedzo wakakubatai kunze kweuri muvanhu; asi Mwari wakatendeka, asingazotenderi kuti muidzwe kupfuura pamunogona napo, asi pamwe nemuedzo achaitawo nzira yekupukunyuka, kuti mugone kuutakura. | There hath no temptation taken you but such as is common to man: but God is faithful, who will not suffer you to be tempted above that ye are able; but will with the temptation also make a way to escape, that ye may be able to bear it. |
| 14 | Naizvozvo, vadikanwi vangu, tizai kunamata zvifananidzo. | Wherefore, my dearly beloved, flee from idolatry. |
| 15 | Ndinotaura sekune vakachenjera; imwi tongai zvandinotaura. | I speak as to wise men; judge ye what I say. |
| 16 | Mukombe weropafadzo watinoropafadza, hausi kugoverana kweropa raKristu here? Chingwa chatinomedura, hachisi kugoverana kwemuviri waKristu here? | The cup of blessing which we bless, is it not the communion of the blood of Christ? The bread which we break, is it not the communion of the body of Christ? |
| 17 | Nokuti isu vazhinji tiri chingwa chimwe, muviri umwe; nokuti isu tese tinogovana pachingwa chimwe. | For we being many are one bread, and one body: for we are all partakers of that one bread. |
| 18 | Tarirai Israeri zvepanyama; vanodya zvibairo havasi ivo vanogoverana nearitari here? | Behold Israel after the flesh: are not they which eat of the sacrifices partakers of the altar? |
| 19 | Ko ndoti kudii? Kuti chifananidzo chinhu here? Kana kuti chakabairwa chifananidzo chinhu here? | What say I then? that the idol is any thing, or that which is offered in sacrifice to idols is any thing? |
| 20 | Asi kuti vahedheni zvavanobaya, vanozvibaira madhimoni, uye kwete kuna Mwari; zvino handidi kuti mudyidzane nemadhimoni. | But I say, that the things which the Gentiles sacrifice, they sacrifice to devils, and not to God: and I would not that ye should have fellowship with devils. |
| 21 | Hamugoni kunwa mukombe waIshe nemukombe wemadhimoni; hamugoni kugovana tafura yaIshe netafura yemadhimoni. | Ye cannot drink the cup of the Lord, and the cup of devils: ye cannot be partakers of the Lord’s table, and of the table of devils. |
| 22 | Kana tinozvimutsira godo Ishe here? Ko takasimba kumupfuura here? | Do we provoke the Lord to jealousy? are we stronger than he? |
| 23 | Zvinhu zvese zvinotenderwa kwandiri; asi hazvisi zvese zvinobatsira. Zvinhu zvese zvinotenderwa kwandiri; asi hazvisi zvese zvinovaka. | All things are lawful for me, but all things are not expedient: all things are lawful for me, but all things edify not. |
| 24 | Kusava neanozvitsvakira zvake, asi umwe neumwe zveumwe. | Let no man seek his own, but every man another’s wealth. |
| 25 | Zvese zvinotengeswa pamisika yenyama idyai, musingabvunzi chinhu nekuda kwehana; | Whatsoever is sold in the shambles, that eat, asking no question for conscience sake: |
| 26 | nokuti nyika ndeya Ishe nekuzara kwayo. | For the earth is the Lord’s, and the fulness thereof. |
| 27 | Uye kana umwe wevasingatendi akakukokai, uye muchida kuenda, chese chinoiswa pamberi penyu idyai musingabvunzi chinhu nekuda kwehana. | If any of them that believe not bid you to a feast, and ye be disposed to go; whatsoever is set before you, eat, asking no question for conscience sake. |
| 28 | Asi kana umwe akati kwamuri: Ichi chakabairwa chifananidzo; musadya nekuda kwaiye wakuratidzai, uye kwehana; nokuti nyika ndeya Ishe nekuzara kwayo. | But if any man say unto you, This is offered in sacrifice unto idols, eat not for his sake that shewed it, and for conscience sake: for the earth is the Lord’s, and the fulness thereof: |
| 29 | Asi hana ndinoti, isati iri yako, asi yeumwe; nokuti kusununguka kwangu kunotongerwei nehana yeumwe? | Conscience, I say, not thine own, but of the other: for why is my liberty judged of another man’s conscience? |
| 30 | Uye kana ini nenyasha ndichiwana mugove, ndingagotukirwei nekuda kwechinhu chandinovonga ini? | For if I by grace be a partaker, why am I evil spoken of for that for which I give thanks? |
| 31 | Naizvozvo kana muchidya, kana kunwa, kana chipi nechipi chamunoita, zviitirei rukudzo rwaMwari. | Whether therefore ye eat, or drink, or whatsoever ye do, do all to the glory of God. |
| 32 | Regai kugumbusa zvese kuVaJudha nekuVaGiriki nekukereke yaMwari; | Give none offence, neither to the Jews, nor to the Gentiles, nor to the church of God: |
| 33 | seniwo ndinofadza vese pazvese, ndisingatsvaki rubatsiro rwangu, asi rwevazhinji, kuti vaponeswe. | Even as I please all men in all things, not seeking mine own profit, but the profit of many, that they may be saved. |
Shona Bible — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GFDL · 출처 ↗
King James Version — getbible.net(CrossWire SWORD 모듈)에서 가져옴 · 라이선스: GPL